1因信稱義後所得的恩典所以,我們既然因信稱義,就藉著我們的主耶穌基督與 神和好;
1Naizvozvo zvatinonzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu;
2我們也憑著信,藉著他可以進入現在所站的這恩典中,並且以盼望得享 神的榮耀為榮。
2watakawanawo naye mapindiro nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri; tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.
3不但這樣,我們更以患難為榮;知道患難產生忍耐,
3Zvisati zviri izvo chete, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouyisa kutsungirira;
4忍耐產生毅力,毅力產生盼望;
4kutsungirira kusimba; nekusimba tariro;
5盼望是不會令人蒙羞的,因為 神藉著所賜給我們的聖靈,把他的愛澆灌在我們的心裡。
5tariro hainyadzisi, nekuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene unopiwa kwatiri.
6當我們還軟弱的時候,基督就照所定的日期,為不敬虔的人死了。
6Nekuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
7為義人死,是少有的;為好人死,或有敢作的;
7Nekuti zvinorema kuti umwe afire munhu wakarurama; nekuti zvimwe kungava neumwe ungatsunga kufira wakanaka.
8唯有基督在我們還作罪人的時候為我們死, 神對我們的愛就在此顯明了。
8Asi Mwari unosimbisa rudo rwake omene kwatiri, pakuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.
9所以,我們現在既然因他的血稱義,就更要藉著他免受 神的忿怒。
9Zvikuru zvino zvatinonzi hatina mhosva neropa rake, tichaponeswa kubudikidza naye pahasha.
10我們作仇敵的時候,尚且藉著 神兒子的死與他復和,既然復和了,就更要因他的生得救了!
10Nekuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya kana tichiyananiswa tichaponeswa neupenyu hwake;
11不但這樣,我們現在已經藉著我們的主耶穌基督與 神復和,也藉著他以 神為榮。
11zvisati zviri saizvozvo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.
12亞當與基督的比較正好像罪藉著一個人入了世界,死又是從罪來的,所以死就臨到全人類,因為人人都犯了罪。
12Naizvozvo chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi; naizvozvo rufu rwakapfuurira kumunhu wose, nekuti vose vakatadza;
13沒有律法以前,罪已經在世界上了;不過,沒有律法的時候,罪也不算罪。
13nekuti kusvika murairo wavapo chivi chakanga chiri panyika; nekuti chivi hachiverengerwi pasinomurairo.
14可是,從亞當到摩西,死就掌權了,甚至那些不像亞當那樣犯罪的人,也在死的權下;亞當正是要來的那一位的預表。
14Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange nepamusoro pevasina kutadza sezvakaita mufananidzo wokudarika kwaAdhamu, unova iye mufananidzo wewakange achizouya.
15但恩賞和過犯是截然不同的;如果因著那一人的過犯,眾人都死了, 神的恩典和這一人耶穌基督在恩典裡的賞賜,對眾人就更加豐盛了。
15Asi hazvina kuita sekudarika, zvakaitawo chipo chekungopiwa pachena. Nekuti kana kubudikidza nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzemunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
16這賞賜和那一人犯罪的後果也是不同的;因為審判是由一人而來,以致定罪,恩賞卻由許多過犯而來,以致稱義。
16Asi chipo hachina kuita seumwe unotadza; nekuti kutonga kwaiva neumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukururamiswa.
17如果因著那一人的過犯,死就因那一人而掌權,那些蒙豐富的恩典並且得公義為賞賜的,就更要因這一位耶穌基督在生命中掌權了。
17Nekuti kana nekudarika kwemumwe rufu rwakatonga naiyeyu oga kunyanyisa, avo vanogamuchira kuwanda kwenyasha, nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu kubudikidza neumwe, Jesu Kristu.
18這樣看來,因一次的過犯,全人類都被定罪;照樣,因一次的義行,全人類都被稱義得生命了。
18Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nekudarika kweumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya pamusoro pevanhu vose, zvikapa kururamisirwa kuupenyu.
19因著那一人的悖逆,眾人就被列為罪人;照樣,因著這一人的順服,眾人也被列為義人了。
19Nekuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvo nekuteerera kwemumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
20律法的出現,是要叫過犯增多;然而罪在哪裡增多,恩典就更加增多了。
20Asi murairo wakapinda kuti kudarika kuwande; asi zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;
21罪藉著死掌權;照樣,恩典也藉著義掌權,使人藉著我們的主耶穌基督進入永生。
21kuti kunyange chivi sezvachakatonga parufu, saizvozvo nyasha dzitongewo kubudikidza nekururama kusvika kuupenyu hwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.