Georgian: Gospels, Acts, James

Shona

2 Peter

2

1Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Ishe wakavatenga, vachizviwisira kuparara kunokurumidza,
2zvino vazhinji vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa,
3uye pakuchiva vachakubatai namashoko emano mano; kutongwa kwavo kwakatarwa kare vachita mubairo nei, kutongwa kwavo kwekare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi.
4Nekuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena nekuvakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo;
5uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa wechisere muparidzi wekururama, paakauyisa mafashame panyika yevasingadi Mwari;
6akashandura maguta eSodhoma neGomora kuita madota, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachagara vasingadi Mwari;
7akasunungura Roti wakarurama, wakazvidya moyo nemafambiro anonyangadza evakaipa.
8Nekuti munhu uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo.
9Ishe unoziva kusunungura vanonamata Mwari pamiidzo, nekuchengetera vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa;
10asi zvikuru ivo vanofamba nemutowo wenyama paruchiva rwetsvina nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka utongi;
11izvo vatumwa, vanopfuura pasimba neukuru, havauyi nemutongo wekunyomba pamberi paIshe.
12Asi ava vakaita semhuka pachizvarigo dzisina murangariro, dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa vanotuka zvavasingazivi, naivo vachaparadzwa kwazvo pakuora kwavo,
13uye vachagamuchira mubayiro wokusarurama vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nemavara, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamafundo nemwi,
14vane meso azere neupombwe, vasingaregi chivi, vanonyengera mweya isina simba; nemoyo wakarovedzwa kuchiva; vana verushambwa;
15vakasiya nzira yakarurama vakatsauka, vachitevera nzira yaBharami waBhosori wakada mibairo yekusarurama
16asi wakatsiurwa pakudarika kwake, chimumumu chembongoro chichitaura nenzwi remunhu chikadzivisa upengo hwemuporofita.
17Ivava zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nemhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima nekusingaperi.
18Nekuti nokutaura kwavo kukuru kwekuzvikudza kusina maturo, vanonyengera neruchiva rwenyama neunzenza, avo vachangopukunyuka kuna vanogara pakutsauka;
19vachivavimbisa rusununguko, ivo vomene varanda vekuora; nekuti munhu waakundwa naye, ndiye waanoitwa muranda wake.
20Nekuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu vanobatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga.
21Nekuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yekururama, pakuti vamboziva vadzoke pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari.
22Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayozve, nehadzi yenguruve yakanga yashamba, kukuvumburuka mumatope.