1海中的獸和地上的獸我又看見一隻獸從海裡上來,有十角七頭,十角上戴著十個皇冠,七頭上有褻瀆的名號。
1Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa ndikaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi; nepamusoro penyanga dzacho, korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.
2我所看見的獸,樣子好像豹,腳像熊的腳,口像獅子的口。龍把自己的能力、王位和大權柄,都交給了牠。
2Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba; zibukanana rikachipa simba raro, nechigaro charo cheushe, nesimba guru.
3獸的七頭中有一個似乎受了致命傷,但那致命傷卻醫好了。全地的人都很驚奇,跟從那獸。
3Zvino ndakazoona umwe wemisoro yacho wakange wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga raifanira kuuraya rakange rapora; nyika yose ikashamisika ichitevera chikara.
4因為龍把權柄交給了獸,大家就拜龍,也拜獸,說:“有誰可以跟這獸相比?有誰能與牠作戰呢?”
4Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara; vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kuita hondo nacho?
5龍又給了那獸一張說誇大和褻瀆話的嘴巴,也給了牠權柄可以任意而行四十二個月。
5Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwa kwachiri simba kuti chizviite mwedzi makumi mana nemiviri.
6獸就開口向 神說褻瀆的話,褻瀆他的名和他的帳幕,以及那些住在天上的。
6Ndokubva chashamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake netende rake naivo vanogara kudenga.
7牠得了允許能跟聖徒作戰,並且能勝過他們;又有權柄給了牠,可以管轄各支派、各民族、各方言、各邦國。
7Zvino kwakapiwa kwachiri kuti chiite hondo nevatsvene, nekuvakunda; simba rikapiwawo kwachiri pamusoro perudzi rwose nerurimi nerudzi.
8所有住在地上的人,名字沒有記在創世以來被殺的羊羔之生命冊上的,都要拜牠。
8Uye vose vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakuvambwa kwenyika.
9凡有耳的,就應當聽!
9Kana munhu ane nzeve, ngaanzwe.
10如果人應該被俘擄,就必被俘擄;如果人應該被刀殺,就必被刀殺。在這裡聖徒要有忍耐和信心!
10Kana munhu achitapa, unoenda muutapwa, unouraya nemunondo unofanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.
11我又看見另一隻獸從地裡上來。牠有兩個角好像羊羔,說話好像龍。
11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira chichibva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, chikataura sezibukanana.
12牠在頭一隻獸面前,行使頭一隻獸的一切權柄。牠使全地和住在地上的人,都拜那受過致命傷而醫好了的頭一隻獸。
12Uye chakashandisa simba rose rechikara chekutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.
13牠又行大奇事,甚至在人面前叫火從天上降在地上。
13Chinoita zvishamiso zvikuru, zvekuti chinoburusira moto kubva kudenga panyika pamberi pevanhu.
14牠得了能力,在頭一隻獸面前能行奇事,迷惑了住在地上的人,吩咐住在地上的人,要為那受過刀傷而還活著的獸做個像。
14Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezvishamiso zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kune vanogara panyika kuti vaitire mufananaidzo chikara chakange chine vanga remunondo chikararama.
15又有能力賜給牠,可以把氣息給獸像,使獸像能夠說話,並且能夠殺害那些不拜獸像的人。
15Chikapiwa simba kuti chipe mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
16那從地裡上來的獸,又要所有的人,無論大小貧富,自由的和作奴隸的,都在右手或額上,給自己作個記號。
16Chinokonzera vose, zvose vaduku nevakuru, vafumi nevarombo, vakasununguka nevakasungwa, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,
17這記號就是獸的名字或獸名的數字,除了那有記號的,誰也不能買,誰也不能賣。
17uye kuti kusava neunogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye une mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.
18在這裡要有智慧。有悟性的人,就讓他計算獸的數字,因為這是人的數字,它的數字是六百六十六。
18Hehwuno uchenjeri. Unonzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nekuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.