Hebrew: Modern

Shona

Exodus

24

1ואל משה אמר עלה אל יהוה אתה ואהרן נדב ואביהוא ושבעים מזקני ישראל והשתחויתם מרחק׃
1Zvino iye akati kuna Mozisi, Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
2ונגש משה לבדו אל יהוה והם לא יגשו והעם לא יעלו עמו׃
2Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye.
3ויבא משה ויספר לעם את כל דברי יהוה ואת כל המשפטים ויען כל העם קול אחד ויאמרו כל הדברים אשר דבר יהוה נעשה׃
3Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.
4ויכתב משה את כל דברי יהוה וישכם בבקר ויבן מזבח תחת ההר ושתים עשרה מצבה לשנים עשר שבטי ישראל׃
4Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
5וישלח את נערי בני ישראל ויעלו עלת ויזבחו זבחים שלמים ליהוה פרים׃
5Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
6ויקח משה חצי הדם וישם באגנת וחצי הדם זרק על המזבח׃
6Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.
7ויקח ספר הברית ויקרא באזני העם ויאמרו כל אשר דבר יהוה נעשה ונשמע׃
7Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.
8ויקח משה את הדם ויזרק על העם ויאמר הנה דם הברית אשר כרת יהוה עמכם על כל הדברים האלה׃
8Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemwi pamusoro pamashoko iwaya ose.
9ויעל משה ואהרן נדב ואביהוא ושבעים מזקני ישראל׃
9Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwevavaIsiraeri vakakwira.
10ויראו את אלהי ישראל ותחת רגליו כמעשה לבנת הספיר וכעצם השמים לטהר׃
10Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
11ואל אצילי בני ישראל לא שלח ידו ויחזו את האלהים ויאכלו וישתו׃
11Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakamwa.
12ויאמר יהוה אל משה עלה אלי ההרה והיה שם ואתנה לך את לחת האבן והתורה והמצוה אשר כתבתי להורתם׃
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mabwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.
13ויקם משה ויהושע משרתו ויעל משה אל הר האלהים׃
13Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,
14ואל הזקנים אמר שבו לנו בזה עד אשר נשוב אליכם והנה אהרן וחור עמכם מי בעל דברים יגש אלהם׃
14akati kuvakuru, Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.
15ויעל משה אל ההר ויכס הענן את ההר׃
15Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
16וישכן כבוד יהוה על הר סיני ויכסהו הענן ששת ימים ויקרא אל משה ביום השביעי מתוך הענן׃
16Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.
17ומראה כבוד יהוה כאש אכלת בראש ההר לעיני בני ישראל׃
17Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
18ויבא משה בתוך הענן ויעל אל ההר ויהי משה בהר ארבעים יום וארבעים לילה׃
18Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.