1
1Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
2
2Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
3
3Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikamwa nomweya wangu here?
4
4Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikamwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
5
5Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
6
6Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuhwira nemura nezvinonhuhwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
7
7Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
8
8Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.
9
9Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni.
10
10Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, chigaro chacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.
11
11Budai, imwi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.