Hebrew: Modern

Shona

Genesis

46

1ויסע ישראל וכל אשר לו ויבא בארה שבע ויזבח זבחים לאלהי אביו יצחק׃
1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
2ויאמר אלהים לישראל במראת הלילה ויאמר יעקב יעקב ויאמר הנני׃
2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakove ! Jakove ! Iye akati, Ndiri pano hangu.
3ויאמר אנכי האל אלהי אביך אל תירא מרדה מצרימה כי לגוי גדול אשימך שם׃
3Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Egipita; nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
4אנכי ארד עמך מצרימה ואנכי אעלך גם עלה ויוסף ישית ידו על עיניך׃
4ndichaburukira Egipita newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.
5ויקם יעקב מבאר שבע וישאו בני ישראל את יעקב אביהם ואת טפם ואת נשיהם בעגלות אשר שלח פרעה לשאת אתו׃
5Jakove akasimuka, akabva Bheeri­shebha; vanakomana vaIsiraeri vakata­kura Jakove baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzaka­nga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
6ויקחו את מקניהם ואת רכושם אשר רכשו בארץ כנען ויבאו מצרימה יעקב וכל זרעו אתו׃
6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKanani, vakasvika Egipita, Jakove nava­nakomana vake vose pamwechete naye;
7בניו ובני בניו אתו בנתיו ובנות בניו וכל זרעו הביא אתו מצרימה׃
7vanakomana vake, navana vavanako­mana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Egipita.
8ואלה שמות בני ישראל הבאים מצרימה יעקב ובניו בכר יעקב ראובן׃
8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri va­kasvika Egipita: Jakove, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJako­bho.
9ובני ראובן חנוך ופלוא וחצרון וכרמי׃
9Navanakomana vaRubheni: Ha­noki, naParu, naHezironi, Karami.
10ובני שמעון ימואל וימין ואהד ויכין וצחר ושאול בן הכנענית׃
10Na­vanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womu­kadzi weKanani.
11ובני לוי גרשון קהת ומררי׃
11Navanakomana vaRe­vhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
12ובני יהודה ער ואונן ושלה ופרץ וזרח וימת ער ואונן בארץ כנען ויהיו בני פרץ חצרון וחמול׃
12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKanani. Vanako­mana vaPerezi vaiva Hezironi, naHa­mori.
13ובני יששכר תולע ופוה ויוב ושמרון׃
13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
14ובני זבולן סרד ואלון ויחלאל׃
14Nava­nakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
15אלה בני לאה אשר ילדה ליעקב בפדן ארם ואת דינה בתו כל נפש בניו ובנותיו שלשים ושלש׃
15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
16ובני גד צפיון וחגי שוני ואצבן ערי וארודי ואראלי׃
16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
17ובני אשר ימנה וישוה וישוי ובריעה ושרח אחתם ובני בריעה חבר ומלכיאל׃
17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nava­nakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
18אלה בני זלפה אשר נתן לבן ללאה בתו ותלד את אלה ליעקב שש עשרה נפש׃
18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakove vanhu ava vane gumi navatanhatu.
19בני רחל אשת יעקב יוסף ובנימן׃
19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakove, vaiva Josefa naBhenjamini.
20ויולד ליוסף בארץ מצרים אשר ילדה לו אסנת בת פוטי פרע כהן אן את מנשה ואת אפרים׃
20Josefa akaberekerwa Manase naEfu­remu panyika yeEgipita, ndivo vaakabere­kerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
21ובני בנימן בלע ובכר ואשבל גרא ונעמן אחי וראש מפים וחפים וארד׃
21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshi­bheri naGera, naNaamani, naEhi, naRo­shi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
22אלה בני רחל אשר ילד ליעקב כל נפש ארבעה עשר׃
22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; vose vaiva vane gumi navana.
23ובני דן חשים׃
23Navanakomana vaDhani: Hu­shimi.
24ובני נפתלי יחצאל וגוני ויצר ושלם׃
24Navanakomana vaNafutari: Ja­zeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
25אלה בני בלהה אשר נתן לבן לרחל בתו ותלד את אלה ליעקב כל נפש שבעה׃
25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakove; vose vaiva vano­mwe.
26כל הנפש הבאה ליעקב מצרימה יצאי ירכו מלבד נשי בני יעקב כל נפש ששים ושש׃
26Zvino vanhu vose vakauya naJa­kobho Egipita, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakove vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
27ובני יוסף אשר ילד לו במצרים נפש שנים כל הנפש לבית יעקב הבאה מצרימה שבעים׃
27Vana­komana vaJosefa vaakanga aberekerwa Egipita vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakove vakauya Egipita, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
28ואת יהודה שלח לפניו אל יוסף להורת לפניו גשנה ויבאו ארצה גשן׃
28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoe­nda Gosheni.
29ויאסר יוסף מרכבתו ויעל לקראת ישראל אביו גשנה וירא אליו ויפל על צואריו ויבך על צואריו עוד׃
29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosa­ngana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, aka­chema pamutsipa wavo nguva huru.
30ויאמר ישראל אל יוסף אמותה הפעם אחרי ראותי את פניך כי עודך חי׃
30Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino nga­ndichifa hangu, nekuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.
31ויאמר יוסף אל אחיו ואל בית אביו אעלה ואגידה לפרעה ואמרה אליו אחי ובית אבי אשר בארץ כנען באו אלי׃
31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndicha­kwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKanani, va­svika kwandiri;
32והאנשים רעי צאן כי אנשי מקנה היו וצאנם ובקרם וכל אשר להם הביאו׃
32varume ava vafudzi, nekuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya nama­kwai avo, nemombe dzavo, nezvose zva­vanazvo.
33והיה כי יקרא לכם פרעה ואמר מה מעשיכם׃
33Zvino kana modamwa naFa­rao, akati, Basa renyu nderei?
34ואמרתם אנשי מקנה היו עבדיך מנעורינו ועד עתה גם אנחנו גם אבתינו בעבור תשבו בארץ גשן כי תועבת מצרים כל רעה צאן׃
34Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nekuti vafudzi vose vanonyangadza vaEgipita.