聖經新譯本

Shona

Titus

3

1要常常留心作善工你要提醒他們服從執政的和掌權的,聽從他們,隨時準備作各種善工。
1Uvayeudzire kuzviisa pasi pevatungamiriri nemasimba, kuti vateerere vatongi, vakazvigadzira basa rose akanaka,
2不可毀謗人,要與人無爭,謙恭有禮,向眾人表現充分溫柔的心。
2varege kunyomba munhu, varege kuva vebongozozo, vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.
3我們從前也是無知、不順服、受了迷惑、被各種私慾和逸樂所奴役,生活在惡毒和嫉妒之中,是可憎可惡的,並且互相仇視。
3Nekuti nesu pacheduwo taimbova matununu, tisingateereri, takatsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.
4然而,到了 神我們的救主顯明他的恩慈和憐愛的時候,
4Kuzoti unyoro nerudo rwaMwari Muponesi wedu kuvanhu zvaonekwa,
5他就救了我們,並不是由於我們所行的義,而是照著他的憐憫,藉著重生的洗和聖靈的更新。
5kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nokuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
6聖靈就是 神藉著我們的救主耶穌基督豐豐富富澆灌在我們身上的,
6waakawodzvorera pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu muponesi wedu,
7使我們既然因著他的恩典得稱為義,就可以憑著永生的盼望成為後嗣。
7kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu hwusingaperi.
8這話是可信的,我願你確實地強調這些事,使信 神的人常常留心作善工;這些都是美事,並且是對人有益的。
8Ishoko rakatendeka uye zvinhu izvi ndinoda kuti murambe muchisimbisa, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuchengetedza mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
9你要遠避愚昧的辯論、家譜、紛爭和律法上的爭執,因為這都是虛妄無益的。
9asi nzvenga mibvunzo yeupenzi, nenhoroondo dzamazita amadzinza, nemakakatamwa nemakakava pamusoro pemurairo, nekuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
10分門結黨的人,警戒一兩次之後,就要和他絕交。
10Munhu unotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umusiye,
11你知道這種人已經背道,常常犯罪,定了自己的罪。
11uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye unotadza, achizvipa mhosva amene.
12囑咐和問安我派亞提馬或推基古到你那裡去的時候,你要趕快到尼哥波立來見我,因為我已決定在那裡過冬。
12Pandichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nekuti ndakazvipira kugarapo pachando.
13你要盡力資助西納律師和亞波羅的旅程,使他們不致缺乏。
13Shingaira kubatsira Zenasi nyanzvi yemutemo naAporo parwendo rwavo kuti varege kushaiwa chinhu.
14我們自己的人也應當學習作善工,供應日常的需要,免得不結果子。
14Nevekweduwo ngavadzidze kuchengetedza mabasa akanaka anodikamwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
15同我在一起的人都向你問安。請你問候那些因信而愛我們的人。願恩惠與你們眾人同在。
15vose vaneni vanokukwazisa. Kwazisa avo vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.