1要傳講純正的道理至於你,你應當講合乎純正的道理。
1Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso mhenyu.
2勸老年人要有節制、莊重、自律,在信心、愛心、忍耐上都要健全。
2Varume vakuru kuti vave vakadzikama, vanokudzwa, vakangwara, vapenyu parutendo, parudo, pakutsungirira;
3照樣,勸年老的婦女要生活敬虔,不說讒言,不被酒奴役,用善道教導人,
3saizvozvowo vakadzi vakuru, kuti pamafambiro vave sezvakafanira utsvene, kwete vacheri, kana vanokarira waini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
4好提醒年輕的婦女愛丈夫愛兒女,
4kuti vadzidzise vakadzi vaduku kusvinura mufungwa, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
5並且自律、貞潔、理家、善良、順從自己的丈夫,免得 神的道受毀謗。
5vakachenjera, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kunyombwa.
6照樣,勸年輕的男子要自律。
6Varume vaduku saizvozvo ukurudzire kuti vave vakasvinura;
7無論在甚麼事上你都要顯出好行為的榜樣,在教導上要純全,要莊重,
7pazvinhu zvose iwe uzviratidze semufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso isakasvibiswa, nemugariro unokudzwa nekuvimbika,
8言詞要純正,無可指摘,使反對的人因為無從毀謗,就自覺慚愧。
8nhauro yakagwinya isingagoni kushoorwa, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
9勸僕人要凡事順服自己的主人,討他歡喜,不要頂嘴。
9Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo, kuti vafadze pazvose, vasingakakavari,
10不要私取財物,卻要顯示絕對的誠實,好使我們救主 神的道理,在凡事上都得著尊榮。
10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
11 神拯救萬人的恩典已經顯明出來了。
11Nekuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vose,
12這恩典訓練我們除去不敬虔的心,和屬世的私慾,在今生過著自律、公正、敬虔的生活,
12Dzichitidzidzisa kuti, tichiramba kusava neuMwari nekuchiva kwenyika, tirarame nekusvinura, kururama neuMwari panyika yazvino,
13等候那有福的盼望,就是我們偉大的 神,救主耶穌基督榮耀的顯現。
13tichimirira tariro yakaropafadzwa, nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu.
14他為我們捨己,為的是要救贖我們脫離一切不法的事,並且潔淨我們作他自己的子民,熱心善工。
14wakazvipa nekuda kwedu, kuti atidzikinure pakuipa kose, kuti azvinatsire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
15你要傳講這些事,運用各樣的權柄去勸戒人,責備人;不要讓人輕看你。
15Taura zvinhu izvi, ukurudzire, utsiure nesimba rose; kurege kuva nomunhu unokuzvidza.