聖經新譯本

Shona

Song of Solomon

2

1
1Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
2
2Seruva pakati pemhinzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
3
3Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukamwa wangu.
4
4Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
5
5Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; nekuti ndinorwara norudo.
6
6Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
7
7Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo kusvikira iye ada omene.
8
8Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
9
9Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri korusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
10
10Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!
11
11Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
12
12Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
13
13Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
14
14Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; nekuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
15
15Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; nekuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.
16
16Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
17
17Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.