1全地は同じ発音、同じ言葉であった。
1Zvino nyika yose yaiva yerurimi rwumwe neyeshoko rimwe.
2時に人々は東に移り、シナルの地に平野を得て、そこに住んだ。
2Zvino zvakaitika vachifamba kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.
3彼らは互に言った、「さあ、れんがを造って、よく焼こう」。こうして彼らは石の代りに、れんがを得、しっくいの代りに、アスファルトを得た。
3Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvikuru. Zvino zvidhina zvakava mabwe kwavari, netara ikava dope kwavari.
4彼らはまた言った、「さあ、町と塔とを建てて、その頂を天に届かせよう。そしてわれわれは名を上げて、全地のおもてに散るのを免れよう」。
4Zvino vakati: Uyai, ngatizvivakire guta neshongwe ine musoro urikudenga, uye ngatizviitirei zita, zvikasadaro tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.
5時に主は下って、人の子たちの建てる町と塔とを見て、
5Zvino Jehovha wakaburuka kuzoona guta neshongwe, yakangi yavakwa nevanakomana vevanhu.
6言われた、「民は一つで、みな同じ言葉である。彼らはすでにこの事をしはじめた。彼らがしようとする事は、もはや何事もとどめ得ないであろう。
6Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderwumwe, uye vane rurimi rwumwe vose, zvino ndizvo zvavanotanga kuita; uye ikozvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7さあ、われわれは下って行って、そこで彼らの言葉を乱し、互に言葉が通じないようにしよう」。
7Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa mutauro weumwe neumwe.
8こうして主が彼らをそこから全地のおもてに散らされたので、彼らは町を建てるのをやめた。
8Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pamusoro pechiso chenyika, vakamira kuvaka guta.
9これによってその町の名はバベルと呼ばれた。主がそこで全地の言葉を乱されたからである。主はそこから彼らを全地のおもてに散らされた。
9Naizvozvo vakatumidza zita raro kuti Bhabheri, nekuti ipapo Jehovha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pachiso chenyika yose.
10セムの系図は次のとおりである。セムは百歳になって洪水の二年の後にアルパクサデを生んだ。
10Awa marudzi aShemu. Shemu wakange ane makore zana, akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.
11セムはアルパクサデを生んで後、五百年生きて、男子と女子を生んだ。
11Shemu ndokurarama, shure kwekubereka Aripakishadhi, makore mazana mashanu; akabereka vanakomana nevanasikana.
12アルパクサデは三十五歳になってシラを生んだ。
12Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, akabereka Shera.
13アルパクサデはシラを生んで後、四百三年生きて、男子と女子を生んだ。
13Aripakishadhi ndokurarama, shure kwekubereka kwake Shera, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
14シラは三十歳になってエベルを生んだ。
14Shera ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Ebheru.
15シラはエベルを生んで後、四百三年生きて、男子と女子を生んだ。
15Shera ndokurarama, shure kwekubereka kwake Ebheru, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
16エベルは三十四歳になってペレグを生んだ。
16Ebheru ndokurarama makore makumi matatu nemana, akabereka Peregi.
17エベルはペレグを生んで後、四百三十年生きて、男子と女子を生んだ。
17Ebheru ndokurarama, shure kwekubereka kwake Peregi, makore mazana mana nemakumi matatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
18ペレグは三十歳になってリウを生んだ。
18Peregi ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Rehu.
19ペレグはリウを生んで後、二百九年生きて、男子と女子を生んだ。
19Zvino Peregi wakararama, shure kwekubereka kwake Rehu, makore mazana maviri nemapfumbamwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
20リウは三十二歳になってセルグを生んだ。
20Rehu ndokurarama makore makumi matatu nemaviri, akabereka Serugu.
21リウはセルグを生んで後、二百七年生きて、男子と女子を生んだ。
21Zvino Rehu wakararama, shure kwekubereka kwake Serugu, makore mazana maviri nemanomwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
22セルグは三十歳になってナホルを生んだ。
22Serugu ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Nahori.
23セルグはナホルを生んで後、二百年生きて、男子と女子を生んだ。
23Zvino Serugu wakararama, shure kwekubereka kwake Nahori, makore mazana maviri, akabereka vanakomana nevanasikana.
24ナホルは二十九歳になってテラを生んだ。
24Nahori ndokurarama makore makumi maviri nemapfumbamwe, akabereka Tera.
25ナホルはテラを生んで後、百十九年生きて、男子と女子を生んだ。
25Zvino Nahori wakararama, shure kwekubereka kwake Tera, makore zana negumi nemapfumbamwe, akabereka vanakomana nevanasikana.
26テラは七十歳になってアブラム、ナホルおよびハランを生んだ。
26Tera ndokurarama makore makumi manomwe, akabereka Abhuramu, Nahori naHarani.
27テラの系図は次のとおりである。テラはアブラム、ナホルおよびハランを生み、ハランはロトを生んだ。
27Zvino izvi zvizvarwa zvaTera. Tera wakabereka Abhuramu, Nahori naHarani; Harani ndokubereka Roti;
28ハランは父テラにさきだって、その生れた地、カルデヤのウルで死んだ。
28Harani akafa, baba vake Tera vasati vafa, panyika yechiberekerwa chake, muUri yevaKaradhea.
29アブラムとナホルは妻をめとった。アブラムの妻の名はサライといい、ナホルの妻の名はミルカといってハランの娘である。ハランはミルカの父、またイスカの父である。
29Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhuramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30サライはうまずめで、子がなかった。
30Asi Sarai waiva mhanje, wakange asina mwana.
31テラはその子アブラムと、ハランの子である孫ロトと、子アブラムの妻である嫁サライとを連れて、カナンの地へ行こうとカルデヤのウルを出たが、ハランに着いてそこに住んだ。テラの年は二百五歳であった。テラはハランで死んだ。
31Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana wemwanakomana wake, naSarai, muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; vakabva Uri yevaKaradhea navo, kuenda kunyika yeKanani; vakasvika Harani, vakagarapo.
32テラの年は二百五歳であった。テラはハランで死んだ。
32Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemashanu; Tera akafira Harani.