1{A Song of degrees.} I lift up mine eyes unto the mountains: whence shall my help come?
1Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?
2My help [cometh] from Jehovah, who made the heavens and the earth.
2Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.
3He will not suffer thy foot to be moved; he that keepeth thee will not slumber.
3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.
4Behold, he that keepeth Israel will neither slumber nor sleep.
4Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.
5Jehovah is thy keeper, Jehovah is thy shade upon thy right hand;
5Jehovha muchengeti wako; Jehovha mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
6The sun shall not smite thee by day, nor the moon by night.
6Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
7Jehovah will keep thee from all evil; he will keep thy soul.
7Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.
8Jehovah will keep thy going out and thy coming in, from henceforth and for evermore.
8Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.