Georgian: Gospels, Acts, James

Shona

Revelation

22

1Zvino wakandiratidza rwizi rwakakwana rwemvura yeupenyu, yakapenya sekristaro*, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari necheGwayana,
2pakati penzira yaro uye kumativi ose erwizi kune muti weupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi gumi nemaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
3Zvino hakuchavizve nekutuka; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mukati maro; uye varanda vake vachamushumira,
4zvino vachaona chiso chake nezita rake richava pahuma dzavo.
5Zvino usiku hahwuchazovipo; uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva; nekuti Ishe Mwari unovapa chiedza; vachatonga kusvikira rinhi narinhi.
6Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka, ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvoda kuitika.
7Tarira, ndinokurumidza kuuya; wakaropafadzwa unochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
8Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi ndikanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndikawira pasi kuti ndishumire pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
9Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nekuti ndiri muranda pamwe newe, nehama dzako, vaporofita, nevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
10Zvino akati kwandiri: Usavharira mashoko echiporofita chebhuku iri, nekuti nguva yava pedo.
11Unoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neune tsvina, ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiita zvakarurama; mutsvene ngaagare ari mutsvene.
12Zvino tarira, ndinokurumidza kuuya; uye mubairo wangu uneni, kuti ndipe umwe neumwe zvinoenderana nemabasa ake.
13Ndini Arifa naOmega, kuvamba nekuguma, kutanga nekupedzisira.
14Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
15Nekuti kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo nevose vanoda nhema vachidziita.
16Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei zvinhu izvozvi pakereke. Ndini mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, hweva inopenya.
17Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Uye une nyota ngaauye; neunoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
18Nekuti ndinopupura kune umwe neumwe unonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
19uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nemuguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
20Unopupura zvinhu izvi unoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
21Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.