聖經新譯本

Shona

Ruth

4

1波阿斯娶路得波阿斯去到城門,坐在那裡,波阿斯所說那個有買贖權的近親剛巧路過那裡。波阿斯說:“喂,老兄,過來坐一下吧。”他就過去坐下來了。
1Zvino Bhowasi wakakwira kusuwo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhowasi, ndokupfuura napo; akati kwaari, Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi.
2波阿斯又邀請城裡的十個長老,對他們說:“請坐在這裡。”他們就坐下來了。
2Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, Garai pasi pano. Ivo vakagara pasi.
3他對那個有買贖權的近親說:“從摩押地回來的拿俄米,現在要賣我們族兄以利米勒的那塊地。
3Zvino akati kuhama yomumba, Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunin'ina wedu Erimereki;
4我想把這一件事告訴你,請你在眾民的長老,還有在座的各位面前,把它買下來吧。如果你肯贖就贖,假如不肯,就說出來,讓我知道;因為除了你當贖它以外,我是第一候補。”那人說:“我肯贖。”
4ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikunura, undiudze, chiudzikunura hako, asi kana usingadi kuudzikunura, ndiudze, ndizive, nekuti hakuna ungaudzikunura asi iwe; unokutevera ndini. Akati, Ndichaudzikunura ini.
5波阿斯說:“你從拿俄米手中買下那塊地的時候,你也得娶(“娶”原文作“買”)已死的人的妻子摩押女子路得,使已死的人的名字留在他的產業上。”
5Zvino Bhowasi akati, Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.
6那有買贖權的近親說:“那我就不能贖它了,只怕損害了我的產業。你可以贖我當贖的,因為我沒有辦法贖了。”
6Hama iyo yomumba ikati, Handigoni kuzvidzikunurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikunura, nekuti ini handigoni kuudzikunura.
7從前在以色列,無論買贖或是交易,決定甚麼事,當事人就要脫鞋給對方。這是以色列中作證的方式。
7Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavalsiraeri kana vachidzikunura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutowo wokupupura nawo pavalsiraeri.
8那有買贖權的近親對波阿斯說:“你自己買下來吧。”就把鞋脫下來。
8Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhowasi, Chizvitengera hako uyo. Akabvisa shangu yake.
9波阿斯對長老和眾人說:“今天你們都是見證人,所有屬於以利米勒、基連和瑪倫的,我都從拿俄米手中買下來了。
9Zvino Bhowasi akati kuvakuru nokuvanhu vose, imwi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni.
10我也娶了(“娶了”原文作“買了”)瑪倫的妻子摩押女子路得作妻子,使已死的人的名字留在他的產業上,免得他的名字在本族本鄉中除掉。今天你們都是見證人。”
10Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuwo renzvimbo yake; imwi muri zvapupu nhasi.
11聚集在城門的眾人和長老都說:“我們都是見證人。願耶和華使進你家的這女人,像建立以色列家的拉結和利亞二人一樣。願你在以法他顯大,在伯利恆揚名。
11Zvino vanhu vose vakanga vari pasuwo navakuru vakati, Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu;
12願耶和華從這少婦賜你後裔,使你的家像他瑪從猶大所生法勒斯的家一般。”
12imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.
13大衛的家譜於是波阿斯娶了路得作妻子,與她親近。耶和華使她懷孕生了一個兒子。
13Ipapo Bhowasi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana.
14婦女對拿俄米說:“耶和華是應當稱頌的,因為他今天沒有斷絕你有買贖權的近親,願他在以色列中揚名。
14Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri.
15他必甦醒你的生命,養你的老,因為他是愛你的媳婦所生的;有她比有七個兒子更好。”
15Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nekuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.
16拿俄米把孩子接過來,抱在懷中,作他的保姆。
16Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.
17鄰近的婦女要給他起名字,說:“拿俄米生了孩子了。”就給他起名叫俄備得;這俄備得是耶西的父親,耶西是大衛的父親。
17Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, Naomi wakaponerwa mwanakomana, vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18以下是法勒斯的後代:法勒斯生希斯崙,
18Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;
19希斯崙生蘭,蘭生亞米拿達,
19Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi;
20亞米拿達生拿順,拿順生撒門,
20Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni;
21撒門生波阿斯,波阿斯生俄備得,
21Sarimoni akabereka Bhowasi, Bhowasi akabereka Obhedhi;
22俄備得生耶西,耶西生大衛。
22Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.