1アブラハムの時にあった初めのききんのほか、またききんがその国にあったので、イサクはゲラルにいるペリシテびとの王アビメレクの所へ行った。
1Zvino kwakava nenzara panyika; tisingaverengi nzara yekutanga yaivapo mazuva aAbhurahamu. Isaka ndokuenda kuna Abhimereki mambo wevaFirisitia, kuGerari.
2その時、主は彼に現れて言われた、「エジプトへ下ってはならない。わたしがあなたに示す地にとどまりなさい。
2Jehovha ndokuonekera kwaari, ndokuti: Usaburukira kuEgipita, gara munyika yandichakuudza;
3あなたがこの地にとどまるなら、わたしはあなたと共にいて、あなたを祝福し、これらの国をことごとくあなたと、あなたの子孫とに与え、わたしがあなたの父アブラハムに誓った誓いを果そう。
3gara semweni munyika ino; uye ndichava newe, ndigokuropafadza; nekuti kwauri nekumbeu yako ndichapa nyika idzi dzose; uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna Abhurahamu baba vako.
4またわたしはあなたの子孫を増して天の星のようにし、あなたの子孫にこれらの地をみな与えよう。そして地のすべての国民はあなたの子孫によって祝福をえるであろう。
4Zvino ndichawanza mbeu yako senyeredzi dzedenga; uye ndichapa kumbeu yako nyika idzi dzose; uye mumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa;
5アブラハムがわたしの言葉にしたがってわたしのさとしと、いましめと、さだめと、おきてとを守ったからである」。
5nekuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta kuraira kwangu, mirairo yangu, zvimiso zvangu nemitemo yangu.
6こうしてイサクはゲラルに住んだ。
6Isaka ndokugara muGerari.
7その所の人々が彼の妻のことを尋ねたとき、「彼女はわたしの妹です」と彼は言った。リベカは美しかったので、その所の人々がリベカのゆえに自分を殺すかもしれないと思って、「わたしの妻です」と言うのを恐れたからである。
7Vanhu venyika iyoyo ndokumubvunza zvemukadzi wake. Iye ndokuti: Ihanzvadzi yangu; nekuti wakatya kuti: Mukadzi wangu. Zvimwe varume venyika ino vangandiuraya nekuda kwaRabheka, nekuti wakange akanaka pakutarisika.
8イサクは長らくそこにいたが、ある日ペリシテびとの王アビメレクは窓から外をながめていて、イサクがその妻リベカと戯れているのを見た。
8Zvino zvakaitika paakavapo nguva refu, kuti Abhimereki mambo wevaFirisitia, wakatarira nepahwindo, akaona, zvino tarira, Isaka achitamba naRabheka mukadzi wake.
9そこでアビメレクはイサクを召して言った、「彼女は確かにあなたの妻です。あなたはどうして『彼女はわたしの妹です』と言われたのですか」。イサクは彼に言った、「わたしは彼女のゆえに殺されるかもしれないと思ったからです」。
9Abhimereki ndokudana Isaka ndokuti: Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; zvino wakataura sei uchiti: Ihanzvadzi yangu? Isaka ndokuti kwaari: Nekuti ndakati, zvimwe ndingafa nekuda kwake.
10アビメレクは言った、「あなたはどうしてこんな事をわれわれにされたのですか。民のひとりが軽々しくあなたの妻と寝るような事があれば、その時あなたはわれわれに罪を負わせるでしょう」。
10Abhimereki ndokuti: Chii ichi chawaita kwatiri? Umwe wevanhu vedu zvanga zvakareruka kuti arare nemukadzi wako, newe ungadai wauisa mhosva pamusoro pedu.
11それでアビメレクはすべての民に命じて言った、「この人、またはその妻にさわる者は必ず死ななければならない」。
11Abhimereki ndokuraira vanhu vose, achiti: Unobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.
12イサクはその地に種をまいて、その年に百倍の収穫を得た。このように主が彼を祝福されたので、
12Zvino Isaka akadzvara munyika iyoyo, ndokuwana mugore iro zvine zana; Jehovha ndokumuropafadza.
13彼は富み、またますます栄えて非常に裕福になり、
13Zvino munhu uyu wakava mukuru, akaindirira mberi akakura kusvikira ava mukuru zvikuru.
14羊の群れ、牛の群れ及び多くのしもべを持つようになったので、ペリシテびとは彼をねたんだ。
14Uye waiva nefuma yemakwai nefuma yemombe nevaranda vazhinji; naizvozvo vaFirisitia vakamugodora.
15またペリシテびとは彼の父アブラハムの時に、父のしもべたちが掘ったすべての井戸をふさぎ、土で埋めた。
15Zvino matsime ose varanda vababa vake avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, vaFirisitia vakaadzivira, vakaafusira nevhu.
16アビメレクはイサクに言った、「あなたはわれわれよりも、はるかに強くなられたから、われわれの所を去ってください」。
16Abhimereki ndokuti kuna Isaka: Ibva kwatiri, nekuti une simba kwazvo kupfuura isu.
17イサクはそこを去り、ゲラルの谷に天幕を張ってその所に住んだ。
17Isaka ndokubvapo, ndokudzika musasa wake mumupata weGerari, ndokugarapo.
18そしてイサクは父アブラハムの時に人々の掘った水の井戸を再び掘った。アブラハムの死後、ペリシテびとがふさいだからである。イサクは父がつけた名にしたがってそれらに名をつけた。
18Isaka ndokucherazve matsime emvura, avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, nekuti vaFirisitia vakange vaadzivira shure kwekufa kwaAbhurahamu. Ndokuatumidza mazita achitevera mazita baba vake avakange vaatumidza.
19しかしイサクのしもべたちが谷の中を掘って、そこにわき出る水の井戸を見つけたとき、
19Varanda vaIsaka ndokuchera mumupata, ndokuwanapo tsime remvura inotubuka.
20ゲラルの羊飼たちは、「この水はわれわれのものだ」と言って、イサクの羊飼たちと争ったので、イサクはその井戸の名をエセクと名づけた。彼らが彼と争ったからである。
20Vafudzi veGerari ndokukonana nevafudzi vaIsaka, vachiti: Mvura ndeyedu. Zvino akatumidza zita retsime kuti Eseki, nekuti vakakonana naye.
21彼らはまた一つの井戸を掘ったが、これをも争ったので、名をシテナと名づけた。
21Zvino vakachera rimwe tsime, vakakonaniranarozve; akatumidza zita raro Sitina.
22イサクはそこから移ってまた一つの井戸を掘ったが、彼らはこれを争わなかったので、その名をレホボテと名づけて言った、「いま主がわれわれの場所を広げられたから、われわれはこの地にふえるであろう」。
22Zvino akabvapo, ndokuchera rimwe tsime, iroro havana kurikonanirana. Ndokutumidza zita raro Rehobhoti, akati: Nekuti ikozvino Jehovha watiitira nzvimbo, uye tichabereka panyika.
23彼はそこからベエルシバに上った。
23Zvino wakakwira kubvapo kuenda Bheerishebha.
24その夜、主は彼に現れて言われた、「わたしはあなたの父アブラハムの神である。あなたは恐れてはならない。わたしはあなたと共におって、あなたを祝福し、わたしのしもべアブラハムのゆえにあなたの子孫を増すであろう」。
24Jehovha ndokuonekera kwaari usiku ihwohwo ndokuti: Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatya nekuti ndinewe, uye ndichakuropafadza, nekuwanza mbeu yako nekuda kwaAbhurahamu muranda wangu.
25それで彼はその所に祭壇を築いて、主の名を呼び、そこに天幕を張った。またイサクのしもべたちはそこに一つの井戸を掘った。
25Zvino wakavaka aritari ipapo, ndokudana muzita raJehovha, ndokudzika tende rake ipapo, zvino ipapo varanda vaIsaka vakachera tsime.
26時にアビメレクがその友アホザテと、軍勢の長ピコルと共にゲラルからイサクのもとにきたので、
26Zvino Abhimereki wakaenda kwaari achibva Gerari neshamwari yake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake.
27イサクは彼らに言った、「あなたがたはわたしを憎んで、あなたがたの中からわたしを追い出されたのに、どうしてわたしの所にこられたのですか」。
27Isaka ndokuti kwavari: Mauyirei kwandiri, zvamunondivenga, uye makandidzinga kwamuri?
28彼らは言った、「われわれは主があなたと共におられるのを、はっきり見ましたので、いまわれわれの間、すなわちわれわれとあなたとの間に一つの誓いを立てて、あなたと契約を結ぼうと思います。
28Ivo ndokuti: Taona zvirokwazvo kuti Jehovha unewe. Naizvozvo tati: Zvino ngapave nemhiko pakati pedu, isu newe, uye ngatiite sungano newe,
29われわれはあなたに害を加えたことはなく、ただ良い事だけをして、安らかに去らせたのですから、あなたはわれわれに悪い事をしてはなりません。まことにあなたは主に祝福されたかたです」。
29chokuti usatiitira zvakaipa, sezvo tisina kukubata, uye sezvo takakuitira zvakanaka chete, uye takuendesa murugare; iwe ikozvino uri muropafadzwa waJehovha.
30そこでイサクは彼らのためにふるまいを設けた。彼らは飲み食いし、
30Iye ndokuvaitira mabiko, ndokudya ndokumwa.
31あくる朝、はやく起きて互に誓った。こうしてイサクは彼らを去らせたので、彼らはイサクのもとから穏やかに去った。
31Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, vakapikirana; Isaka ndokuvarega vachienda, zvino vakabva kwaari nerugare.
32その日、イサクのしもべたちがきて、自分たちが掘った井戸について彼に告げて言った、「わたしたちは水を見つけました」。
32Zvino zvakaitika nemusi iwoyo, kuti varanda vaIsaka vakauya, ndokumuudza pamusoro petsime ravakange vachera, ndokuti kwaari: Tawana mvura.
33イサクはそれをシバと名づけた。これによってその町の名は今日にいたるまでベエルシバといわれている。
33Zvino akaritumidza kuti Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.
34エサウは四十歳の時、ヘテびとベエリの娘ユデテとヘテびとエロンの娘バスマテとを妻にめとった。彼女たちはイサクとリベカにとって心の痛みとなった。
34Zvino Esau wakati ava nemakore makumi mana akazvitorera kuva mukadzi Judhisi mukunda waBheeri muHeti naBhasimati mukunda waEroni muHeti.
35彼女たちはイサクとリベカにとって心の痛みとなった。
35Ivavo vakava chishungurudzo chemoyo walsaka naRabheka.