1主はマムレのテレビンの木のかたわらでアブラハムに現れられた。それは昼の暑いころで、彼は天幕の入口にすわっていたが、
1Zvino Jehovha wakaonekera kwaari pamiouki* yeMamure, ndokugara pamusuwo wetende pakupisa kwezuva;
2目を上げて見ると、三人の人が彼に向かって立っていた。彼はこれを見て、天幕の入口から走って行って彼らを迎え、地に身をかがめて、
2ndokusimudza meso ake akaona, zvino tarira, varume vatatu vamire pamberi pake; zvino paakavaona wakamhanya kunovachingamidza pamusuwo wetende, akakotamira pasi,
3言った、「わが主よ、もしわたしがあなたの前に恵みを得ているなら、どうぞしもべを通り過ごさないでください。
3ndokuti: Ishe wangu, kana zvino ndawana nyasha pameso penyu, ndinokukumbirai, musapfuura pamuranda wenyu.
4水をすこし取ってこさせますから、あなたがたは足を洗って、この木の下でお休みください。
4Ngakuuiswewo mvura shoma, mugoshambidza tsoka dzenyu, muzorore pasi pemuti.
5わたしは一口のパンを取ってきます。元気をつけて、それからお出かけください。せっかくしもべの所においでになったのですから」。彼らは言った、「お言葉どおりにしてください」。
5Zvino ndichauisa chimedu chechingwa, mugonyaradza moyo yenyu, mugozopfuura, nekuti ndizvo zvamapfuurira nekumuranda wenyu. Ivo ndokuti: Ita saizvozvo sezvawataura
6そこでアブラハムは急いで天幕に入り、サラの所に行って言った、「急いで細かい麦粉三セヤをとり、こねてパンを造りなさい」。
6Abhurahamu ndokukurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati: Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zveupfu hwakatsetseka! Kanya, ubike zvingwa zviduku.
7アブラハムは牛の群れに走って行き、柔らかな良い子牛を取って若者に渡したので、急いで調理した。
7Abhurahamu ndokumhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa kujaya, ndokukurumidza kuigadzira.
8そしてアブラハムは凝乳と牛乳および子牛の調理したものを取って、彼らの前に供え、木の下で彼らのかたわらに立って給仕し、彼らは食事した。
8Zvino wakatora mukaka wakafa, nemukaka mumbishi, nemhuru yaakange agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira pedo navo munyasi memuti, ivo ndokudya.
9彼らはアブラハムに言った、「あなたの妻サラはどこにおられますか」。彼は言った、「天幕の中です」。
9Ivo ndokuti kwaari: Uripi Sara mukadzi wako? Iye ndokuti: Tarirai, mutende.
10そのひとりが言った、「来年の春、わたしはかならずあなたの所に帰ってきましょう。その時、あなたの妻サラには男の子が生れているでしょう」。サラはうしろの方の天幕の入口で聞いていた。
10Zvino akati: Zvirokwazvo ndichadzoka nenguva iyi yeupenyu; zvino tarira, Sara mukadzi wako uchava nemwanakomana. Sarawo akazvinzwa ari pamusuwo wetende shure kwake.
11さてアブラハムとサラとは年がすすみ、老人となり、サラは女の月のものが、すでに止まっていた。
11Zvino Abhurahamu naSara vakange vakwegura, vava nemakore mazhinji; kwakange kwaguma kuna Sara nemutowo wevakadzi.
12それでサラは心の中で笑って言った、「わたしは衰え、主人もまた老人であるのに、わたしに楽しみなどありえようか」。
12Naizvozvo Sara wakaseka mukati make achiti: Ndakwegura, ndingava nemufaro here, naishe wangu wachemberawo?
13主はアブラハムに言われた、「なぜサラは、わたしは老人であるのに、どうして子を産むことができようかと言って笑ったのか。
13Jehovha ndokuti kuna Abhurahamu: Sara wasekerei, achiti: Zvirokwazvo neni ndichabereka ndakwegura here?
14主にとって不可能なことがありましょうか。来年の春、定めの時に、わたしはあなたの所に帰ってきます。そのときサラには男の子が生れているでしょう」。
14Kune chinhu chinorema kukunda Jehovha here? Nenguva yakatarwa, ndichadzoka kwauri, nenguva ino yeupenyu, uye Sara achava nemwanakomana.
15サラは恐れたので、これを打ち消して言った、「わたしは笑いません」。主は言われた、「いや、あなたは笑いました」。
15Sara ndokuramba achiti: Handina kuseka, nekuti waitya. Asi iye akati: Kwete asi waseka.
16その人々はそこを立ってソドムの方に向かったので、アブラハムは彼らを見送って共に行った。
16Zvino varume vakasimuka kubva ipapo ndokutarira Sodhoma; Abhurahamu ndokuenda navo achivaperekedza.
17時に主は言われた、「わたしのしようとする事をアブラハムに隠してよいであろうか。
17Zvino Jehovha akati: Ini ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here?
18アブラハムは必ず大きな強い国民となって、地のすべての民がみな、彼によって祝福を受けるのではないか。
18Abhurahamu zvaachava zvirokwazvo rudzi rukuru rwune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa nemaari.
19わたしは彼が後の子らと家族とに命じて主の道を守らせ、正義と公道とを行わせるために彼を知ったのである。これは主がかつてアブラハムについて言った事を彼の上に臨ませるためである」。
19Nekuti ndakamuziva, kuti araire vana vake neimba yake vanomutevera, vagochengeta nzira yaJehovha kuti vaite kururamisira nekutonga; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura maererano naye.
20主はまた言われた、「ソドムとゴモラの叫びは大きく、またその罪は非常に重いので、
20Jehovha ndokuti: Nekuti kuchema kweSodhoma neGomora kukuru, uye nekuti zvivi zvavo zvinorema zvikuru,
21わたしはいま下って、わたしに届いた叫びのとおりに、すべて彼らがおこなっているかどうかを見て、それを知ろう」。
21ndichaburuka zvino ndigoona kana vakaita zvizere zvinoenderana nekuchema kwaro kwasvika kwandiri; asi kana zvisina kudaro, ndichazviziva.
22その人々はそこから身を巡らしてソドムの方に行ったが、アブラハムはなお、主の前に立っていた。
22Zvino varume vakafuratira ipapo, vakaenda vakananga Sodhoma; asi Abhurahamu wakange achakamira pamberi paJehovha.
23アブラハムは近寄って言った、「まことにあなたは正しい者を、悪い者と一緒に滅ぼされるのですか。
23Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati: Muchaparadzawo vakarurama pamwe nevakaipa here?
24たとい、あの町に五十人の正しい者があっても、あなたはなお、その所を滅ぼし、その中にいる五十人の正しい者のためにこれをゆるされないのですか。
24Zvimwe varipo vakarurama makumi mashanu mukati meguta; muchaparadzawo mukasaregerera nzvimbo iyo nekuda kwevakarurama makumi mashanu varimo here?
25正しい者と悪い者とを一緒に殺すようなことを、あなたは決してなさらないでしょう。正しい者と悪い者とを同じようにすることも、あなたは決してなさらないでしょう。全地をさばく者は公義を行うべきではありませんか」。
25Ngazvive kure nemwi kuita chinhu chakadaro, kuuraya wakarurama pamwe newakaipa, kuti wakarurama ave sawakaipa; ngazvive kure nemwi. Mutongi wenyika yose haangaiti kururamisira here?
26主は言われた、「もしソドムで町の中に五十人の正しい者があったら、その人々のためにその所をすべてゆるそう」。
26Jehovha ndokuti: Kana ndikawana muSodhoma vakarurama makumi mashanu mukati meguta, ipapo ndicharegerera nzvimbo yose nekuda kwavo.
27アブラハムは答えて言った、「わたしはちり灰に過ぎませんが、あえてわが主に申します。
27Zvino Abhurahamu wakapindura ndokuti: Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota.
28もし五十人の正しい者のうち五人欠けたなら、その五人欠けたために町を全く滅ぼされますか」。主は言われた、「もしそこに四十五人いたら、滅ぼさないであろう」。
28Zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama makumi mashanu; muchaparadza guta rose nekuda kwevashanu here? Ndokuti: Handingariparadzi kana ndikawanamo makumi mana nevashanu.
29アブラハムはまた重ねて主に言った、「もしそこに四十人いたら」。主は言われた、「その四十人のために、これをしないであろう」。
29Zvino wakataurazve naye akati: Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Iye ndokuti: Handingazviiti nekuda kwamakumi mana.
30アブラハムは言った、「わが主よ、どうかお怒りにならぬよう。わたしは申します。もしそこに三十人いたら」。主は言われた、「そこに三十人いたら、これをしないであろう」。
30Akabva ati: Ndinokumbira Jehovha arege kunditsamwira, kana ndikataura. Zvimwe makumi matatu vachawanikwamo. Iye ndokuti: Handingazviiti kana ndikawanamo makumi matatu.
31アブラハムは言った、「いまわたしはあえてわが主に申します。もしそこに二十人いたら」。主は言われた、「わたしはその二十人のために滅ぼさないであろう」。
31Zvino akati: Tarira zvino, ndatsunga kutaura naJehovha; zvimwe kuchawanikwamo makumi maviri. Iye ndokuti: Handingariparadzi nekuda kwemakumi maviri.
32アブラハムは言った、「わが主よ、どうかお怒りにならぬよう。わたしはいま一度申します、もしそこに十人いたら」。主は言われた、「わたしはその十人のために滅ぼさないであろう」。主はアブラハムと語り終り、去って行かれた。アブラハムは自分の所に帰った。
32Zvino wakati: Ndinokumbira Jehovha ngaarege kutsamwa, ndikataurazve kamwe; zvimwe kuchawanikwa gumi. Iye ndokuti, Handingariparadzi nekuda kwevane gumi.
33主はアブラハムと語り終り、去って行かれた。アブラハムは自分の所に帰った。
33Zvino Jehovha wakabva apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kunzvimbo yake.