1 神忿怒的七碗我聽見有大聲音從聖所裡發出來,向那七位天使說:“你們去,把 神烈怒的七碗倒在地上!”
1Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai munodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.
2第一位天使去了,把碗倒在地上,就有惡性的毒瘡,生在那些有獸的記號和拜獸像的人身上。
2Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; neronda rakaipa rinorwadza rikawira pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara nevakanamata mufananidzo wacho.
3第二位天使把碗倒在海裡,海水就變成好像死人的血,海裡的一切生物都死了。
3Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pamusoro pegungwa; rikava seropa rewakafa; mweya mupenyu woga woga ukafa mugungwa.
4第三位天使把碗倒在江河和眾水的泉源裡,水就變成了血。
4Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake pamusoro penzizi nezvitubu zvemvura ndokuva ropa.
5我聽見掌管眾水的天使說:“今在昔在的聖者啊!你這樣審判是公義的,
5Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama imwi Ishe, uripo newakange aripo neuchazovapo nekuti makatonga saizvozvi.
6因為他們曾流聖徒和先知的血,現在你給他們血喝,這是他們該受的。”
6Nekuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye makavapa ropa kuti vamwe; nekuti vakafanira.
7我又聽見祭壇中有聲音說:“是的,主啊!全能的 神,你的審判真實、公義!”
7Zvino ndakanzwa umwe muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wamasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi kwakarurama.
8第四位天使把碗倒在太陽上,太陽就得了能力,可以用火烤人。
8Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, nesimba rakapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
9人被高熱燒烤,就褻瀆那有權柄掌管這些災難的 神的名,並不悔改,把榮耀歸給他。
9Zvino vanhu vakapiswa nekupisa kukuru, vakanyomba zita raMwari une simba pamusoro pematambudziko awa; vakasatendevuka kuti vamupe rukudzo.
10第五位天使把碗倒在獸的座位上,獸的國就黑暗了。人因為痛苦就咬自己的舌頭。
10Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuzadzwa nerima, vakatsenga marimi avo nekurwadzwa;
11他們又因為所受的痛苦和所生的瘡,褻瀆天上的 神,並不為自己所作的悔改。
11vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo nemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
12第六位天使把碗倒在幼發拉底大河上,河水就乾了,為了要給那些從東方來的王預備道路。
12Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru, Yufratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
13我看見三個污靈,好像青蛙從龍口、獸口和假先知的口中出來。
13Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu sematafi ichibva mumuromo wezibukanana nemumuromo wechikara, nemumuromo wemuporofita wenhema;
14他們原是鬼魔的靈,施行奇事;牠們到普天下的眾王那裡去,叫他們在全能 神的大日聚集作戰。
14Nekuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo inobudira kumadzimambo enyika nepanyika yose, kuvakokera kuhondo yezuva iro guru raMwari Wamasimbaose.
15(看哪,我來像賊一樣!那警醒、看守自己衣服的是有福的!他就不至於赤身行走,讓人看見他的羞恥。)
15Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa uyo unorinda, achichengeta nguvo dzake kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
16污靈就把眾王聚集在一個地方,希伯來話叫哈米吉多頓。
16Zvino wakavaunganidza panzvimbo inonzi nechiHebheru Hamagedhoni.
17第七位天使把碗倒在空中,就有大聲音從聖所的寶座上發出來,說:“成了!”
17Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mumhepo, kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
18於是有閃電、響聲、雷轟和大地震,自從地上有人以來,沒發生過這麼大的地震,
18Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni; uye kukava nokudengenyika kwenyika kukuru kusina kumbovapo kubva kuvapo kwakaita vanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba kwakakura kudai.
19那大城裂為三段,列國的城也都倒塌了。 神也想起巴比倫大城來,要把自己烈怒的酒杯遞給它。
19Zvino guta guru rikakamurwa kuita zvikamu zvitatu, maguta emarudzi akawa; uye Bhabhironi guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
20各海島都逃避了,眾山也不見了。
20Zvino chiwi choga choga chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
21有大冰雹從天上落在人的身上,每塊重約四十公斤。由於這冰雹的災,人就褻瀆 神,因為這災太嚴重了。
21Chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda*, chikawira pamusoro pevanhu chichibva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nekuti dambudziko racho raiva gurusa kwazvo.