1ותאמר לה נעמי חמותה בתי הלא אבקש לך מנוח אשר ייטב לך׃
1Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here?
2ועתה הלא בעז מדעתנו אשר היית את נערותיו הנה הוא זרה את גרן השערים הלילה׃
2Zvino Bhowasi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro.
3ורחצת וסכת ושמת שמלתך עליך וירדתי הגרן אל תודעי לאיש עד כלתו לאכל ולשתות׃
3Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokumwa.
4ויהי בשכבו וידעת את המקום אשר ישכב שם ובאת וגלית מרגלתיו ושכבתי והוא יגיד לך את אשר תעשין׃
4Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.
5ותאמר אליה כל אשר תאמרי אעשה׃
5Akati kwaari, Zvose zvamunondiudza ndichazviita.
6ותרד הגרן ותעש ככל אשר צותה חמותה׃
6Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake.
7ויאכל בעז וישת וייטב לבו ויבא לשכב בקצה הערמה ותבא בלט ותגל מרגלתיו ותשכב׃
7Zvino Bhowasi wakati apedza kudya nokumwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.
8ויהי בחצי הלילה ויחרד האיש וילפת והנה אשה שכבת מרגלתיו׃
8Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake.
9ויאמר מי את ותאמר אנכי רות אמתך ופרשת כנפך על אמתך כי גאל אתה׃
9Akati, Ndiwe aniko? Akapindura akati, Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nekuti muri hama yomumba.
10ויאמר ברוכה את ליהוה בתי היטבת חסדך האחרון מן הראשון לבלתי לכת אחרי הבחורים אם דל ואם עשיר׃
10Ipapo iye akati, Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nekuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nekuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.
11ועתה בתי אל תיראי כל אשר תאמרי אעשה לך כי יודע כל שער עמי כי אשת חיל את׃
11Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nekuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
12ועתה כי אמנם כי אם גאל אנכי וגם יש גאל קרוב ממני׃
12Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini.
13ליני הלילה והיה בבקר אם יגאלך טוב יגאל ואם לא יחפץ לגאלך וגאלתיך אנכי חי יהוה שכבי עד הבקר׃
13Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana.
14ותשכב מרגלתו עד הבקר ותקם בטרום יכיר איש את רעהו ויאמר אל יודע כי באה האשה הגרן׃
14Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. nekuti wakati, Ngazvirege kuzikamwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.
15ויאמר הבי המטפחת אשר עליך ואחזי בה ותאחז בה וימד שש שערים וישת עליה ויבא העיר׃
15Akati, Uya nenguvo yawakafuka, uibate, akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta.
16ותבוא אל חמותה ותאמר מי את בתי ותגד לה את כל אשר עשה לה האיש׃
16Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, Zvazodiniko mwana wangu? Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya.
17ותאמר שש השערים האלה נתן לי כי אמר אל תבואי ריקם אל חמותך׃
17Akati, Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nekuti wakati, Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.
18ותאמר שבי בתי עד אשר תדעין איך יפל דבר כי לא ישקט האיש כי אם כלה הדבר היום׃
18Zvino vakati, Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nekuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.