Georgian: Gospels, Acts, James

Shona

2 Peter

3

1Tsamba iyi yechipiri, vadikamwi ndinokunyorerai ikozvino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu pakukuyeuchidzai,
2kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi;
3Muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pamazuva ekupedzisira vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo,
4uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nekuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvose zvakangodaro sepakutanga kwekusikwa.
5Nekuti ichi havazivi maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika iripo kubva mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;
6nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.
7Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengeterwa moto neshoko iroro pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.
8Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikamwa nemwi vadiwa, kuti zuva rimwe kuna She rakaita samakore ane churu, nemakore churu sezuva rimwe.
9Ishe wechivimbiso haanonoki, sezvinoreva vamwe vachiti kunonoka; asi moyo murefu kwatiri, asingadi kuti vamwe vaparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka.
10Asi zuva raIshe richauya sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichanyunguduswa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.
11Sezvo zvinhu izvi zvose zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamafambiro matsvene nekunamata Mwari,
12makatarisira nekudokwairira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga ari mumoto achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru.
13Asi sechivimbiso chake, tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
14Saka vadiwa, zvamunotarisira zvinhu zvakadaro, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki.
15Mugoti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikamwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari;
16sezvaanotaura mutsamba dzake dzose maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika; izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, nemamwe magwaro, zvive kuparadzwa kwavo.
17Naizvozvo imwi, vadikamwa, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti muregewo kutsauswa nekunyengera kwevakaipa, muwe pakusimba kwenyu.
18Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukukudzo ngaruende kwaari ikozvino nekusingeperi. Ameni.