1時に主はアブラムに言われた、「あなたは国を出て、親族に別れ、父の家を離れ、わたしが示す地に行きなさい。
1Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu: Ibva panyika yekwako nekuhama dzako nekuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.
2わたしはあなたを大いなる国民とし、あなたを祝福し、あなたの名を大きくしよう。あなたは祝福の基となるであろう。
2Zvino ndichakuita uve rudzi rukuru, nekukuropafadza, nekuita zita rako rive guru, uye uchava ropafadzo.
3あなたを祝福する者をわたしは祝福し、あなたをのろう者をわたしはのろう。地のすべてのやからは、あなたによって祝福される」。
3Zvino ndicharopafadza vanokuropafadza, nekutuka unokutuka; uye mauri marudzi ose enyika acharopafadzwa.
4アブラムは主が言われたようにいで立った。ロトも彼と共に行った。アブラムはハランを出たとき七十五歳であった。
4Abhuramu ndokuenda Jehovha sezvaakataura kwaari, naRoti wakaenda naye. Zvino Abhuramu wakange ane makore makumi manomwe nemashanu pakubva kwake Harani.
5アブラムは妻サライと、弟の子ロトと、集めたすべての財産と、ハランで獲た人々とを携えてカナンに行こうとしていで立ち、カナンの地にきた。
5Abhuramu ndokutora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana wemunin'ina wake, nenhumbi dzavo dzose dzavakange vaunganidza, nemweya yavakange vawana paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKanani; ndokusvika kunyika yeKanani.
6アブラムはその地を通ってシケムの所、モレのテレビンの木のもとに着いた。そのころカナンびとがその地にいた。
6Abhuramu ndokugura nemunyika kusvika panzvimbo yeShekemu, pamuti wemuouki* weMore; uye vaKanani vaiva munyika iyo nguva iyoyo.
7時に主はアブラムに現れて言われた、「わたしはあなたの子孫にこの地を与えます」。アブラムは彼に現れた主のために、そこに祭壇を築いた。
7Zvino Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, akati: Kumbeu yako ndichapa nyika iyi; ndokuvakira ipapo Jehovha aritari, iye wakange aonekera kwaari.
8彼はそこからベテルの東の山に移って天幕を張った。西にはベテル、東にはアイがあった。そこに彼は主のために祭壇を築いて、主の名を呼んだ。
8Zvino wakabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, ndokudzika tende rake; Bheteri riri kumavirazuva uye Ai kumabvazuva. Zvino wakavakirapo Jehovha aritari, akadana zita raJehovha.
9アブラムはなお進んでネゲブに移った。
9Zvino Abhuramu wakafamba achienderera mberi akananga kuchamhembe.
10さて、その地にききんがあったのでアブラムはエジプトに寄留しようと、そこに下った。ききんがその地に激しかったからである。
10Zvino kwakava nenzara panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira kuEgipita kunogarako semweni; nekuti nzara yairwadza panyika.
11エジプトにはいろうとして、そこに近づいたとき、彼は妻サライに言った、「わたしはあなたが美しい女であるのを知っています。
11Zvino zvakaitika oswedera kupinda muEgipita kuti wakati kuna Sara, mukadzi wake: Tarira zvino, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kuonekwa.
12それでエジプトびとがあなたを見る時、これは彼の妻であると言ってわたしを殺し、あなたを生かしておくでしょう。
12Zvino zvichaitika vaEgipita pavachakuona, kuti vachati: Uyu mukadzi wake, ndokundiuraya, asi iwe vachakuchengeta uri mupenyu.
13どうかあなたは、わたしの妹だと言ってください。そうすればわたしはあなたのおかげで無事であり、わたしの命はあなたによって助かるでしょう」。
13Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti zvindinakire nekuda kwako, mweya wangu ugorarama nekuda kwako.
14アブラムがエジプトにはいった時エジプトびとはこの女を見て、たいそう美しい人であるとし、
14Zvino zvakaitika kuiti Abhuramu paakasvika Egipita, vaEgipita vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
15またパロの高官たちも彼女を見てパロの前でほめたので、女はパロの家に召し入れられた。
15Nemachinda aFarao akamuona, ndokumurumbidza pamberi paFarao; mukadzi ndokuiswa mumba maFarao.
16パロは彼女のゆえにアブラムを厚くもてなしたので、アブラムは多くの羊、牛、雌雄のろば、男女の奴隷および、らくだを得た。
16Zvino wakabata Abhuramu zvakanaka nekuda kwake; uye akava nemakwai nenzombe nemakono emadhongi nevarandarume nevarandakadzi nemadhongi echikadzi nemakamera.
17ところで主はアブラムの妻サライのゆえに、激しい疫病をパロとその家に下された。
17Asi Jehovha wakatambudza Farao, neimba yake, nematambudziko makuru nekuda kwaSarai mukadzi waAbhuramu.
18パロはアブラムを召し寄せて言った、「あなたはわたしになんという事をしたのですか。なぜ彼女が妻であるのをわたしに告げなかったのですか。
18Farao ndokudana Abhuramu akati, Chii ichi chawaita kwandiri? Nemhaka yei usina kundiudza kuti mukadzi wako.
19あなたはなぜ、彼女はわたしの妹ですと言ったのですか。わたしは彼女を妻にしようとしていました。さあ、あなたの妻はここにいます。連れて行ってください」。パロは彼の事について人々に命じ、彼とその妻およびそのすべての持ち物を送り去らせた。
19Wakareverei kuti ihanzvadzi yangu? kusvikira ndamutora kuva mukadzi wangu? Naizvozvo zvino tarira mukadzi wako, tora uende.
20パロは彼の事について人々に命じ、彼とその妻およびそのすべての持ち物を送り去らせた。
20Zvino Farao akaraira varume maererano naye, vakamudzinga nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo.