1最後的七災我看見天上有另一個景象,又大又奇。有七位天使掌管著末後的七災,因為 神的烈怒在這七災中發盡了。
1Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru uye chinoshamisa: Vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nekuti kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa maari.
2我又看見好像有一個攙雜著火的玻璃海;也看見那些勝過了獸、獸像,以及獸名的數字的人。他們都站在玻璃海上,拿著 神的琴。
2Ndikaona chakaita segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, naivo vawana kukunda chikara nemufananidzo wacho, nemucherechedzo nenhamba* yezita racho vamire pamusoro pegungwa regirazi vane udimbwa hwaMwari.
3他們唱著 神僕人摩西的歌和羊羔的歌,說:“主啊!全能的 神,你的作為又偉大又奇妙!萬國的王啊,你的道路又公義又真實!
3Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari, nerwiyo rweGwayana vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, imwi Ishe wevatsvene.
4主啊!誰敢不敬畏你,不榮耀你的名呢?因為只有你是神聖的,萬國都要來,在你面前下拜,因為你公義的作為已經顯明出來了。”
4Ndiani ungarega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nekuti ndimwi moga mutsvene; nekuti marudzi ose achauya achinamata pamberi penyu; nekuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.
5這些事以後,我觀看,見天上安放約櫃(“約櫃”原文作“見證的櫃”)的帳幕的聖所開了。
5Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetende reuchapupu mukudenga;
6那掌管著末後七災的七位天使,從聖所出來,穿著清潔明亮的細麻衣,胸間束著金帶。
6zvino kwakabuda mutembere vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe, vakafuka rineni yakachena inopenya, vakasungwa pazvifuva zvavo nemabhanhire endarama.
7四個活物中有一個,把盛滿了活到永永遠遠之 神的烈怒的七個金碗,交給了那七位天使。
7Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama dzizere nehasha dzaMwari, iye mupenyu kusvikira rinhi narinhi.
8因著 神的榮耀和大能,聖所中充滿了煙,在那七位天使降完七災以前,沒有人能進入聖所。
8Tembere ikazadzwa neutsi hwunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava nemunhu wakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.