1יעקב עבד אלהים ואדנינו ישוע המשיח שאל לשלום שנים עשר השבטים הנפוצים׃
1Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri akapararira: Kwaziwai!
2אך לשמחה חשבו לכם אחי כאשר תבאו בנסינות שונים׃
2Hama dzangu, zvitorei zvose semufaro kana muchiwira mumiidzo yakasiyana siyana;
3בדעתכם כי בחן אמונתכם מביא לידי סבלנות׃
3muchiziva kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunobereka kutsungirira.
4והסבלנות שלמה תהיה בפעלה להיותכם שלמים ותמימים ולא תחסרו כל דבר׃
4Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakaperedzera nekukwana musingashaiwi chinhu.
5ואיש מכם כי יחסר חכמה יבקשנה מאלהים הנותן לכל בנדיבה ובאין גערה ותנתן לו׃
5Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri ngaakumbire kuna Mwari, unopavhurira vose asingagunun'uni; uchapiwa hake.
6רק יבקש באמונה ובבלי ספק כי בעל ספק דומה לגלי הים הסער והנגרש׃
6Asi ngaakumbire murutendo, asingakahadziki chinhu; nekuti munhu unokahadzika wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
7והאיש ההוא אל ידמה בנפשו כי ישא דבר מאת יהוה׃
7Nekuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti uchazogamuchira chinhu kubva kuna Ishe;
8איש אשר חלק לבו הפכפך הוא בכל דרכיו׃
8munhu une moyo miviri, usina kwake panzira dzake dzose.
9אבל האח השפל יתהלל ברוממתו׃
9Asi hama yakaderera ngaifare pakukudzwa kwake;
10והעשיר יתהלל בשפלותו כי יעבר כציץ החציר׃
10nemufumi pakuderedzwa kwake, nekuti seruva reuswa uchapfuura.
11כי זרח השמש בחמתו וייבש את החציר ויבל ציצו וחסד מראהו אבד כן יבול העשיר בהליכותיו׃
11Nekuti zuva rinobuda pamwe nekupisa kunopfutidza ndokuwomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi uchabvuruvara panzira dzake.
12אשרי האיש העמד בנסיונו כי כאשר נבחן ישא עטרת החיים אשר הבטיח יהוה לאהביו׃
12Wakaropafadzwa munhu unotsungirira pamuidzo; nekuti kana anzverwa, uchagamuchira korona yeupenyu Ishe yaakavimbisa avo vanomuda.
13אל יאמר המנסה האלהים נסני כי האלהים איננו מנסה ברע והוא לא ינסה איש׃
13Kusava nemunhu unoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nekuti Mwari haangaidzi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
14כי אם ינסה כל איש בתאות נפשו אשר תסיתהו ותפתהו׃
14Asi munhu umwe neumwe unoidzwa kana achikwehwa nekukwezwa nekuchiva kwake.
15ואחרי כן הרתה התאות ותלד חטא והחטא כי נשלם יוליד את המות׃
15Zvino kuchiva kana kwakurirwa kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
16אל תתעו אחי אהובי׃
16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikamwa.
17כל מתנה טובה וכל מנחה שלמה תרד ממעל מאת אבי האורות אשר חלוף וכל צל שנוי אין עמו׃
17chipo chose chakanaka nechipo chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wekushanduka.
18הוא בחפצו ילד אותנו בדבר האמת להיותנו כמו ראשית בכורי יצוריו׃
18Nekuda kwekuda kwake wakatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
19על זאת אחי אהובי יהי כל איש מהיר לשמע קשה לדבר וקשה לכעוס׃
19Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave unokurumidza kunzwa, unononoka kutaura, unononoka kutsamwa;
20כי כעס אדם לא יפעל צדקת אלהים׃
20Nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21לכן הסירו מעליכם כל טנוף ותרבות רעה וקבלו בענוה את הדבר הנטוע בכם אשר יכל להושיע את נפשתיכם׃
21Saka bvisai zvinyangadzo zvose nekuwanda kweunhubu, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22והיו עשי הדבר ולא שמעיו לבד לרמות את נפשכם׃
22Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi voga, muchizvinyengera.
23כי האיש אשר רק שמע את הדבר ולא עשהו נמשל לאיש מביט את תאר הויתו במראה׃
23Nekuti kana ani nani ari munzwi weshoko, asiri muiti waro wakafanana nomunhu unoona chiso chake chechisikigo muchionioni.
24כי הביט אל מראהו וילך לו וברגע שכח מה תארו׃
24Nekuti unozviona, ndokuenda, ndokukangamwa pakarepo kuti wanga akadini.
25אבל המשקיף בתורה השלמה תורת החרות ומחזיק בה אשר איננו שמע ושכח כי אם עשה בפעל אשרי האיש ההוא במעשהו׃
25Asi uyo unocherekedza murairo wakaperedzerwa wekusunungurwa, akaramba achidaro asati ari munzwi unokangamwa, asi muiti webasa, munhu uyu ucharopafadzwa pakuita kwake.
26איש מכם אם ידמה להיות עבד אלהים ואיננו שם רסן ללשנו כי אם מתעה הוא את לבבו עבדתו אך לריק תהיה׃
26Kana munhu pakati penyu achiti unotenda, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, rutendo rwemunhu uyu harwuna maturo.
27זאת העבודה הטהורה והברה לפני האלהים אבינו לבקר את היתומים והאלמנות בלחצם ולשמר את עצמו נקי מחלאת העולם׃
27Rutendo rwakarurama, rwusina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndirworwu, kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, kuti azvichengete asina gwapa kubva kunyika.