Hebrew: Modern

Shona

Hebrews

13

1אהבת האחים תעמד׃
1Rudo rweukama ngarwupfuurire.
2הכנסת ארחים אל תשכחו כי יש אשר הכניסו בה מלאכים ולא ידעו׃
2Musakangamwa kugamuchira vaeni; nekuti pakudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.
3זכרו את האסורים כאלו אתם אסורים עמהם ואת הנלחצים באשר גם אתם בבשר׃
3Rangarirai vari muusungwa, semakasungwa pamwe navo; nevanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo pamuviri.
4האישות תיקר בכל וערש יצועכם אל יחלל את הזנים ואת המנאפים ידין אלהים׃
4Wanano ngaikudzwe kune vose, nenhovo irege kusvibiswa; asi mhombwe nezvifeve Mwari uchatonga.
5רחקו מאהבת כסף ושמחו בחלקכם כי הוא אמר לא ארפך ולא אעזבך׃
5Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zvamunazvo, nekuti iye wakati: Handingatongokurasi kana kukusiya.
6על כן נבטח ונאמר יהוה לי בעזרי לא אירא מה יעשה לי אדם׃
6Naizvozvo tingatsunga moyo tichiti: Ishe mubatsiri wangu; handingatyi munhu zvaangaita kwandiri.
7זכרו את מנהיגיכם אשר הגידו לכם את דבר האלהים בינו לאחרית דרכם ולכו באמונתם׃
7Rangarirai avo vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari, mutevere nerutendo rwavo; muchicherekedza kuguma kwekufamba kwavo.
8ישוע המשיח גם תמול גם היום הוא הוא וגם לעולמים׃
8Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi uye nekusingaperi.
9אל תנועו בתורות שנות וזרות כי טוב לכונן לבנו בחסד ולא בעניני מאכל אשר לא הועילו למתהלכים בהם׃
9Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana siyana uye dzisingazikamwi; nekuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nechikafu chisina kuvabatsira vakafamba machiri.
10יש לנו מזבח אשר אינם רשאים לאכל מעליו משרתי המשכן׃
10Isu tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tende.
11כי הבהמות אשר הובא דמן בקדש לכפרת החטא על ידי הכהן הגדול גויתיהן נשרפו מחוץ למחנה׃
11Nekuti mitumbi yemhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mutumbu yadzo inopiswa kunze kwemisasa.
12בעבור זאת גם ישוע למען קדש בדמו את העם ענה מחוץ לשער׃
12Saka iye Jesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake wakatambudzika kunze kwesuwo.
13לכן נצאה נא אליו אל מחוץ למחנה ונשא את חרפתו׃
13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.
14כי פה אין לנו עיר עמדת כי את העתידה אנחנו מבקשים׃
14Nekuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka richauya.
15לכן נקריב על ידו בכל עת זבח תודה לאלהים היא פרי שפתים המודות לשמו׃
15Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichingobayira chibayiro chekumurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo inobvuma zita rake.
16ואל תשכחו לגמל חסד ולתת לאביונים כי זבחים כאלה יערבו לאלהים׃
16Asi musakangamwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nekuti Mwari unofadzwa chose nezvibayiro zvakadaro.
17שמעו אל מנהיגיכם והכנעו מפניהם כי שקדים הם על נפשתיכם כעתידים לתת חשבון למען יעשו זאת בשמחה ולא באנחה כי זאת לא להועיל לכם׃
17teererai vanokutungamirirai, muzviise pasi pavo; nekuti vanorinda mweya yenyu, sevanhu vachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nomufaro, kwete neshungu; nekuti izvozvo hazvikubatsiriyi.
18התפללו בעדנו כי ידענו אשר שלמה מחשבתנו ונחפץ ללכת דרך ישרה בכל׃
18Tinyengetererei; nekuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
19ובחזקה אבקש מכם לעשות זאת למען אושב אליכם במהרה׃
19Ndinokukumbirisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
20ואלהי השלום אשר בדם ברית עולם העלה מן המתים את רעה הצאן הגדול את ישוע אדנינו׃
20Zvino Mwari werugare, wakadzosa kuvakafa Mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu Kristu,
21הוא ישלימכם בכל מעשה טוב לעשות רצונו בפעלו בכם את הרצוי לפניו ביד ישוע המשיח אשר לו הכבוד לעולמי עולמים אמן׃
21ngaakupereredzei pabasa rose rakanaka kuti muite chido chake, iye achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Krisu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
22ואבקש מכם אחי שאו נא דבר התוכחה כי כתבתי אליכם בקצרה׃
22Asi ndinokukumbirisai, hama, tendai shoko rekurudziro, nekuti ndakunyorerai mashoko mashoma.
23ודעו כי טימותיוס אחינו יצא מבית האסורים והיה אם יבא במהרה אראה אתו את פניכם׃
23Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwe naye.
24שאלו לשלום כל מנהיגיכם ולשלום כל הקדשים בני ארץ איטליא שאלים לשלומכם׃
24Kwazisai vose vanokutungamirirai, nevatsvene vose. Vanobva Itaria vanokukwazisai.
25החסד עם כלכם אמן׃
25Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.