1ולנעמי מידע לאישה איש גבור חיל ממשפחת אלימלך ושמו בעז׃
1Zvino Naomi wakange ane hama yomurume wake, murume wakange ane simba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhowasi.
2ותאמר רות המואביה אל נעמי אלכה נא השדה ואלקטה בשבלים אחר אשר אמצא חן בעיניו ותאמר לה לכי בתי׃
2Rute muMoabhu akati kuna Naomi, Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari, Enda hako, mwana wangu.
3ותלך ותבוא ותלקט בשדה אחרי הקצרים ויקר מקרה חלקת השדה לבעז אשר ממשפחת אלימלך׃
3Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhowasi weimba yaErimereki.
4והנה בעז בא מבית לחם ויאמר לקוצרים יהוה עמכם ויאמרו לו יברכך יהוה׃
4Zvino vonei, Bhowasi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, Jehovha ave nemi. Ivo vakapindura, vakati kwaari, Jehovha akuropafadzeiwo.
5ויאמר בעז לנערו הנצב על הקוצרים למי הנערה הזאת׃
5Bhowasi akati kumuranda wake wakange ari mutariri wavacheki, Musikana uyu ndowaaniko?
6ויען הנער הנצב על הקוצרים ויאמר נערה מואביה היא השבה עם נעמי משדה מואב׃
6Muranda, wakange ari mutariri wavacheki, akapindura akati, Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu,
7ותאמר אלקטה נא ואספתי בעמרים אחרי הקוצרים ותבוא ותעמוד מאז הבקר ועד עתה זה שבתה הבית מעט׃
7iye akati, Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote, naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.
8ויאמר בעז אל רות הלוא שמעת בתי אל תלכי ללקט בשדה אחר וגם לא תעבורי מזה וכה תדבקין עם נערתי׃
8Ipapo Bhowasi akati kuna Rute, Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu.
9עיניך בשדה אשר יקצרון והלכת אחריהן הלוא צויתי את הנערים לבלתי נגעך וצמת והלכת אל הכלים ושתית מאשר ישאבון הנערים׃
9Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, umwe mvura yakatekwa namajaya.
10ותפל על פניה ותשתחו ארצה ותאמר אליו מדוע מצאתי חן בעיניך להכירני ואנכי נכריה׃
10Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, Ndanzwirwa nyasha nemwi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?
11ויען בעז ויאמר לה הגד הגד לי כל אשר עשית את חמותך אחרי מות אישך ותעזבי אביך ואמך וארץ מולדתך ותלכי אל עם אשר לא ידעת תמול שלשום׃
11Bhowasi akapindura akati kwaari, Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa komurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
12ישלם יהוה פעלך ותהי משכרתך שלמה מעם יהוה אלהי ישראל אשר באת לחסות תחת כנפיו׃
12Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.
13ותאמר אמצא חן בעיניך אדני כי נחמתני וכי דברת על לב שפחתך ואנכי לא אהיה כאחת שפחתיך׃
13Iye akati, Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nekuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.
14ויאמר לה בעז לעת האכל גשי הלם ואכלת מן הלחם וטבלת פתך בחמץ ותשב מצד הקוצרים ויצבט לה קלי ותאכל ותשבע ותתר׃
14Nenguva yokudya Bhowasi akati kwaari, Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga. Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.
15ותקם ללקט ויצו בעז את נעריו לאמר גם בין העמרים תלקט ולא תכלימוה׃
15Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhowasi akaraira majaya ake, akati, Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa.
16וגם של תשלו לה מן הצבתים ועזבתם ולקטה ולא תגערו בה׃
16Mumuvhomorerewo dzimwe hura maune patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.
17ותלקט בשדה עד הערב ותחבט את אשר לקטה ויהי כאיפה שערים׃
17Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari.
18ותשא ותבוא העיר ותרא חמותה את אשר לקטה ותוצא ותתן לה את אשר הותרה משבעה׃
18Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo.
19ותאמר לה חמותה איפה לקטת היום ואנה עשית יהי מכירך ברוך ותגד לחמותה את אשר עשתה עמו ותאמר שם האיש אשר עשיתי עמו היום בעז׃
19Ipapo vamwene vake vakati kwaari, Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.
20ותאמר נעמי לכלתה ברוך הוא ליהוה אשר לא עזב חסדו את החיים ואת המתים ותאמר לה נעמי קרוב לנו האיש מגאלנו הוא׃
20Naomi akati kumukadzi womwana wake, Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa tsitsi dzake kuvapenyu navakafa. Naomi akati kwaari, Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikunuri vedu.
21ותאמר רות המואביה גם כי אמר אלי עם הנערים אשר לי תדבקין עד אם כלו את כל הקציר אשר לי׃
21Rute muMoabhu akati, hongu, wakati kwandiri, Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kukohwa zvose zvangu.
22ותאמר נעמי אל רות כלתה טוב בתי כי תצאי עם נערותיו ולא יפגעו בך בשדה אחר׃
22Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda.
23ותדבק בנערות בעז ללקט עד כלות קציר השערים וקציר החטים ותשב את חמותה׃
23Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhowasi, akaunganidza kusvikira pakupera kokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake.