聖經新譯本

Shona

Romans

4

1亞伯拉罕因信稱義那麼,論到在血統(“血統”原文作“肉身”)上作我們祖先的亞伯拉罕所經驗的,我們可以說甚麼呢?
1Zvino tichati Abhurahamu baba vedu wakawanei panyama?
2亞伯拉罕若是因行為稱義,就有可誇的,只是不能在 神面前誇口。
2Nekuti dai Abhurahamu akanzi wakarurama nemabasa ake, une kuzvikudza; asi kwete pamberi paMwari.
3經上怎麼樣說呢?“亞伯拉罕信 神,這就算為他的義。”
3Nekuti Rugwaro runoti kudini? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
4作工的得工資,不算是恩典,是他應得的。
4Asi kune unoshanda, mubairo hautorwi sowenyasha, asi wengava.
5可是,那不作工而只信那稱不敬虔的人為義的 神的,他的信就算為義了。
5Asi kune usingashandi, asi unotenda kuna iye unoruramisa usingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
6大衛也是這樣說,那不靠行為而蒙 神算為義的人是有福的!
6SaDhavhidhiwo achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu unoverengwa naMwari sewakarurama kunze kwemabasa, achiti:
7“過犯得蒙赦免,罪惡得到遮蓋的人,是有福的;
7Vakaropafadzwa vakakangamwirwa zvakaipa zvavo, vane zvivi zvakafukidzirwa;
8主不算為有罪的,這人是有福的。”
8Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingaverengeri chivi.
9這樣看來,那有福的人,是指受割禮的呢,還是指沒有受割禮的呢?因為我們說:“亞伯拉罕的信算為他的義。”
9Zvino kuropafadzwa uku kuri pamusoro pokudzingiswa here kana pamusoro pokusadzingiswawo? Nekuti tinoti rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahamu kuti kururama.
10那麼,是怎樣算的呢?是在他受割禮以後呢,還是在他受割禮之前呢?不是在他受割禮以後,而是他受了割禮以前。
10Zvino kwakaverengwa sei? Ari mukudzingiswa here kana mukusadzingiswa? kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
11他領受了割禮為記號,作他受割禮之前因信稱義的印證,使他作所有沒有受割禮而信之人的父,使他們也被算為義;
11Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, chive chisimbiso chekururama kwerutendo, rwaakanga anarwo asati adzingiswa; kuti ave baba vevose avo vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
12又作受割禮之人的父,就是作那些不僅受割禮,並且照著我們祖宗亞伯拉罕未受割禮時就信的那腳蹤而行之人的父。
12uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vekudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahamu, kwevaiva nako vasati vadzingiswa.
13 神應許的他必能成就原來 神給亞伯拉罕和他後裔承受世界的應許,並不是因著律法,而是藉著因信而來的義。
13Nekuti hakusi kubudikidza nemurairo kwakava nechivimbiso kuna Abhurahamu kana kumbeu yake chekuva mugari wenhaka yenyika, asi kubudikidza nekururama kwerutendo.
14如果屬於律法的人才能成為後嗣,信就沒有作用,應許也就落空了。
14Nekuti kana ivo vari vemurairo, vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinoshaiswa basa;
15因為律法帶來刑罰,沒有律法,就沒有違背律法的事。
15nekuti murairo unouyisa kutsamwa; nekuti pasina murairo hapana kudarika.
16所以,成為後嗣是因著信,為的是要按著 神的恩典,使給所有後裔的應許堅定不移,不但臨到那屬於律法的人,也臨到那效法亞伯拉罕而信的人。亞伯拉罕在 神面前作我們眾人的父,
16Naizvozvo ndezverutendo kuti zvive zvenyasha; kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yake yese; chisati chiri chemurairo chete, asi neicho cherutendo rwaAbhurahamuwo, unova baba vedu tose,
17如經上所記:“我已經立了你作萬國的父。”他所信的,是叫死人得生命、使無變為有的 神。
17(sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unomutsa vakafa, nekudana zvisipo sekunge zviripo.
18在他沒有盼望的時候,仍然懷著盼望去信,因此就成了萬國的父,正如 神所說:“你的後裔將要這樣眾多。”
18Iye pasina tariro wakatenda kutariro, kuti uchava baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, ndizvo zvichaita mbeu yako.
19他快到一百歲的時候,想到自己的身體好像已經死了,撒拉也不能生育,他的信心還是不軟弱,
19Uye haana kushaiwa simba parutendo, akasarangarira muviri wake zvino wakange wafa, nekuti akange ava nemakore anenge zana, kana kufa kwechizvaro chaSara;
20也沒有因著不信而疑惑 神的應許,反倒堅信不移,把榮耀歸給 神,
20Asi haana kukahadzika pachivimbiso chaMwari kubudikidza nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
21滿心相信 神所應許的, 神必能成就。
21achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.
22因此,這就算為他的義。
22Saka zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
23“算為他的義”這一句話,不是單為他寫的,
23Zvino zvakanga zvisina kunyorwa nekuda kwake oga, kuti zvakaverengerwa kwaari;
24也是為我們這將來得算為義的人寫的,就是為我們這信 神使我們的主耶穌從死人中復活的人寫的。
24asi nekuda kweduwo; tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kuvakafa,
25耶穌為我們的過犯被交去處死,為我們的稱義而復活。
25wakakumikidzwa kurufu nekuda kwemhosva dzedu, akamutswazve kuti tinzi takarurama.