聖經新譯本

Shona

Revelation

14

1救贖的新歌我又觀看,見羊羔站在錫安山上,跟他在一起的還有十四萬四千人。他們的額上都寫著他的名和他父的名。
1Zvino ndakaona, tarira, Gwayana rimire pagomo Ziyoni, rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
2我聽見有聲音從天上來,好像眾水的聲音,好像大雷的聲音;我所聽見的聲音,又像琴師彈奏的琴聲。
2Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwa inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.
3他們在寶座前,在四個活物和眾長老面前唱新歌;除了從地上買來的那十四萬四千人以外,沒有人能學這歌。
3Vakaimba sezvinonzi rwaiva rwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uyo hakuna wakagona kudzidza rwiyo, asi zvuru zana nemakumi mana nevana, vakadzikinurwa panyika.
4這些人沒有跟婦女在一起而使自己玷污,他們原是童身的。羊羔無論到哪裡去,他們都跟隨他。這些人是從世人中買來的,作初熟的果子歸給 神和羊羔。
4Ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nekuti imhandara. Ndivo avo vanotevera Gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa kubva pakati pevanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
5在他們口中找不著謊言;他們是沒有瑕疵的。
5Mumuromo mavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nekuti havana chavangapomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
6三個天使的信息我又看見另一位天使在高空飛翔,有永遠的福音要傳給住在地上的人,就是各邦國、各支派、各方言、各民族的人。
6Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuti aiparidzire avo vanogara panyika, nekurudzi rwose, nedzinza, nerurimi, nevanhu.
7他大聲說:“應當敬畏 神,把榮耀歸給他!因為他審判的時候到了,應當敬拜創造天、地、海和眾水泉源的那一位!”
7Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, mupe rumbidzo kwaari; nekuti nguva yekutonga kwake yasvika; uye namatai iye wakasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
8又有第二位天使接著說:“傾倒了!大巴比倫傾倒了!它曾經叫列國喝它淫亂烈怒的酒。”
8Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yekutsamwa koupombwe hwaro.
9又有第三位天使接著他們大聲說:“如果有人拜獸和獸像,又在自己的額上或手上受了記號,
9Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera achiti nenzwi guru: Kana pane unonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake.
10他就必定喝 神烈怒的酒:這酒是斟在 神震怒的杯中,純一不雜的。他必定在眾天使和羊羔面前,在火與硫磺之中受痛苦。
10ndiye uchamwa waini yekutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wekutsamwa kwake; uye ucharwadziswa nemoto nesarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
11他們受痛苦的煙往上冒,直到永永遠遠。那些拜獸和獸像的,以及接受牠名字的記號的人,日夜得不到安息。”
11Zvino utsi hwokurwadziwa kwavo hwunokwira kusvikira rinhi narinhi; zvekare havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, nani nani unogamuchira mucherechedzo wezita racho.
12在這裡,那些遵守 神的命令和耶穌的信仰的聖徒,要有忍耐。
12Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
13我聽見從天上有聲音說:“你要寫下來!從今以後,那在主裡死去的人有福了!”聖靈說:“是的,他們脫離自己的勞苦,得享安息了,他們的作為也隨著他們。”
13Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa, vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo, nemabasa avo anovatevera.
14收割地上的莊稼我又觀看,見有一片白雲,雲上坐著一位好像人子的,頭上戴著金冠,手裡拿著鋒利的鐮刀。
14Zvino ndakaona, tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yendarama pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
15有另一位天使從聖所出來,對那坐在雲上的大聲呼喊:“伸出你的鐮刀來收割吧!因為收割的時候已經到了,地上的莊稼已經熟透了。”
15Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mukohwe; nekuti nguva yekuti mukohwe yasvika, nekuti kukohwa kwenyika kwaibva.
16於是那坐在雲上的向地上揮動鐮刀,地上的莊稼就被收割了。
16Ipapo wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nenyika ikakohwewa.
17又有另一位天使從天上的聖所出來,他也拿著一把鋒利的鐮刀。
17Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
18接著,又有一位天使從祭壇那裡出來,是有權柄掌管火的;他向那拿著鋒利鐮刀的天使大聲說:“伸出你鋒利的鐮刀來,收取地上葡萄樹纍纍的果子吧!因為葡萄已經熟透了。”
18Neumwe mutumwa akabuda muaritari, wakange ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nenzwi guru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, muunganidze masumbu emuzambiringa wenyika, nekuti mazambiringa awo aibva.
19於是,那天使向地上揮動鐮刀,收取了地上的葡萄,把葡萄扔在 神烈怒的大壓酒池裡。
19Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
20那壓酒池在城外被踹踏,就有血從壓酒池流出來,漲到馬的嚼環那麼高,流到三百公里(“三百公里”原文作“一千六百司他町”)那麼遠。
20Asi chisvinuro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira rasvika pamatomu amabhiza, rikasvika mastadhia* churu mazana matanhatu.