1アブラムの九十九歳の時、主はアブラムに現れて言われた、「わたしは全能の神である。あなたはわたしの前に歩み、全き者であれ。
1Zvino Abhuramu paakange ava nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
2わたしはあなたと契約を結び、大いにあなたの子孫を増すであろう」。
2Zvino ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndigokuwanza zvikurusa.
3アブラムは、ひれ伏した。神はまた彼に言われた、
3Abhuramu ndokuwa nechiso chake, Mwari ndokutaura naye, achiti:
4「わたしはあなたと契約を結ぶ。あなたは多くの国民の父となるであろう。
4Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
5あなたの名は、もはやアブラムとは言われず、あなたの名はアブラハムと呼ばれるであろう。わたしはあなたを多くの国民の父とするからである。
5Nezita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahamu; nekuti ndakuita baba vechaunga chendudzi.
6わたしはあなたに多くの子孫を得させ、国々の民をあなたから起そう。また、王たちもあなたから出るであろう。
6Ndichakuitawo ubereke zvikuru; uye ndichakuita ndudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.
7わたしはあなた及び後の代々の子孫と契約を立てて、永遠の契約とし、あなたと後の子孫との神となるであろう。
7Uye ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, nembeu yako inokutevera pamazera ayo, kuti ive sungano isingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekumbeu yako inokutevera.
8わたしはあなたと後の子孫とにあなたの宿っているこの地、すなわちカナンの全地を永久の所有として与える。そしてわたしは彼らの神となるであろう」。
8Zvino ndichapa kwauri nekumbeu yako inokutevera nyika yauri mweni mairi, nyika yose yeKanani, ive yako nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.
9神はまたアブラハムに言われた、「あなたと後の子孫とは共に代々わたしの契約を守らなければならない。あなたがたのうち
9Mwari akatiwo kuna Abhurahamu: Naizvozvo iwe uchachengeta sungano yangu, nembeu yako inokutevera pamazera ayo ose.
10男子はみな割礼をうけなければならない。これはわたしとあなたがた及び後の子孫との間のわたしの契約であって、あなたがたの守るべきものである。
10Ndiyo sungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nembeu yako inokutevera; chirume chose pamuri chinofanira kudzingiswa.
11あなたがたは前の皮に割礼を受けなければならない。それがわたしとあなたがたとの間の契約のしるしとなるであろう。
11Zvino muchadzingisa nyama yechikanda chenyu chepamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.
12あなたがたのうちの男子はみな代々、家に生れた者も、また異邦人から銀で買い取った、あなたの子孫でない者も、生れて八日目に割礼を受けなければならない。
12Uye mwanakomana wemazuva masere uchadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, unozvarwa mumba, neunotengwa nemari kumutorwa upi neupi, usiri wembeu yako.
13あなたの家に生れた者も、あなたが銀で買い取った者も必ず割礼を受けなければならない。こうしてわたしの契約はあなたがたの身にあって永遠の契約となるであろう。
13Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako unofanira kudzingiswa. Uye sungano yangu ichava panyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.
14割礼を受けない男子、すなわち前の皮を切らない者はわたしの契約を破るゆえ、その人は民のうちから断たれるであろう」。
14Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yechikanda chepamberi isina kudzingiswa, mweya uyo unofanira kugurwa kubva pavanhu vekwake, wadarika sungano yangu.
15神はまたアブラハムに言われた、「あなたの妻サライは、もはや名をサライといわず、名をサラと言いなさい。
15Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake kuti Sarai, nekuti Sarai ndiro zita rake.
16わたしは彼女を祝福し、また彼女によって、あなたにひとりの男の子を授けよう。わたしは彼女を祝福し、彼女を国々の民の母としよう。彼女から、もろもろの民の王たちが出るであろう」。
16Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza agova ndudzi, madzimambo evanhu achabva maari.
17アブラハムはひれ伏して笑い、心の中で言った、「百歳の者にどうして子が生れよう。サラはまた九十歳にもなって、どうして産むことができようか」。
17Abhurahamu ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Une makore zana ungaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumbamwe achabereka here?
18そしてアブラハムは神に言った、「どうかイシマエルがあなたの前に生きながらえますように」。
18Abhurahamu ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!
19神は言われた、「いや、あなたの妻サラはあなたに男の子を産むでしょう。名をイサクと名づけなさい。わたしは彼と契約を立てて、後の子孫のために永遠の契約としよう。
19Zvino Mwari wakati kwaari: Kwete, Sara mukadzi wako uchakuberekera mwanakomana; uye uchadana zita rake kuti Isaka; uye ndichamisa sungano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pambeu yake inomutevera.
20またイシマエルについてはあなたの願いを聞いた。わたしは彼を祝福して多くの子孫を得させ、大いにそれを増すであろう。彼は十二人の君たちを生むであろう。わたしは彼を大いなる国民としよう。
20Kana zviri zvaIshimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; uchabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
21しかしわたしは来年の今ごろサラがあなたに産むイサクと、わたしの契約を立てるであろう」。
21Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino makei.
22神はアブラハムと語り終え、彼を離れて、のぼられた。
22Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira achibva kuna Abhurahamu.
23アブラハムは神が自分に言われたように、この日その子イシマエルと、すべて家に生れた者およびすべて銀で買い取った者、すなわちアブラハムの家の人々のうち、すべての男子を連れてきて、前の皮に割礼を施した。
23Abhurahamu ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake nevose vakazvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati peveimba yaAbhurahamu, akadzingisa zvikanda zvavo zvepamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.
24アブラハムが前の皮に割礼を受けた時は九十九歳、
24Zvino Abhurahamu waiva nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa panyama yechikanda chepamberi yake.
25その子イシマエルが前の皮に割礼を受けた時は十三歳であった。
25Nalshimaeri, mwanakomana wake waiva nemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yechikanda chepamberi yake.
26この日アブラハムとその子イシマエルは割礼を受けた。またその家の人々は家に生れた者も、銀で異邦人から買い取った者も皆、彼と共に割礼を受けた。
26Nemusi iwoyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe naIshimaeri mwanakomana wake.
27またその家の人々は家に生れた者も、銀で異邦人から買い取った者も皆、彼と共に割礼を受けた。
27Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.