1Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nekuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura; uye gungwa rakange risisipo.
2Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
3Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti: Tarira, tende raMwari riri pavanhu, iye uchagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
4Uye Mwari uchapusika misodzi yose kubva pameso avo; nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hazvingavipo; nekuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
5Zvino wakange agere pachigaro cheushe akati: Tarira, ndinovandudza zvinhu zvose. Akati kwandiri: Nyora; nekuti mashoko awa akatendeka, uye ndeechokwadi.
6Zvino akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa kuna iye une nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
7Unokunda uchagara nhaka yezvinhu zvose: uye ndichava Mwari wake, naiye uchava mwanakomana wangu.
8Asi kana vari vanotya, nevasingatendi nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevose varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesarufa; runova ndirwo rufu rwechipiri.
9Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
10Zvino wakanditakurira muMweya kugomo uye guru refu, akandiratidza guta guru riya Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga kuna Mwari,
11rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi*, rinoonekera sekiristaro*;
12zvino rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri; nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa paari, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
13Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu, kuchamhembe masuwo matatu, nekumavirira masuwo matatu;
14zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri; nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
15Zvino uyo wakataura neni wakange ane rutsanga rwendarama kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro
16Zvino guta rakange rakavakwa nemativi mana akaenzana, kureba kwakaenzana nekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia* zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara, nekukwirira kwaro zvakaenzana
17Zvino akayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, nechiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
18Uye chivakwa cherusvingo rwaro chakange chiri jasipisi*, uye guta riri ndarama yakakwana, yakafanana negirazi rakachenesesa.
19Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nemarudzi ose emabwe anokosha. Nheyo yekutanga iri jasipisi*; yepiri safiri* yetatu kasidhoni* yechina emaradhi*;
20yeshanu sadhonikisi*; yetanhatu sadhio*; yechinomwe krisoriti*; yerusere bheriri*; yepfumbamwe topasi*; yegumi kirisopirasi*; yegumi neimwe hiasindi*; yegumi nembiri ametesiti*.
21Uye masuwo gumi nemaviri ari maparera gumi nemaviri; suwo rimwe nerimwe rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta iri ndarama yakakwana, segirazi rinoonekera.
22Zvino handina kuona tembere mukati maro, nekuti Ishe Mwari Wemasimbaose neGwayana itembere yaro.
23Zvino guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nekuti kubwinya kwaMwari kunoivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
24zvino marudzi evaya vanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo nerukudzo rwawo mariri.
25Masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nekuti usiku hahwuchazovipo.
26Uye vachauyisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mukati maro.
27Uye hamungatongopindi chinhu chinosvibisa mukati maro, kana chinosemesa, kana chine nhema; asi avo vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.