Hebrew: Modern

Shona

Hebrews

2

1לכן אנחנו חיבים ביותר להכין לבבנו אל אשר שמענו פן ילוז ויאבד ממנו׃
1Saka tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, kuti chero nguva tirege kueredzwa.
2כי אם הדבר הנאמר על ידי המלאכים היה קים וכל פשע ומרי נשא את ענשו כמשפט׃
2Nekuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kose nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama kwemubairo,
3איך נמלט אנחנו אם לא נשים לב לתשועה גדולה אשר כזאת הנאמרה מתחלה בפי האדון ותקים לנו על ידי שמעיה׃
3isu tichapukunyuka sei kana tichishaya hanya neruponeso rukuru rwakadai? Urwu rwakataurwa pakutanga naIshe, rwukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;
4וגם אלהים העיד עליה באתות ובמופתים ובגבורות שנות ובהאציל מרוח קדשו כרצונו׃
4Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, nekuda kwekuda kwake.
5כי לא תחת יד המלאכים שת את העולם הבא אשר אנחנו מדברים עליו׃
5Nekuti haana kuisa shoko rinouya pasi kuvatumwa, ratinotaura nezvaro.
6כי אם כאשר העיד האמר במקום אחד מה אנוש כי תזכרנו ובן אדם כי תפקדנו׃
6Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Ko munhu chii, kuti mumurangarire? kana Mwanakomana wemunhu, kuti mumushanyire?
7ותחסרהו מעט מאלהים וכבוד והדר תעטרהו ותמשילהו במעשי ידיך׃
7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamupfekedza korona yekubwinya nerukudzo, mukamumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
8כל שתה תחת רגליו הנה באשר שת כל תחתיו לא השאיר דבר שלא שת תחתיו ועתה זה לא ראינו עדין כי כל הושת תחתיו׃
8Zvinhu zvose makaisa pasi pake pasi petsoka dzake. nekuti pane izvozvi wakaisa zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9אבל ישוע המחסר מעט ממלאכים אותו ראינו מעטר בכבוד והדר מפני ענותו עד מות למען אשר יטעם בחסד אלהים את המות בעד כלם׃
9Asi tinoona Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nekuda kwekutambudzika kwerufu, wakashongedzwa korona yekubwinya nekukudzwa, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.
10כי נאה היה לו אשר הכל למענו והכל על ידו בהנחתו בנים רבים לכבוד להשלים בענוים את שר ישועתם׃
10Nekuti zvakanga zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo naye, uye zvinhu zvose zvakaitwa naye, pakuisa vanakomana vazhinji pakubwinya, apedzeredze mutungamiriri wekuponeswa kwavo kubudikidza nematambudziko.
11כי גם המקדש גם המקדשים כלם מאחד המה ועל כן לא בוש מקרא להם אחים׃
11Nekuti zvose vanoitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune umwe; nemhaka iyi haana nyadzi kuvaidza hama,
12באמרו אספרה שמך לאחי בתוך קהל אהללך׃
12achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichikuimbirai rumbidzo.
13ועוד וקויתי לו ועוד הנה אנכי והילדים אשר נתן לי יהוה׃
13Uyezve: Ndichavimba naye, Uyezve: Tarirai ini nevacheche Mwari vaakandipa.
14ויען כי הילדים כלם יחדו בשר ודם אף הוא לבש בשר ודם כמוהם למען אשר יבטל על ידי המות את אשר לו ממשלת המות הוא השטן׃
14Naizvozvo sezvo vacheche vari vagovani veropa nenyama, naiyewo wakagovana navo pane izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo unesimba rerufu, iye dhiabhorosi,
15ולהתיר את אלה אשר מאימת המות היו נתנים לעבדות כל ימי חייהם׃
15agosunungura avo kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda paupenyu hwavo hwose.
16כי אמנם לא במלאכים החזיק כי אם בזרע אברהם החזיק׃
16Nekuti zvirokwazvo, haana kuzvitorera vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahamu.
17על כן היה עליו להדמות לאחיו בכל דבר למען אשר יהיה כהן גדול רחמן ונאמן בעניני אלהים לכפר על חטאת העם׃
17Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru uzere netsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
18כי באשר הוא בעצמו ענה ונתנסה יכל לעזר את המנסים׃
18Nekuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiidzwa, unogona kuvabatsira avo vanoidzwa.