King James Version

Shona

Matthew

12

1At that time Jesus went on the sabbath day through the corn; and his disciples were an hungred, and began to pluck the ears of corn and to eat.
1Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.
2But when the Pharisees saw it, they said unto him, Behold, thy disciples do that which is not lawful to do upon the sabbath day.
2Asi vaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.
3But he said unto them, Have ye not read what David did, when he was an hungred, and they that were with him;
3Asi wakati kwavari: Hamuna kurava here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;
4How he entered into the house of God, and did eat the shewbread, which was not lawful for him to eat, neither for them which were with him, but only for the priests?
4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya, kunyange nevaiva naye kunze kwevapristi chete?
5Or have ye not read in the law, how that on the sabbath days the priests in the temple profane the sabbath, and are blameless?
5Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
6But I say unto you, That in this place is one greater than the temple.
6Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.
7But if ye had known what this meaneth, I will have mercy, and not sacrifice, ye would not have condemned the guiltless.
7Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoshuva tsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kuti vane mhosva vasina mhosva.
8For the Son of man is Lord even of the sabbath day.
8Nekuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyangwe wesabata.
9And when he was departed thence, he went into their synagogue:
9Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.
10And, behold, there was a man which had his hand withered. And they asked him, saying, Is it lawful to heal on the sabbath days? that they might accuse him.
10Zvino tarira, kwakange kune munhu wakange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.
11And he said unto them, What man shall there be among you, that shall have one sheep, and if it fall into a pit on the sabbath day, will he not lay hold on it, and lift it out?
11Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu uchava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata ungarega kuribata akasimudza?
12How much then is a man better than a sheep? Wherefore it is lawful to do well on the sabbath days.
12Asi munhu unopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.
13Then saith he to the man, Stretch forth thine hand. And he stretched it forth; and it was restored whole, like as the other.
13Zvino akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akarutambanudza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
14Then the Pharisees went out, and held a council against him, how they might destroy him.
14Zvino vaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
15But when Jesus knew it, he withdrew himself from thence: and great multitudes followed him, and he healed them all;
15Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vose.
16And charged them that they should not make him known:
16Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.
17That it might be fulfilled which was spoken by Esaias the prophet, saying,
17Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
18Behold my servant, whom I have chosen; my beloved, in whom my soul is well pleased: I will put my spirit upon him, and he shall shew judgment to the Gentiles.
18Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikamwa wangu, mweya wangu unofara naye. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, uye uchazivisa vahedheni kutonga.
19He shall not strive, nor cry; neither shall any man hear his voice in the streets.
19Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna uchanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.
20A bruised reed shall he not break, and smoking flax shall he not quench, till he send forth judgment unto victory.
20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.
21And in his name shall the Gentiles trust.
21Uye vahedheni vachavimba mizita rake.
22Then was brought unto him one possessed with a devil, blind, and dumb: and he healed him, insomuch that the blind and dumb both spake and saw.
22Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.
23And all the people were amazed, and said, Is not this the son of David?
23Zvaunga zvose zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?
24But when the Pharisees heard it, they said, This fellow doth not cast out devils, but by Beelzebub the prince of the devils.
24Asi vaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
25And Jesus knew their thoughts, and said unto them, Every kingdom divided against itself is brought to desolation; and every city or house divided against itself shall not stand:
25Zvino Jesu akaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nohumwe hwakapesana hwakazvimirisana hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana yakazvimirisana haingamiri.
26And if Satan cast out Satan, he is divided against himself; how shall then his kingdom stand?
26Uye kana Satani achibudisa Satani unopesana achizvimirisana; zvino ushe hwake huchamira sei?
27And if I by Beelzebub cast out devils, by whom do your children cast them out? therefore they shall be your judges.
27Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
28But if I cast out devils by the Spirit of God, then the kingdom of God is come unto you.
28Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
29Or else how can one enter into a strong man's house, and spoil his goods, except he first bind the strong man? and then he will spoil his house.
29Kana munhu ungapinda sei mumba mehamburamakaka akapamba nhumbi dzake kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka? Ipapo uchapamba imba yake.
30He that is not with me is against me; and he that gathereth not with me scattereth abroad.
30Uyo usina ini, unomirisana neni, neusingaunganidzi neni, unoparadzira.
31Wherefore I say unto you, All manner of sin and blasphemy shall be forgiven unto men: but the blasphemy against the Holy Ghost shall not be forgiven unto men.
31Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa chivi chose nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.
32And whosoever speaketh a word against the Son of man, it shall be forgiven him: but whosoever speaketh against the Holy Ghost, it shall not be forgiven him, neither in this world, neither in the world to come.
32Uye ani nani unotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu uchakangamwirwa; asi ani nani unotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.
33Either make the tree good, and his fruit good; or else make the tree corrupt, and his fruit corrupt: for the tree is known by his fruit.
33Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nekuti muti unozikamwa nechibereko.
34O generation of vipers, how can ye, being evil, speak good things? for out of the abundance of the heart the mouth speaketh.
34Zvibereko zvenyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nekuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.
35A good man out of the good treasure of the heart bringeth forth good things: and an evil man out of the evil treasure bringeth forth evil things.
35Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa pafuma yakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa.
36But I say unto you, That every idle word that men shall speak, they shall give account thereof in the day of judgment.
36Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.
37For by thy words thou shalt be justified, and by thy words thou shalt be condemned.
37Nekuti nemashoko ako ucharuramiswa, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.
38Then certain of the scribes and of the Pharisees answered, saying, Master, we would see a sign from thee.
38Zvino vamwe vevanyori nevevaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.
39But he answered and said unto them, An evil and adulterous generation seeketh after a sign; and there shall no sign be given to it, but the sign of the prophet Jonas:
39Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
40For as Jonas was three days and three nights in the whale's belly; so shall the Son of man be three days and three nights in the heart of the earth.
40Nekuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
41The men of Nineveh shall rise in judgment with this generation, and shall condemn it: because they repented at the preaching of Jonas; and, behold, a greater than Jonas is here.
41Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nekuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona uri pano.
42The queen of the south shall rise up in the judgment with this generation, and shall condemn it: for she came from the uttermost parts of the earth to hear the wisdom of Solomon; and, behold, a greater than Solomon is here.
42Mambokadzi wekumaodzanyemba achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nekuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.
43When the unclean spirit is gone out of a man, he walketh through dry places, seeking rest, and findeth none.
43Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo asi uchishaiwa.
44Then he saith, I will return into my house from whence I came out; and when he is come, he findeth it empty, swept, and garnished.
44Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.
45Then goeth he, and taketh with himself seven other spirits more wicked than himself, and they enter in and dwell there: and the last state of that man is worse than the first. Even so shall it be also unto this wicked generation.
45Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, zvino ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.
46While he yet talked to the people, behold, his mother and his brethren stood without, desiring to speak with him.
46Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
47Then one said unto him, Behold, thy mother and thy brethren stand without, desiring to speak with thee.
47Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
48But he answered and said unto him that told him, Who is my mother? and who are my brethren?
48Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?
49And he stretched forth his hand toward his disciples, and said, Behold my mother and my brethren!
49Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.
50For whosoever shall do the will of my Father which is in heaven, the same is my brother, and sister, and mother.
50Nekuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu, nehanzvadzi, namai.