1ולא יכל יוסף להתאפק לכל הנצבים עליו ויקרא הוציאו כל איש מעלי ולא עמד איש אתו בהתודע יוסף אל אחיו׃
1Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
2ויתן את קלו בבכי וישמעו מצרים וישמע בית פרעה׃
2Akachema kwazvo, vaEgipita naveimba yaFarao vakazvinzwawo.
3ויאמר יוסף אל אחיו אני יוסף העוד אבי חי ולא יכלו אחיו לענות אתו כי נבהלו מפניו׃
3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
4ויאמר יוסף אל אחיו גשו נא אלי ויגשו ויאמר אני יוסף אחיכם אשר מכרתם אתי מצרימה׃
4Josefa akati kuvana vababa vake, Doswederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.
5ועתה אל תעצבו ואל יחר בעיניכם כי מכרתם אתי הנה כי למחיה שלחני אלהים לפניכם׃
5Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
6כי זה שנתים הרעב בקרב הארץ ועוד חמש שנים אשר אין חריש וקציר׃
6nekuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
7וישלחני אלהים לפניכם לשום לכם שארית בארץ ולהחיות לכם לפליטה גדלה׃
7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
8ועתה לא אתם שלחתם אתי הנה כי האלהים וישימני לאב לפרעה ולאדון לכל ביתו ומשל בכל ארץ מצרים׃
8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeEgipita.
9מהרו ועלו אל אבי ואמרתם אליו כה אמר בנך יוסף שמני אלהים לאדון לכל מצרים רדה אלי אל תעמד׃
9Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weEgipita rose; burukirai kwandiri musanonoka;
10וישבת בארץ גשן והיית קרוב אלי אתה ובניך ובני בניך וצאנך ובקרך וכל אשר לך׃
10mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo;
11וכלכלתי אתך שם כי עוד חמש שנים רעב פן תורש אתה וביתך וכל אשר לך׃
11ndichakuchengetaipo, nekuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
12והנה עיניכם ראות ועיני אחי בנימין כי פי המדבר אליכם׃
12Tarirai meso enyu anoona, nameso omunin'ina wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
13והגדתם לאבי את כל כבודי במצרים ואת כל אשר ראיתם ומהרתם והורדתם את אבי הנה׃
13Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.
14ויפל על צוארי בנימן אחיו ויבך ובנימן בכה על צואריו׃
14Akawira pamutsipa waBhenjamini, munin'ina wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
15וינשק לכל אחיו ויבך עליהם ואחרי כן דברו אחיו אתו׃
15Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.
16והקל נשמע בית פרעה לאמר באו אחי יוסף וייטב בעיני פרעה ובעיני עבדיו׃
16Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
17ויאמר פרעה אל יוסף אמר אל אחיך זאת עשו טענו את בעירכם ולכו באו ארצה כנען׃
17Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKanani;
18וקחו את אביכם ואת בתיכם ובאו אלי ואתנה לכם את טוב ארץ מצרים ואכלו את חלב הארץ׃
18mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeEgipita, mudye zvakakora zvenyika.
19ואתה צויתה זאת עשו קחו לכם מארץ מצרים עגלות לטפכם ולנשיכם ונשאתם את אביכם ובאתם׃
19Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeEgipita, mundotora baba venyu, muuye.
20ועינכם אל תחס על כליכם כי טוב כל ארץ מצרים לכם הוא׃
20Musafunga nhumbi dzenyu, nekuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeEgipita ndezvenyu.
21ויעשו כן בני ישראל ויתן להם יוסף עגלות על פי פרעה ויתן להם צדה לדרך׃
21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo.
22לכלם נתן לאיש חלפות שמלת ולבנימן נתן שלש מאות כסף וחמש חלפת שמלת׃
22Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
23ולאביו שלח כזאת עשרה חמרים נשאים מטוב מצרים ועשר אתנת נשאת בר ולחם ומזון לאביו לדרך׃
23Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namakadzi emadhongi gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.
24וישלח את אחיו וילכו ויאמר אלהם אל תרגזו בדרך׃
24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, musatukana munzira.
25ויעלו ממצרים ויבאו ארץ כנען אל יעקב אביהם׃
25Ipapo vakabva Egipita, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKanani kuna Jakove, baba vavo.
26ויגדו לו לאמר עוד יוסף חי וכי הוא משל בכל ארץ מצרים ויפג לבו כי לא האמין להם׃
26Vakavaudza, vakati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeEgipita. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nekuti havana kutenda.
27וידברו אליו את כל דברי יוסף אשר דבר אלהם וירא את העגלות אשר שלח יוסף לשאת אתו ותחי רוח יעקב אביהם׃
27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakove, baba vavo, ukavandudzwa;
28ויאמר ישראל רב עוד יוסף בני חי אלכה ואראנו בטרם אמות׃
28Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.