1拿俄米勸路得改嫁路得的婆婆拿俄米對她說:“女兒啊,我不是應當為你找個歸宿,使你得到幸福嗎?
1Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here?
2你常常和他的女傭人在一起的波阿斯不是我們的親戚嗎?他今天晚上要在禾場上簸大麥。
2Zvino Bhowasi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro.
3你洗個澡,抹上香膏,穿上斗篷,就下到禾場去。不過,那個人還沒有吃喝完畢,別讓他認出你來。
3Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokumwa.
4等到他躺下來,你要弄清楚他所躺的地方,進去掀露他的腳,然後躺下去。他就會告訴你該作甚麼。”
4Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.
5路得對她說:“你吩咐的,我就去作。”
5Akati kwaari, Zvose zvamunondiudza ndichazviita.
6路得獨往禾場夜訪波阿斯於是,她下到禾場去,照著婆婆吩咐的一切去作。
6Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake.
7波阿斯吃喝完了,心裡舒暢,就去躺在麥堆的旁邊。路得悄悄地來,掀露他的腳,躺臥下去。
7Zvino Bhowasi wakati apedza kudya nokumwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.
8到了夜半,波阿斯驚醒過來,一翻身就看到一個女子躺在他的腳邊,
8Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake.
9就說:“你是誰?”她回答:“我是你的婢女路得,請用你的衣襟遮蓋你的婢女,因為你是我的有買贖權的近親。”
9Akati, Ndiwe aniko? Akapindura akati, Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nekuti muri hama yomumba.
10波阿斯說:“我女兒,願你蒙耶和華賜福。你末後表現的愛心比起初更大,因為年輕人無論貧富,你都沒有跟從。
10Ipapo iye akati, Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nekuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nekuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.
11我女兒,現在你不要怕,你所說的,我一定去作。本城的人都知道你是個賢慧的女人。
11Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nekuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
12不錯,我是你那有買贖權的近親,可惜還有一個有買贖權的近親比我更親。
12Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini.
13今晚你就在這裡過夜,明早如果他肯盡買贖你的本分,好,就由他來履行;假如他不願意這樣作,我指著永活的耶和華起誓,我一定盡買贖你的本分。你只管躺到天亮吧。”
13Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana.
14路得躺在波阿斯腳邊直到早晨。因為波阿斯說過不可以讓人知道有女人來過禾場,路得就趁天色未明,人們彼此無法辨認的時候就起來。
14Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. nekuti wakati, Ngazvirege kuzikamwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.
15他又說:“拿你所披的外衣來,把它打開。”她打開了,他就量了六簸箕大麥,放在她的肩上。路得就進城去。
15Akati, Uya nenguvo yawakafuka, uibate, akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta.
16路得將一切事情告訴拿俄米到她婆婆那裡,婆婆就問:“我女兒,怎樣了?”路得就把那人對她所作的一切都告訴了婆婆,
16Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, Zvazodiniko mwana wangu? Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya.
17又說:“他給我這六簸箕大麥,對我說:‘不要空手去見你婆婆。’”
17Akati, Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nekuti wakati, Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.
18拿俄米說:“我女兒,你儘管安靜等候,直到你知道事情怎樣了結,因為那人今天不把事情辦妥,絕不歇息。”
18Zvino vakati, Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nekuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.