1猶太人獨特的地方這樣說來,猶太人獨特的地方在哪裡呢?割禮又有甚麼益處呢?
1Ko muJudha uri nani nei? Kana kudzingiswa kune mubairo wei?
2從各方面來說,的確很多。最重要的,是 神的聖言已經託付了他們。
2Zvizhinji nemitoo yose; nekuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
3即使有人不信,又有甚麼關係呢?難道他們的不信會使 神的信實無效嗎?
3Zvino kana vamwe vasina rutendo? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
4絕不可能! 神總是誠實的,人卻是虛謊的,正如經上所記:“你在話語上,顯為公義;你被論斷時,必然得勝。”
4Ngazvisadaro! asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wose murevi wenhema; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
5我且照著人的見解來說,我們的不義若彰顯 神的義,我們可以說甚麼呢?難道降怒的 神是不義的嗎?
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatii? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanodurura hasha?(Ndinotaura semunhu.)
6絕對不是!如果是這樣, 神怎能審判世界呢?
6Ngazvisadaro! kana zvikasadaro Mwari ungagozotonga nyika sei?
7但是 神的誠實,如果因我的虛謊而更加顯出他的榮耀來,為甚麼我還要像罪人一樣受審判呢?
7Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa kubudikidza nenhema dzangu parumbidzo yake, ko iniwo ndichiri kutongerwei semutadzi?
8為甚麼不說:“我們去作惡以成善吧!”(有人毀謗我們,說我們講過這話。)這種人被定罪是理所當然的。
8Uye kana zvikadai, tichapomerwa zvakaipa uye sezvinopupura vamwe vachiti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kurashwa kwavo kuve kwekururama.
9世上一個義人也沒有那又怎麼樣呢?我們比他們強嗎?絕不是的。因為我們已經控訴過,無論是猶太人或是希臘人,都在罪惡之下,
9Ko zvino-ke? Tiri nani here? Kwete nepaduku pose; nekuti tambopa vose mhosva, vaJudha nevaGiriki, kuti vose vari pasi pechivi;
10正如經上所說:“沒有義人,連一個也沒有,
10sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
11沒有明白的,沒有尋求 神的;
11hakuna unonzwisisa; hakuna unotsvaka Mwari;
12人人都偏離了正道,一同變成污穢;沒有行善的,連一個也沒有。
12vose vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo, Hakuna unoita zvakanaka, kwete kunyange neumwe;
13他們的喉嚨是敞開的墳墓,他們用舌頭弄詭詐,他們嘴裡有虺蛇的毒,
13Huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu hwuri pasi pemiromo yavo;
14滿口是咒罵和惡毒;
14Muromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
15為了殺人流血,他們的腳步飛快,
15tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16在經過的路上留下毀滅和悲慘。
16Kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo;
17和睦之道,他們不曉得,
17uye nzira yerugare havana kuiziva;
18他們的眼中也不怕 神。”
18kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
19然而我們曉得,凡律法所說的,都是對在律法之下的人說的,好讓每一個人都沒有話可講,使全世界的人都伏在 神的審判之下。
19Zvino toziva kuti zvinhu zvose zvinorehwa nemurairo zvinoreva kune vose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20沒有一個人可以靠行律法,在 神面前得稱為義,因為藉著律法,人對於罪才有充分的認識。
20Naizvozvo kubudikidza nemabasa emurairo, hakuna nyama inganzi yakarurama pamberi pake; nekuti zvivi zvinoziviswa nemurairo.
21因信基督白白稱義現在,有律法和先知的話可以證明: 神的義在律法之外已經顯明出來,
21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pasina murairo, kuchipupurwa nezvako nemurairo nevaporofita;
22就是 神的義,因著信耶穌基督,毫無區別地臨到所有信的人。
22kunyange kururama kwaMwari nerutendo rwaJesu Kristu kune vose nepamusoro pevose vanotenda; nekuti hapana musiyano;
23因為人人都犯了罪,虧缺了 神的榮耀,
23nekuti vose vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari.
24但他們卻因著 神的恩典,藉著在基督耶穌裡的救贖,就白白地稱義。
24Vachinzi havana mhosva pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu.
25 神設立了耶穌為贖罪祭(“贖罪祭”原文作“蔽罪所”),是憑著他的血,藉著人的信,為的是要顯明 神的義;因為 神用忍耐的心寬容了人從前所犯的罪,
25Iye wakagadzwa naMwari, kuva mumiririri kubudikidza nerutendo muropa rake, kuratidza kururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
26好在現今顯明他的義,使人知道他自己為義,又稱信耶穌的人為義。
26kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva ino, kuti ave wakarurama uye mururamisi werutendo rwaJesu.
27這樣,有甚麼可誇的呢?沒有可誇的了。憑甚麼準則說沒有的呢?憑行為嗎?不是的,而是以信心為準則說的。
27Zvino kuzvikudza kuripi? Kwasiiwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
28因為我們認定,人稱義是由於信,並不是靠行律法。
28Naizvozvo tinogura kuti munhu unoruramiswa nerutendo pasina mabasa emurairo.
29難道 神只是猶太人的 神嗎?不也是外族人的 神嗎?是的,他也是外族人的 神。
29NdiMwari wevaJudha voga here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu, wevahedheniwo;
30 神既然只有一位,他就以信為準則稱受割禮的為義,也要以信為準則稱沒有受割禮的為義。
30Mwari zvaari mumwe, ucharuramisa kudzingiswa kubudikidza nerutendo, nekusadzingiswa kubudikidza nerutendo.
31這樣說來,我們以信廢掉了律法嗎?絕對不是,倒是鞏固了律法。
31Zvino tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.