1アブラハムはそこからネゲブの地に移って、カデシとシュルの間に住んだ。彼がゲラルにとどまっていた時、
1Zvino Abhurahamu wakabvapo akananga kunyika yekuchamhembe, ndokugara pakati peKadheshi neShuri, akava mutorwa muGerari.
2アブラハムは妻サラのことを、「これはわたしの妹です」と言ったので、ゲラルの王アビメレクは、人をつかわしてサラを召し入れた。
2Abhurahamu ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki mambo weGerari akatuma, ndokutora Sara.
3ところが神は夜の夢にアビメレクに臨んで言われた、「あなたは召し入れたあの女のゆえに死なねばならない。彼女は夫のある身である」。
3Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wawatora; nekuti wakawanikwa kumurume.
4アビメレクはまだ彼女に近づいていなかったので言った、「主よ、あなたは正しい民でも殺されるのですか。
4Asi Abhimereki wakange asina kuswedera kwaari. Naizvozvo wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?
5彼はわたしに、これはわたしの妹ですと言ったではありませんか。また彼女も自分で、彼はわたしの兄ですと言いました。わたしは心も清く、手もいさぎよく、このことをしました」。
5Haana here kuti kwandiri: Ihanzvadzi yangu? Naiye amene haana here kuti: Ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo pakururama kwemoyo wangu, nepakuchena kwemaoko angu.
6神はまた夢で彼に言われた、「そうです、あなたが清い心をもってこのことをしたのを知っていたから、わたしもあなたを守って、わたしに対して罪を犯させず、彼女にふれることを許さなかったのです。
6Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Hongu, ndinoziva kuti wakaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
7いま彼の妻を返しなさい。彼は預言者ですから、あなたのために祈って、命を保たせるでしょう。もし返さないなら、あなたも身内の者もみな必ず死ぬと知らなければなりません」。
7Naizvozvo zvino dzosera mukadzi wemurume, nekuti muporofita; zvino uchakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zvirokwazvo, iwe nevose vako.
8そこでアビメレクは朝早く起き、しもべたちをことごとく召し集めて、これらの事をみな語り聞かせたので、人々は非常に恐れた。
8Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, akataura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.
9そしてアビメレクはアブラハムを召して言った、「あなたはわれわれに何をするのですか。あなたに対してわたしがどんな罪を犯したために、あなたはわたしとわたしの国とに、大きな罪を負わせるのですか。あなたはしてはならぬことをわたしにしたのです」。
9Abhimereki ndokudana Abhurahamu ndokuti kwaari: Chii chawaita kwatiri? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peushe hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri chisingafaniri kuitwa.
10アビメレクはまたアブラハムに言った、「あなたはなんと思って、この事をしたのですか」。
10Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Wanga uchiti kudii, zvawaita chinhu ichi?
11アブラハムは言った、「この所には神を恐れるということが、まったくないので、わたしの妻のゆえに人々がわたしを殺すと思ったからです。
11Abhurahamu ndokuti: Nekuti ndakafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo munzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.
12また彼女はほんとうにわたしの妹なのです。わたしの父の娘ですが、母の娘ではありません。そして、わたしの妻になったのです。
12Uyezve, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mukunda wamai vangu; akazova mukadzi wangu.
13神がわたしに父の家を離れて、行き巡らせた時、わたしは彼女に、あなたはわたしたちの行くさきざきでわたしを兄であると言ってください。これはあなたがわたしに施す恵みであると言いました」。
13Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba yababa vangu, kuti ndakati kwaari: Hewu moyo wakanaka waunofanira kundiitira, panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.
14そこでアビメレクは羊、牛および男女の奴隷を取ってアブラハムに与え、その妻サラを彼に返した。
14Abhimereki ndokutora makwai nemombe nevaranda nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahamu, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.
15そしてアビメレクは言った、「わたしの地はあなたの前にあります。あなたの好きな所に住みなさい」。
15Zvino Abhimereki wakati: Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara pakanakira meso ako.
16またサラに言った、「わたしはあなたの兄に銀千シケルを与えました。これはあなたの身に起ったすべての事について、あなたに償いをするものです。こうしてすべての人にあなたは正しいと認められます」。
16Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako makobiri esirivha ane chiuru chezana; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe; nevose, saizvozvo wakadzorwa.
17そこでアブラハムは神に祈った。神はアビメレクとその妻および、はしためたちをいやされたので、彼らは子を産むようになった。これは主がさきにアブラハムの妻サラのゆえに、アビメレクの家のすべての者の胎を、かたく閉ざされたからである。
17Zvino Abhurahamu wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki nemukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.
18これは主がさきにアブラハムの妻サラのゆえに、アビメレクの家のすべての者の胎を、かたく閉ざされたからである。
18Nekuti Jehovha wakange avhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahamu.