1主は、さきに言われたようにサラを顧み、告げられたようにサラに行われた。
1Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaakange ataura; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaakange areva.
2サラはみごもり、神がアブラハムに告げられた時になって、年老いたアブラハムに男の子を産んだ。
2Sara ndokuva nemimba, ndokuberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaakange areva kwaari.
3アブラハムは生れた子、サラが産んだ男の子の名をイサクと名づけた。
3Zvino Abhurahamu wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera kuti: Isaka.
4アブラハムは神が命じられたように八日目にその子イサクに割礼を施した。
4Abhurahamu ndokudzingisa mwanakomana wake Isaka ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.
5アブラハムはその子イサクが生れた時百歳であった。
5NaAbhurahamu wakange ane makore zana, Isaka mwanakomana wake paakamuberekerwa.
6そしてサラは言った、「神はわたしを笑わせてくださった。聞く者は皆わたしのことで笑うでしょう」。
6Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko, wose unonzwa uchaseka neni.
7また言った、「サラが子に乳を飲ませるだろうと、だれがアブラハムに言い得たであろう。それなのに、わたしは彼が年とってから、子を産んだ」。
7Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahamu: Sara achayamwisa vana? Nekuti ndamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
8さて、おさなごは育って乳離れした。イサクが乳離れした日にアブラハムは盛んなふるまいを設けた。
8Mwanakomana ndokukura, ndokurumurwa. Abhurahamu ndokuita mabiko makuru nemusi wekurumurwa kwalsaka.
9サラはエジプトの女ハガルのアブラハムに産んだ子が、自分の子イサクと遊ぶのを見て、
9Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari, muEgipita, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.
10アブラハムに言った、「このはしためとその子を追い出してください。このはしための子はわたしの子イサクと共に、世継となるべき者ではありません」。
10Naizvozvo wakati kuna Abhurahamu: Dzinga mukadzi nhapwa uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.
11この事で、アブラハムはその子のために非常に心配した。
11Shoko iro rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahamu, nekuda kwemwanakomana wake.
12神はアブラハムに言われた、「あのわらべのため、またあなたのはしためのために心配することはない。サラがあなたに言うことはすべて聞きいれなさい。イサクに生れる者が、あなたの子孫と唱えられるからです。
12Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kushoko rake, nekuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
13しかし、はしための子もあなたの子ですから、これをも、一つの国民とします」。
13Asi nemwanakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi rukuru, nekuti imbeu yako.
14そこでアブラハムは明くる朝はやく起きて、パンと水の皮袋とを取り、ハガルに与えて、肩に負わせ、その子を連れて去らせた。ハガルは去ってベエルシバの荒野にさまよった。
14Abhurahamu ndokumuka mangwanani-ngwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa kuna Hagari, akaisa pafudzi rake, nemwana, akamuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheerishebha.
15やがて皮袋の水が尽きたので、彼女はその子を木の下におき、
15Zvino mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe gwenzi.
16「わたしはこの子の死ぬのを見るに忍びない」と言って、矢の届くほど離れて行き、子供の方に向いてすわった。彼女が子供の方に向いてすわったとき、子供は声をあげて泣いた。
16Ndokunogara pasi pakatarisana naye, chinhambwe chinenge chingasvika museve pakupotserwa; nekuti wakati: Ndirege kuona kufa kwemwana. Ndokugara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
17神はわらべの声を聞かれ、神の使は天からハガルを呼んで言った、「ハガルよ、どうしたのか。恐れてはいけない。神はあそこにいるわらべの声を聞かれた。
17Zvino Mwari wakanzwa inzwi remukomana; mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kudenga, ndokuti kwaari: Chii Hagari? Usatya, nekuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.
18立って行き、わらべを取り上げてあなたの手に抱きなさい。わたしは彼を大いなる国民とするであろう」。
18Simuka, simudza mukomana, umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.
19神がハガルの目を開かれたので、彼女は水の井戸のあるのを見た。彼女は行って皮袋に水を満たし、わらべに飲ませた。
19Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokumwisa mukomana.
20神はわらべと共にいまし、わらべは成長した。彼は荒野に住んで弓を射る者となった。
20Zvino Mwari wakava nemukomana, akakura, ndokugara murenje, akava mufuri wemiseve.
21彼はパランの荒野に住んだ。母は彼のためにエジプトの国から妻を迎えた。
21Zvino wakagara murenje reParani, mai vake ndokumutorera mukadzi kunyika yeEgipita.
22そのころアビメレクとその軍勢の長ピコルはアブラハムに言った、「あなたが何事をなさっても、神はあなたと共におられる。
22Zvino zvakaitika nenguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura naAbhurahamu, vachiti: Mwari unewe pazvinhu zvose zvaunoita;
23それゆえ、今ここでわたしをも、わたしの子をも、孫をも欺かないと、神をさしてわたしに誓ってください。わたしがあなたに親切にしたように、あなたもわたしと、このあなたの寄留の地とに、しなければなりません」。
23Naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwana wangu kana mwana wemwana wangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uchaitawo kwandiri, nekunyika mawakagara uri mutorwa.
24アブラハムは言った、「わたしは誓います」。
24Abhurahamu ndokuti: Ndichapika.
25アブラハムはアビメレクの家来たちが、水の井戸を奪い取ったことについてアビメルクを責めた。
25Zvino Abhurahamu wakatsiura Abhimereki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravakange vatora nesimba.
26しかしアビメレクは言った、「だれがこの事をしたかわたしは知りません。あなたもわたしに告げたことはなく、わたしもきょうまで聞きませんでした」。
26Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi, newe hauna kundiudza, handina kumbozvinzwa, asi nhasi.
27そこでアブラハムは羊と牛とを取ってアビメレクに与え、ふたりは契約を結んだ。
27Abhurahamu ndokutora makwai nenzombe, akapa Abhimereki; uye vakaita sungano vari vaviri.
28アブラハムが雌の小羊七頭を分けて置いたところ、
28Abhurahamu akatsaura masheche manomwe emakwai.
29アビメレクはアブラハムに言った、「あなたがこれらの雌の小羊七頭を分けて置いたのは、なんのためですか」。
29Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Masheche awa manomwe awatsaura chii?
30アブラハムは言った、「あなたはわたしの手からこれらの雌の小羊七頭を受け取って、わたしがこの井戸を掘ったことの証拠としてください」。
30Iye ndokuti: Nekuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa manomwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndakachera tsime iri.
31これによってその所をベエルシバと名づけた。彼らがふたりそこで誓いをしたからである。
31Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheerishebha, nekuti ndipo pavakapika vari vaviri.
32このように彼らはベエルシバで契約を結び、アビメレクとその軍勢の長ピコルは立ってペリシテの地に帰った。
32Naizvozvo vakaita sungano paBheerishebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera kunyika yevaFirisitia.
33アブラハムはベエルシバに一本のぎょりゅうの木を植え、その所で永遠の神、主の名を呼んだ。こうしてアブラハムは長い間ペリシテびとの地にとどまった。
33Abhurahamu ndokusima mutamarisiki* paBheerishebha, ndokudanapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.
34こうしてアブラハムは長い間ペリシテびとの地にとどまった。
34Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.