Hebrew: Modern

Shona

1 John

5

1כל המאמין כי ישוע הוא המשיח הנה זה ילד מאלהים וכל האהב את מולידו יאהב גם את הנולד מאתו׃
1Umwe neumwe unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa naMwari; umwe neumwe, unoda iye wakabereka unodawo wakaberekwa naye.
2בזאת נדע כי נאהב את בני האלהים באהבתנו את האלהים ובשמרנו את מצותיו׃
2Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, zvekare tichichengeta mirairo yake.
3כי זאת אהבת אלהים היא אשר נשמר את מצותיו ומצותיו אינן כבדות׃
3Nekuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; zvakare mirairo yake hairemi.
4כי כל הנולד מאת האלהים מנצח את העולם ואמונתנו הנצחון המנצח את העולם׃
4Nekuti chipi nechipi chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, iko rutendo rwedu.
5מי הוא זה המנצח את העולם אם לא המאמין בישוע שהוא בן האלהים׃
5Ndianiko unokunda nyika, kunze kwaiye unotenda kuti Jesu Kristu ndiye mwanakomana waMwari?
6זה הוא אשר בא במים ובדם ישוע המשיח לא במים לבד כי אם במים ובדם והרוח הוא המעיד כי הרוח הוא האמת׃
6ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yoga, asi nemvura neropa. Zvakare Mweya ndiye unopupura nekuti Mweya ichokwadi
7כי שלשה המה המעידים בשמים האב הדבר ורוח הקדש ושלשתם אחד המה׃
7Nekuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.
8ושלשה המה המעידים בארץ הרוח המים והדם ושלשתם לאחת המה׃
8Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, mvura neropa ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.
9אם נקבל עדות בני אדם הנה עדות האלהים גדולה ממנה כי זאת היא עדות האלהים אשר העיד על בנו׃
9Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari ukuru; nekuti uhwu ndihwo uchapupu hwaMwari ndihwo hwaakapupura pamusoro poMwanakomana wake.
10המאמין בבן האלהים יש לו העדות בנפשו ואשר לא יאמין לאלהים לכזב שמהו יען לא האמין בעדות אשר העיד האלהים על בנו׃
10Uyo unotenda kuMwanakomana waMwari une uchapupu maari; usingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema; nekuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupurira Mwanakomana wake.
11וזאת היא העדות כי חיי עולמים נתן לנו האלהים והחיים האלה בבנו המה׃
11Uhwu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu hwusingaperi; zvino upenyu uhwu hwuri muMwanakomana wake.
12אשר יש לו הבן יש לו החיים ואשר אין לו בן האלהים אין לו החיים׃
12Uyo une Mwanakomana une upenyu; usina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
13זאת כתבתי אליכם המאמינים בשם בן האלהים למען תדעון שיש לכם חיי עולם ולמען תאמינו בשם בן האלהים׃
13Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita roMwanakomanai waMwari kuti mugoziva kuti mune upenyu hwusingaperi uye kuti utende kuzita roMwanakomana waMwari.
14וזה הוא בטחוננו אליו אשר אם נשאל דבר כפי רצונו ישמענו׃
14Uhwu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu nekuda kwake, unotinzwa;
15ומדעתנו כי ישמענו לכל אשר נשאל נדע גם זאת כי נשיג את המשאלות אשר שאלנו ממנו׃
15zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa zvichemo zvatakakumbira kwaari.
16איש כי יראה את אחיו חוטא חטאת אשר לא למות שאל ישאל בעדו ויתן לו חיים לכל אשר חטאו לא למות הן יש חטא למות על זה לא אמר לשאל בעדו׃
16Kana munhu achiona hama yake ichitadza chivi chisati chiri cherufu, uchakumbira, iye agomupa upenyu hwunopiwa vasingaiti chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
17כל מעשה שלא כמשפט חטא היא ויש חטא שלא למות׃
17Kusarurama kose chivi; zvekare chivi chiripo chisati chiri cherufu.
18ידענו כי כל הנולד מאת האלהים לא יחטא כי אשר ילד מאת האלהים ישמר את נפשו והרע לא יגע בו׃
18Tinoziva kuti umwe neumwe wakaberekwa naMwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa naMwari unozvichengeta, wakaipa uyo haangamubati.
19ידענו כי מאלהים אנחנו וכל העולם ברע הוא׃
19Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete muzvakaipa.
20וידענו כי בא בן אלהים ויתן לנו בינה לדעת את האמתי ובאמתי אנחנו בבנו ישוע המשיח זה הוא האל האמתי וחיי העולם׃
20Uye tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakauya akatipa kunzwisisa, kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri munaiye wechokwadi mumwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu hwusingaperi.
21בני השמרו לכם מן האלילים אמן׃
21Vana vaduku, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.