1הזקן אל הגבירה הבחירה ואל בניה אשר אני אהב אתם באמת ולא אני לבדי כי אם גם כל ידעי האמת׃
1Mukuru kumudzimai wakasanangurwa navana vake vandinoda muchokwadi; uye kwete ini ndoga, asiwo vose vakaziva chokwadi;
2למען האמת העמדת בקרבנו וגם תהיה עמנו לעולם׃
2nekuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
3יהי עמכם חסד ורחמים ושלום מאת האלהים אבינו ומאת אדנינו ישוע המשיח בן האב באמת ובאהבה׃
3Ngazvive nemwi, nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
4שמחתי למאד כי מצאתי מבניך מתהלכים באמת כמצוה אשר קבלנו מאת האב׃
4Ndinofara zvikuru, nekuti ndakawana pavana venyu vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
5ועתה מבקש אני ממך הגבירה ולא ככתב אליך מצוה חדשה כי אם את אשר היתה לנו מראש לאהבה איש את רעהו׃
5Ikozvino ndinokukumbirisai, amai, kwete sezvivonzi ndinonyora murairo mutsva kwamuri, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
6וזאת היא האהבה אשר נתהלך במצותיו זאת היא המצוה אשר שמעתם מראש להתהלך בה׃
6zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, kuti sezvamakanzwa kubva pakutanga, mufambe mauri.
7כי מתעים רבים באו לעולם אשר אינם מודים בישוע המשיח כי בא בבשר זה הוא המתעה וצר המשיח׃
7Nekuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
8השמרו לכם פן תאבד ממנו פעלתנו כי אם נקח משכרתנו שלמה׃
8Zvichenjererei imi, kuti tirege kurashikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi kuti tipiwe mubairo wakakwana.
9כל העבר על תורת המשיח ואיננו עמד בה אין לו אלהים והעמד בתורת המשיח יש לו גם האב גם הבן׃
9Umwe neumwe, unodarika, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa kwaKristu ndiye une zvose Baba noMwanakomana.
10כל הבא אליכם ולא יביא את התורה הזאת לא תאספו אתו הביתה ולא תשאלו לו לשלום׃
10Kana kukauya umwe kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Hekanhi!
11כי השאל בשלומו הוא משתתף במעשיו הרעים׃
11Nekuti unoti kwaari: Hekanhi! unodyidzana naye pamabasa ake akaipa.
12הרבה לי לכתב אליכם ולא חפצתי בניר ובדיו כי אקוה לבוא אליכם ולדבר פה אל פה למען תהיה שמחתנו שלמה׃
12Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, tigotaurirana muromo nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13בני אחותך הבחירה שאלים לשלומך אמן׃
13Vana vomunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai.