1アブラムは妻とすべての持ち物を携え、エジプトを出て、ネゲブに上った。ロトも彼と共に上った。
1Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo, naRoti anaye, vakaenda kuchamhembe.
2アブラムは家畜と金銀に非常に富んでいた。
2Zvino Abhuramu wakange akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepandarama.
3彼はネゲブから旅路を進めてベテルに向かい、ベテルとアイの間の、さきに天幕を張った所に行った。
3Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvikira paBheteri, panzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
4すなわち彼が初めに築いた祭壇の所に行き、その所でアブラムは主の名を呼んだ。
4kunzvimbo yearitari yaakange aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.
5アブラムと共に行ったロトも羊、牛および天幕を持っていた。
5NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, wakange ane makwai, nenzombe, nematende.
6その地は彼らをささえて共に住ませることができなかった。彼らの財産が多かったため、共に住めなかったのである。
6Nyika ikakonewa kuvatakura kuti vagare pamwe; nekuti fuma yavo yakange iri zhinji; zvekuti vakange vasingagoni kugara pamwe.
7アブラムの家畜の牧者たちとロトの家畜の牧者たちの間に争いがあった。そのころカナンびととペリジびとがその地に住んでいた。
7Zvino pakava nemakakatamwa pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKanani nevaPerezi vaigara panyika iyo.
8アブラムはロトに言った、「わたしたちは身内の者です。わたしとあなたの間にも、わたしの牧者たちとあなたの牧者たちの間にも争いがないようにしましょう。
8Abhuramu ndokuti kuna Roti: Makakatamwa ngaarege kuvapo, ndinokukumbira, pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nekuti tiri hama.
9全地はあなたの前にあるではありませんか。どうかわたしと別れてください。あなたが左に行けばわたしは右に行きます。あなたが右に行けばわたしは左に行きましょう」。
9Nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.
10ロトが目を上げてヨルダンの低地をあまねく見わたすと、主がソドムとゴモラを滅ぼされる前であったから、ゾアルまで主の園のように、またエジプトの地のように、すみずみまでよく潤っていた。
10Roti ndokusimudza meso ake, akaona rose bani reJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka rose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana achiinda Zoari.
11そこでロトはヨルダンの低地をことごとく選びとって東に移った。こうして彼らは互に別れた。
11Roti akazvisarudzira bani rose reJoridhani; Roti ndokuenda kumabvazuva; ndokuzviparadzanisa umwe kubva kune umwe.
12アブラムはカナンの地に住んだが、ロトは低地の町々に住み、天幕をソドムに移した。
12Abhuramu wakagara munyika yeKanani, Roti ndokugara pamaguta emapani, akadzika tende pedo neSodhoma.
13ソドムの人々はわるく、主に対して、はなはだしい罪びとであった。
13Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa, uye vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.
14ロトがアブラムに別れた後に、主はアブラムに言われた、「目をあげてあなたのいる所から北、南、東、西を見わたしなさい。
14Jehovha ndokuti kuna Abhuramu Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kumaodzanyemba nekuchamhembe, nekumabvazuva, nekumavirira;
15すべてあなたが見わたす地は、永久にあなたとあなたの子孫に与えます。
15nekuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri nekumbeu yako kusvikira rinhi narinhi.
16わたしはあなたの子孫を地のちりのように多くします。もし人が地のちりを数えることができるなら、あなたの子孫も数えられることができましょう。
16Uye ndichaita mbeu yako seguruva renyika, kuti kana kune munhu anogona kuverenga guruva renyika, nembeu yako ingaverengwawo.
17あなたは立って、その地をたてよこに行き巡りなさい。わたしはそれをあなたに与えます」。アブラムは天幕を移してヘブロンにあるマムレのテレビンの木のかたわらに住み、その所で主に祭壇を築いた。
17Simuka, famba uchigura nyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nekuti ndichaipa kwauri.
18アブラムは天幕を移してヘブロンにあるマムレのテレビンの木のかたわらに住み、その所で主に祭壇を築いた。
18Abhuramu ndokubvisa tende, akasvika ndokugara pamiti yemiouki* yeMamure, iri muHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.