1 神照各人所作的報應各人你這判斷人的啊!無論你是誰,都沒有辦法推諉。你在甚麼事上判斷人,就在甚麼事上定自己的罪;因為你所作的,正是你所判斷的事。
1Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi unotonga; nekuti pachinhu icho chaunotonga mumwe, unozvipa mhosva iwe, nekuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.
2我們知道, 神必照著真理審判行這些事的人。
2Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu izvozvo.
3你這個人,你判斷行這些事的人,自己所行的卻是一樣,你以為能逃脫 神的審判嗎?
3Zvino unofunga izvi here, iwe munhu unotonga avo vanoita zvinhu zvakadai, uchiitawo zvakadaro, kuti ungatiza kutonga kwaMwari?
4還是你藐視 神豐富的恩慈、寬容和忍耐,不曉得他的恩慈是要領你悔改的嗎?
4Kana unozvidza ufumi hwenyasha dzake nemoyo murefu, nemoyo munyoro; usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?
5可是你一直硬著心腸,不肯悔改,為自己積蓄 神的忿怒,就是他彰顯公義審判的那天所要發的忿怒。
5Asi neukukutu hwako, nemoyo usingatendeuki, unozviunganidzira hasha nezuva rekutsamwa nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari;
6 神必照各人所作的報應各人:
6iye uchapa kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;
7以永生報答那些耐心行善、尋求榮耀尊貴和不朽的人,
7kuna ivo vane moyo mirefu vanorambira mumabasa akanaka vachitsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, uchavapa upenyu husingaperi.
8卻以震怒和憤恨報應那些自私自利、不順從真理而順從不義的人;
8Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo hasha nokutsamwa;
9把患難和愁苦加給所有作惡的人,先是猶太人,後是希臘人,
9kutambudzika nenhamo pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu unoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha, newemuGiriki;
10卻把榮耀、尊貴與平安賜給所有行善的人,先是猶太人,後是希臘人。
10asi kubwinya nokukudzwa, nerugare kune umwe neumwe unoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.
11因為 神並不偏待人。
11Nekuti hakuna rusarura gomunhu kuna Mwari.
12律法的作用刻在人心凡不在律法之下犯了罪的,將不按律法而滅亡;凡在律法之下犯了罪的,將按律法受審判。
12Nekuti vose vakatadza vakatadza vasina murairo; vachaparara vasina murairo; uye vose vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;
13因為在 神面前,不是聽律法的為義,而是行律法的得稱為義。
13nekuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo ndivo vachanzi vakarurama;
14沒有律法的外族人,如果按本性行律法上的事,他們雖然沒有律法,自己就是自己的律法;
14nekuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zvinhu zviri mumurairo, ava vasina murairo ndivo murairo wavo vamene;
15這就表明律法的作用是刻在他們的心裡,有他們的良心一同作證,他們的思想互相較量,或作控告、或作辯護。
15vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupurawo, nemirangariro panguva iyi ichipa mhosva kana kurwira pakati pavo;
16這也要照著我所傳的福音,在 神藉著耶穌基督審判各人隱情的那一天,彰顯出來。
16nezuva iro Mwari paachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.
17內心作猶太人的才是猶太人你身為猶太人,倚靠律法,仗著 神誇口,
17Tarira iwe unonzi muJudha, unozembera pamurairo, unozvikudza pamusoro paMwari,
18而且明白他的旨意,又從律法得了教導,能夠辨別甚麼是好的,
18unoziva chido nekugamuchira zvakanakisisa, uchidzidziswa nemurairo,
19自信是瞎子的嚮導,在黑暗中的人的光,
19unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,
20愚昧人的導師,小孩子的教師,在律法上得了整套的知識和真理;
20murairi wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;
21你既然教導別人,難道不教導自己嗎?你傳講不可偷竊,自己卻偷竊嗎?
21Naizvozvo iwe unodzidzisa mumwe, hauzvidzidzisi here? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, iwe haubi here?
22你說不可姦淫,自己卻姦淫嗎?你憎惡偶像,自己卻劫掠廟宇嗎?
22Iwe unoti usapombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unopamba tembere dzavo here?
23你既然以律法誇口,自己卻因犯律法而羞辱 神嗎?
23Iwe unozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?
24正如經上所說的:“ 神的名,因你們的緣故在列邦中被褻瀆。”
24Nekuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni kubudikidza nemwi sezvazvakanyorwa.
25你若遵行律法,割禮固然有益處;但你若是犯律法的,你的割禮就不是割禮了。
25Nekuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchichengeta murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kunoitwa kusadzingiswa.
26這樣,沒有受割禮的人,如果遵守律法所規定的,他雖然沒有受過割禮,不也算是受過割禮的嗎?
26Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, ko kusadzingiswa kwake hakuveregwi sekudzingiswa here?
27那本來沒有受割禮卻遵守律法的人,就要審判你這有儀文和割禮而犯律法的人。
27Nekusadzingiswa kwepachizvarigo, achizadzisa murairo, haangakutongi here iwe mudariki wemurairo nemagwaro uye kudzingiswa?
28因為表面上作猶太人的並不是猶太人,在肉身上表面的割禮也不是割禮。
28Nekuti haazi muJudha, uri muJudha gokunze; hakuzi kudzingiswa kuri kwekunze panyama;
29唯有在內心作猶太人的才是猶太人;割禮也是心裡的,是靠著聖靈而不是靠著儀文。這樣的人所受的稱讚,不是從人來的,而是從 神來的。
29asi iye muJudha uri iye nechomukati; nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete mumagwaro; kurumbidzwa kwake hakubvi kuvanhu asi kuna Mwari.