1ויהי בבא דוד ואנשיו צקלג ביום השלישי ועמלקי פשטו אל נגב ואל צקלג ויכו את צקלג וישרפו אתה באש׃
1Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto;
2וישבו את הנשים אשר בה מקטן ועד גדול לא המיתו איש וינהגו וילכו לדרכם׃
2vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo.
3ויבא דוד ואנשיו אל העיר והנה שרופה באש ונשיהם ובניהם ובנתיהם נשבו׃
3Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa.
4וישא דוד והעם אשר אתו את קולם ויבכו עד אשר אין בהם כח לבכות׃
4Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
5ושתי נשי דוד נשבו אחינעם היזרעלית ואביגיל אשת נבל הכרמלי׃
5Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinowamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri.
6ותצר לדוד מאד כי אמרו העם לסקלו כי מרה נפש כל העם איש על בנו ועל בנתיו ויתחזק דוד ביהוה אלהיו׃
6Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nekuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nekuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
7ויאמר דוד אל אביתר הכהן בן אחימלך הגישה נא לי האפד ויגש אביתר את האפד אל דוד׃
7Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhiatari mupristi, mwanakomana waAhimereki, Douya hako pano neefodhi. Abhiatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi.
8וישאל דוד ביהוה לאמר ארדף אחרי הגדוד הזה האשגנו ויאמר לו רדף כי השג תשיג והצל תציל׃
8Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here? Akamupindura akati, Tevera hako, nekuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose.
9וילך דוד הוא ושש מאות איש אשר אתו ויבאו עד נחל הבשור והנותרים עמדו׃
9Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya.
10וירדף דוד הוא וארבע מאות איש ויעמדו מאתים איש אשר פגרו מעבר את נחל הבשור׃
10Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nekuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nekuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori.
11וימצאו איש מצרי בשדה ויקחו אתו אל דוד ויתנו לו לחם ויאכל וישקהו מים׃
11Vakawana muEgipita kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokumwa;
12ויתנו לו פלח דבלה ושני צמקים ויאכל ותשב רוחו אליו כי לא אכל לחם ולא שתה מים שלשה ימים ושלשה לילות׃
12vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amazambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nekuti wakange asina kudya zvokudya, kana kumwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu.
13ויאמר לו דוד למי אתה ואי מזה אתה ויאמר נער מצרי אנכי עבד לאיש עמלקי ויעזבני אדני כי חליתי היום שלשה׃
13Dhavhidhi akati kwaari, Uri waaniko? Unobvepiko? Iye akati, Ndiri jaya rakabva Egipita, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nekuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara.
14אנחנו פשטנו נגב הכרתי ועל אשר ליהודה ועל נגב כלב ואת צקלג שרפנו באש׃
14Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto.
15ויאמר אליו דוד התורדני אל הגדוד הזה ויאמר השבעה לי באלהים אם תמיתני ואם תסגרני ביד אדני ואורדך אל הגדוד הזה׃
15Dhavhidhi akati kwaari, Ungandiburutsira kuboka iro here? Iye akati, Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro.
16וירדהו והנה נטשים על פני כל הארץ אכלים ושתים וחגגים בכל השלל הגדול אשר לקחו מארץ פלשתים ומארץ יהודה׃
16Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokumwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
17ויכם דוד מהנשף ועד הערב למחרתם ולא נמלט מהם איש כי אם ארבע מאות איש נער אשר רכבו על הגמלים וינסו׃
17Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza.
18ויצל דוד את כל אשר לקחו עמלק ואת שתי נשיו הציל דוד׃
18Dhavhidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri.
19ולא נעדר להם מן הקטן ועד הגדול ועד בנים ובנות ומשלל ועד כל אשר לקחו להם הכל השיב דוד׃
19Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi;kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose.
20ויקח דוד את כל הצאן והבקר נהגו לפני המקנה ההוא ויאמרו זה שלל דוד׃
20Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.
21ויבא דוד אל מאתים האנשים אשר פגרו מלכת אחרי דוד וישיבם בנחל הבשור ויצאו לקראת דוד ולקראת העם אשר אתו ויגש דוד את העם וישאל להם לשלום׃
21Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
22ויען כל איש רע ובליעל מהאנשים אשר הלכו עם דוד ויאמרו יען אשר לא הלכו עמי לא נתן להם מהשלל אשר הצלנו כי אם איש את אשתו ואת בניו וינהגו וילכו׃
22Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.
23ויאמר דוד לא תעשו כן אחי את אשר נתן יהוה לנו וישמר אתנו ויתן את הגדוד הבא עלינו בידנו׃
23Ipapo Dhavhidhi akati, Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu.
24ומי ישמע לכם לדבר הזה כי כחלק הירד במלחמה וכחלק הישב על הכלים יחדו יחלקו׃
24Ndiani ungakuteererai pashoko rakadai? Nekuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.
25ויהי מהיום ההוא ומעלה וישמה לחק ולמשפט לישראל עד היום הזה׃
25Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi.
26ויבא דוד אל צקלג וישלח מהשלל לזקני יהודה לרעהו לאמר הנה לכם ברכה משלל איבי יהוה׃
26Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha;
27לאשר בבית אל ולאשר ברמות נגב ולאשר ביתר׃
27kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri,
28ולאשר בערער ולאשר בשפמות ולאשר באשתמע׃
28nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa;
29ולאשר ברכל ולאשר בערי הירחמאלי ולאשר בערי הקיני׃
29nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni,
30ולאשר בחרמה ולאשר בבור עשן ולאשר בעתך׃
30nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki,
31ולאשר בחברון ולכל המקמות אשר התהלך שם דוד הוא ואנשיו׃
31nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake.