1וידבר יהוה אל משה לאמר׃
1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2צו את בני ישראל ואמרת אלהם כי אתם באים אל הארץ כנען זאת הארץ אשר תפל לכם בנחלה ארץ כנען לגבלתיה׃
2Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana masvika munyika yeKanani (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKanani, kusvikira kumiganhu yayo,)
3והיה לכם פאת נגב ממדבר צן על ידי אדום והיה לכם גבול נגב מקצה ים המלח קדמה׃
3rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyu weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva;
4ונסב לכם הגבול מנגב למעלה עקרבים ועבר צנה והיה תוצאתיו מנגב לקדש ברנע ויצא חצר אדר ועבר עצמנה׃
4zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi-bharinea; zvino upfuure kuHazari-adhari, ugondosvika Azimoni;
5ונסב הגבול מעצמון נחלה מצרים והיו תוצאתיו הימה׃
5zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweEgipita, ndokubuda paGungwa.
6וגבול ים והיה לכם הים הגדול וגבול זה יהיה לכם גבול ים׃
6Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva.
7וזה יהיה לכם גבול צפון מן הים הגדל תתאו לכם הר ההר׃
7Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori;
8מהר ההר תתאו לבא חמת והיו תוצאת הגבל צדדה׃
8kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi.
9ויצא הגבל זפרנה והיו תוצאתיו חצר עינן זה יהיה לכם גבול צפון׃
9Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari-enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro.
10והתאויתם לכם לגבול קדמה מחצר עינן שפמה׃
10Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari-enani kusvika paShefami.
11וירד הגבל משפם הרבלה מקדם לעין וירד הגבול ומחה על כתף ים כנרת קדמה׃
11Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva;
12וירד הגבול הירדנה והיו תוצאתיו ים המלח זאת תהיה לכם הארץ לגבלתיה סביב׃
12zvino muganhu uburukire kuJoridhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.
13ויצו משה את בני ישראל לאמר זאת הארץ אשר תתנחלו אתה בגורל אשר צוה יהוה לתת לתשעת המטות וחצי המטה׃
13Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;
14כי לקחו מטה בני הראובני לבית אבתם ומטה בני הגדי לבית אבתם וחצי מטה מנשה לקחו נחלתם׃
14nekuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo;
15שני המטות וחצי המטה לקחו נחלתם מעבר לירדן ירחו קדמה מזרחה׃
15marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJoroclhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.
16וידבר יהוה אל משה לאמר׃
16Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
17אלה שמות האנשים אשר ינחלו לכם את הארץ אלעזר הכהן ויהושע בן נון׃
17Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni.
18ונשיא אחד נשיא אחד ממטה תקחו לנחל את הארץ׃
18Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu.
19ואלה שמות האנשים למטה יהודה כלב בן יפנה׃
19Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune;
20ולמטה בני שמעון שמואל בן עמיהוד׃
20kurudzi rwavana vaSimioni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi;
21למטה בנימן אלידד בן כסלון׃
21kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi;
22ולמטה בני דן נשיא בקי בן יגלי׃
22kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri;
23לבני יוסף למטה בני מנשה נשיא חניאל בן אפד׃
23kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi;
24ולמטה בני אפרים נשיא קמואל בן שפטן׃
24kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani;
25ולמטה בני זבולן נשיא אליצפן בן פרנך׃
25kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani ;
26ולמטה בני יששכר נשיא פלטיאל בן עזן׃
26kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani,
27ולמטה בני אשר נשיא אחיהוד בן שלמי׃
27kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi;
28ולמטה בני נפתלי נשיא פדהאל בן עמיהוד׃
28kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.
29אלה אשר צוה יהוה לנחל את בני ישראל בארץ כנען׃
29Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKanani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.