1The same day went Jesus out of the house, and sat by the sea side.
1Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi pagungwa.
2And great multitudes were gathered together unto him, so that he went into a ship, and sat; and the whole multitude stood on the shore.
2Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chose chakamira pamahombekombe.
3And he spake many things unto them in parables, saying, Behold, a sower went forth to sow;
3Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
4And when he sowed, some seeds fell by the way side, and the fowls came and devoured them up:
4Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
5Some fell upon stony places, where they had not much earth: and forthwith they sprung up, because they had no deepness of earth:
5Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange iisina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nekuti pakange pasina kudzika kwevhu.
6And when the sun was up, they were scorched; and because they had no root, they withered away.
6Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi, yakasvava.
7And some fell among thorns; and the thorns sprung up, and choked them:
7Asi imwe yakawira pamhinzwa; mhinzwa ikakura, ikaivhunga.
8But other fell into good ground, and brought forth fruit, some an hundredfold, some sixtyfold, some thirtyfold.
8Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, imwe makumi matanhatu, imwe makumi matatu.
9Who hath ears to hear, let him hear.
9Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
10And the disciples came, and said unto him, Why speakest thou unto them in parables?
10Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
11He answered and said unto them, Because it is given unto you to know the mysteries of the kingdom of heaven, but to them it is not given.
11Akapindura akati kwavari: Nekuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
12For whosoever hath, to him shall be given, and he shall have more abundance: but whosoever hath not, from him shall be taken away even that he hath.
12Nekuti ani nani unazvo uchapiwa, uye uchava nezvakawanda; asi ani nani usina uchatorerwa kunyange nezvaanazvo.
13Therefore speak I to them in parables: because they seeing see not; and hearing they hear not, neither do they understand.
13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona, havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
14And in them is fulfilled the prophecy of Esaias, which saith, By hearing ye shall hear, and shall not understand; and seeing ye shall see, and shall not perceive:
14Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
15For this people's heart is waxed gross, and their ears are dull of hearing, and their eyes they have closed; lest at any time they should see with their eyes and hear with their ears, and should understand with their heart, and should be converted, and I should heal them.
15Nekuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsuru, nemeso avo vakaatsinzina; zvichida vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, uye vatendeuke, ndigovaporesa.
16But blessed are your eyes, for they see: and your ears, for they hear.
16Asi akaropafadzwa meso enyu, nekuti anoona; nenzeve dzenyu, nekuti dzinonzwa.
17For verily I say unto you, That many prophets and righteous men have desired to see those things which ye see, and have not seen them; and to hear those things which ye hear, and have not heard them.
17Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
18Hear ye therefore the parable of the sower.
18Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
19When any one heareth the word of the kingdom, and understandeth it not, then cometh the wicked one, and catcheth away that which was sown in his heart. This is he which received seed by the way side.
19Umwe neumwe unonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
20But he that received the seed into stony places, the same is he that heareth the word, and anon with joy receiveth it;
20Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
21Yet hath he not root in himself, but dureth for a while: for when tribulation or persecution ariseth because of the word, by and by he is offended.
21asi haana mudzi maari, asi unogara kwenguva, nekuti kana dambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
22He also that received seed among the thorns is he that heareth the word; and the care of this world, and the deceitfulness of riches, choke the word, and he becometh unfruitful.
22Uye wakakushwa pamhinzwa, ndiye unonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rikava risingabereki.
23But he that received seed into the good ground is he that heareth the word, and understandeth it; which also beareth fruit, and bringeth forth, some an hundredfold, some sixty, some thirty.
23Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko akanzwisisa, unoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, umwe makumi matanhatu, umwe makumi matatu.
24Another parable put he forth unto them, saying, The kingdom of heaven is likened unto a man which sowed good seed in his field:
24Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25But while men slept, his enemy came and sowed tares among the wheat, and went his way.
25Asi vanhu vakati vavete, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
26But when the blade was sprung up, and brought forth fruit, then appeared the tares also.
26Asi chipande chakati chamera nekubereka, zvino mashawi akaonekwawo.
27So the servants of the householder came and said unto him, Sir, didst not thou sow good seed in thy field? from whence then hath it tares?
27Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
28He said unto them, An enemy hath done this. The servants said unto him, Wilt thou then that we go and gather them up?
28Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Munoda kuti tindoaunganidza here?
29But he said, Nay; lest while ye gather up the tares, ye root up also the wheat with them.
29Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyowo nawo.
30Let both grow together until the harvest: and in the time of harvest I will say to the reapers, Gather ye together first the tares, and bind them in bundles to burn them: but gather the wheat into my barn.
30Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
31Another parable put he forth unto them, saying, The kingdom of heaven is like to a grain of mustard seed, which a man took, and sowed in his field:
31Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
32Which indeed is the least of all seeds: but when it is grown, it is the greatest among herbs, and becometh a tree, so that the birds of the air come and lodge in the branches thereof.
32Iyo iduku zvirokwazvo pambeu dzose, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inoita muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
33Another parable spake he unto them; The kingdom of heaven is like unto leaven, which a woman took, and hid in three measures of meal, till the whole was leavened.
33Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
34All these things spake Jesus unto the multitude in parables; and without a parable spake he not unto them:
34Izvi zvinhu zvose Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
35That it might be fulfilled which was spoken by the prophet, saying, I will open my mouth in parables; I will utter things which have been kept secret from the foundation of the world.
35kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
36Then Jesus sent the multitude away, and went into the house: and his disciples came unto him, saying, Declare unto us the parable of the tares of the field.
36Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
37He answered and said unto them, He that soweth the good seed is the Son of man;
37Akapindura akati kwavari: Unokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
38The field is the world; the good seed are the children of the kingdom; but the tares are the children of the wicked one;
38uye munda inyika; nembeu yakanaka, ndivo vanakomana veushe; asi mashawi vanakomana vewakaipa.
39The enemy that sowed them is the devil; the harvest is the end of the world; and the reapers are the angels.
39Muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.
40As therefore the tares are gathered and burned in the fire; so shall it be in the end of this world.
40Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.
41The Son of man shall send forth his angels, and they shall gather out of his kingdom all things that offend, and them which do iniquity;
41Mwanakomana wemunhu uchatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvose nevanoita zvakaipa;
42And shall cast them into a furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth.
42zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
43Then shall the righteous shine forth as the sun in the kingdom of their Father. Who hath ears to hear, let him hear.
43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
44Again, the kingdom of heaven is like unto treasure hid in a field; the which when a man hath found, he hideth, and for joy thereof goeth and selleth all that he hath, and buyeth that field.
44Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, unoiviga; zvino nemufaro wake unoenda akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uwoyo.
45Again, the kingdom of heaven is like unto a merchant man, seeking goodly pearls:
45Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadziri unotsvaka maparera* akanaka;
46Who, when he had found one pearl of great price, went and sold all that he had, and bought it.
46akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvose zvaakange anazvo, akaritenga.
47Again, the kingdom of heaven is like unto a net, that was cast into the sea, and gathered of every kind:
47Zvekare ushe hwekumatenga hwakafananawo nemumbure unokandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ose ehove.
48Which, when it was full, they drew to shore, and sat down, and gathered the good into vessels, but cast the bad away.
48Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, vogara pasi, vounganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirashira kunze.
49So shall it be at the end of the world: the angels shall come forth, and sever the wicked from among the just,
49Zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,
50And shall cast them into the furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth.
50uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
51Jesus saith unto them, Have ye understood all these things? They say unto him, Yea, Lord.
51Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
52Then said he unto them, Therefore every scribe which is instructed unto the kingdom of heaven is like unto a man that is an householder, which bringeth forth out of his treasure things new and old.
52Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, unobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
53And it came to pass, that when Jesus had finished these parables, he departed thence.
53Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
54And when he was come into his own country, he taught them in their synagogue, insomuch that they were astonished, and said, Whence hath this man this wisdom, and these mighty works?
54Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kuchenjera uku nemabasa esimba?
55Is not this the carpenter's son? is not his mother called Mary? and his brethren, James, and Joses, and Simon, and Judas?
55Uyu haazi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
56And his sisters, are they not all with us? Whence then hath this man all these things?
56Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzose here? Ko zvinobvepi zvinhu izvozvi zvose.
57And they were offended in him. But Jesus said unto them, A prophet is not without honour, save in his own country, and in his own house.
57Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi usina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
58And he did not many mighty works there because of their unbelief.
58Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.