1與基督同死同活這樣,我們可以說甚麼呢?我們可以常在罪中,叫恩典增多嗎?
1Zvino tichatiyi? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
2絕對不可!我們向罪死了的人,怎麼可以仍然活在罪中呢?
2Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
3難道你們不曉得我們這受洗歸入基督耶穌的人,是受洗歸入他的死嗎?
3Ko hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
4所以我們藉著洗禮歸入死,與他同葬,為的是要我們過新生命的生活,像基督藉著父的榮耀從死人中復活一樣。
4Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu pakubhabhatidzwa; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe pautsva hweupenyu.
5我們若在他死的樣式上與他聯合,也要在他復活的樣式上與他聯合。
5Nekuti kana takasimwa pamwe pakufanana korufu rwake, tichadarowo pakumuka;
6我們知道,我們的舊人已經與基督同釘十字架,使罪身喪失機能,使我們不再作罪的奴僕,
6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe kuti tisachiva tinoshumira chivi;
7因為死了的人已經脫離罪了。
7nekuti uyo wakafa wasunungurwa pachivi.
8我們既然與基督同死,就信也必與他同活。
8Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
9我們知道,基督既然從死人中復活,就不再死,死也不再轄制他了。
9tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa haachazofizve; rufu haruchazovi nesimba pamusoro pake.
10他死,是向罪死了,只有這一次;他活,是向 神活著。
10Nekuti pane izvi wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti mupenyu, mupenyu kuna Mwari.
11你們也應當這樣,向罪算自己是死的,在基督耶穌裡,向 神卻是活的。
11Saizvozvo nemwiwo muzviverenge semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi vapenyu kuna Mwari kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.
12所以,不要容罪在你們必死的肉身上掌權,使你們順從肉身的私慾,
12Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;
13也不要把你們的肢體獻給罪,作不義的用具;倒要像出死得生的人,把自己獻給 神,並且把你們的肢體獻給 神作義的用具。
13kana kupa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari, sevapenyu kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
14罪必不能轄制你們,因為你們不是在律法之下,而是在恩典之下。
14Nekuti chivi hachitongi pamusoro penyu; nekuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
15作義的奴僕那卻怎麼樣呢?我們不在律法之下,而在恩典之下,就可以犯罪嗎?絕對不可!
15Zvino tichatiyi? Tichatadza here, nekuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
16難道你們不知道你們自願作奴僕去順從人,順從誰就作誰的奴僕,或作罪的奴僕以致於死,或作順從的奴僕以致於義嗎?
16Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
17感謝 神,你們雖然作過罪的奴僕,現在卻從心裡順從了傳授給你們的教義的規範。
17Asi Mwari ngaavongwe, kuti imwi maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakakumikidzwa kwairi,
18你們既然從罪裡得了釋放,就作了義的奴僕。
18uye masunungurwa kubva pachivi, makava varanda vekururama.
19因為你們肉體的弱點,我就按一般人的話來說,你們從前怎樣把你們的肢體獻給不潔和不法作奴僕,以致於不法,現在也要照樣把你們的肢體獻給義作奴僕,以致於成聖。
19Ndinotaura semutauriro wevanhu, nekuda kweutera hwenyama yenyu; nekuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina, neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo zvino ipai mitezo yenyu ive varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
20你們作罪的奴僕的時候,就不受義的約束。
20Nekuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.
21那麼,你們在現今以為羞恥的事上,當時得了甚麼呢?那些事的結局就是死。
21Zvino maiva nezvibereko zvei pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo zvino? Nekuti kuguma kwezvinhu izvo rufu.
22現在你們既然從罪裡得了釋放,作了 神的奴僕,就有成聖的果子,那結局就是永生。
22Asi zvino zvamakasunungurwa pachivi, mukava varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo upenyu hwusingaperi.
23因為罪的工價就是死,但 神的恩賞,在我們的主基督耶穌裡,卻是永生。
23Nekuti mubairo wechivi rufu; asi chipo chenyasha chaMwari upenyu hwusingaperi kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.