1ויקבצו פלשתים את כל מחניהם אפקה וישראל חנים בעין אשר ביזרעאל׃
1Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri.
2וסרני פלשתים עברים למאות ולאלפים ודוד ואנשיו עברים באחרנה עם אכיש׃
2Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana-nemazana zviuru-nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi.
3ויאמרו שרי פלשתים מה העברים האלה ויאמר אכיש אל שרי פלשתים הלוא זה דוד עבד שאול מלך ישראל אשר היה אתי זה ימים או זה שנים ולא מצאתי בו מאומה מיום נפלו עד היום הזה׃
3Ipapo machinda avaFirisitia akati, Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano? Akishi akati kumachinda avaFirisitia, Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.
4ויקצפו עליו שרי פלשתים ויאמרו לו שרי פלשתים השב את האיש וישב אל מקומו אשר הפקדתו שם ולא ירד עמנו במלחמה ולא יהיה לנו לשטן במלחמה ובמה יתרצה זה אל אדניו הלוא בראשי האנשים ההם׃
4Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. nekuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
5הלוא זה דוד אשר יענו לו במחלות לאמר הכה שאול באלפו ודוד ברבבתו׃
5Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,
6ויקרא אכיש אל דוד ויאמר אליו חי יהוה כי ישר אתה וטוב בעיני צאתך ובאך אתי במחנה כי לא מצאתי בך רעה מיום באך אלי עד היום הזה ובעיני הסרנים לא טוב אתה׃
6Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, NaJehovha mupenyu, iwe wakange uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nekuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
7ועתה שוב ולך בשלום ולא תעשה רע בעיני סרני פלשתים׃
7Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.
8ויאמר דוד אל אכיש כי מה עשיתי ומה מצאת בעבדך מיום אשר הייתי לפניך עד היום הזה כי לא אבוא ונלחמתי באיבי אדני המלך׃
8Dhavhidhi akati kuna Akishi, Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemwi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?
9ויען אכיש ויאמר אל דוד ידעתי כי טוב אתה בעיני כמלאך אלהים אך שרי פלשתים אמרו לא יעלה עמנו במלחמה׃
9Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, Ngaarege kukwira nesu kundorwa.
10ועתה השכם בבקר ועבדי אדניך אשר באו אתך והשכמתם בבקר ואור לכם ולכו׃
10Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.
11וישכם דוד הוא ואנשיו ללכת בבקר לשוב אל ארץ פלשתים ופלשתים עלו יזרעאל׃
11Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.