1イサクは年老い、目がかすんで見えなくなった時、長子エサウを呼んで言った、「子よ」。彼は答えて言った、「ここにおります」。
1Zvino zvakaitika kuti Isaka ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asingachaoni, wakadana Esau mwanakomana wake mukuru, ndokuti kwaari: Mwana wangu! Iye ndokuti kwaari: Tarirai ndiri pano.
2イサクは言った。「わたしは年老いて、いつ死ぬかも知れない。
2Akabva ati: Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rekufa kwangu.
3それであなたの武器、弓矢をもって野に出かけ、わたしのために、しかの肉をとってきて、
3Naizvozvo ikozvino, tora hako zvombo zvako, goba rako, neuta hwako, ugobuda kusango undivhimire nyama yemhuka,
4わたしの好きなおいしい食べ物を作り、持ってきて食べさせよ。わたしは死ぬ前にあなたを祝福しよう」。
4Ugondigadzirira chikafu chinonaka, sechandinoda, ugondivigira kuti ndidye, kuti mweya wangu ukuropafadze ndisati ndafa.
5イサクがその子エサウに語るのをリベカは聞いていた。やがてエサウが、しかの肉を獲ようと野に出かけたとき、
5Zvino Rabheka wakanzwa Isaka paakataura naEsau mwanakomana wake. Esau ndokuenda kusango kunovhima nyama yemhuka kuti auye nayo.
6リベカはその子ヤコブに言った、「わたしは聞いていましたが、父は兄エサウに、
6Rabheka ndokutaura naJakove mwanakomana wake achiti: Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti:
7『わたしのために、しかの肉をとってきて、おいしい食べ物を作り、わたしに食べさせよ。わたしは死ぬ前に、主の前であなたを祝福しよう』と言いました。
7Nditorere nyama yemhuka, ugondigadzirira chikafu chinoanaka kuti ndidye, ndigokuropafadza pamberi paJehovha ndisati ndafa.
8それで、子よ、わたしの言葉にしたがい、わたしの言うとおりにしなさい。
8Naizvozvo ikozvino mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu kune zvandinokuraira.
9群れの所へ行って、そこからやぎの子の良いのを二頭わたしの所に取ってきなさい。わたしはそれで父のために、父の好きなおいしい食べ物を作りましょう。
9Chidoenda ikozvino kuboka rezvipfuwo, unditorere kubva ipapo mbudzana mbiri dzakanaka dzembudzi, zvino ndichadzigadzira chikafu chinonaka chababa vako, sechavanoda;
10あなたはそれを持って行って父に食べさせなさい。父は死ぬ前にあなたを祝福するでしょう」。
10ugoenda nacho kuna baba vako vadye, uye kuti vakuropafadze rufu rwavo rasati rwasvika.
11ヤコブは母リベカに言った、「兄エサウは毛深い人ですが、わたしはなめらかです。
11Jakove ndokuti kuna Rabheka mai vake: Tarirai, Esau mukoma wangu, murume une mvere, asi ini ndiri murume wakatsetseka.
12おそらく父はわたしにさわってみるでしょう。そうすればわたしは父を欺く者と思われ、祝福を受けず、かえってのろいを受けるでしょう」。
12Zvimwe baba vangu vachandipurudzira, ndokuva pameso avoseunovadadira, uye ndichazviuyisira rushambwa pachinzvimbo chekuropafadzwa.
13母は彼に言った、「子よ、あなたがうけるのろいはわたしが受けます。ただ、わたしの言葉に従い、行って取ってきなさい」。
13Mai vake ndokuti kwaari: Rushambwa rwako ngarwuve pamusoro pangu, mwanakomana wangu; teerera chete inzwi rangu, ugoenda unonditorera.
14そこで彼は行ってやぎの子を取り、母の所に持ってきたので、母は父の好きなおいしい食べ物を作った。
14Zvino wakaenda, akadzitora, akadziuisa kuna mai vake; mai vake ndokugadzira chikafu chinonaka sechaidikamwa nababa vake.
15リベカは家にあった長子エサウの晴着を取って、弟ヤコブに着せ、
15Zvino Rabheka wakatora nguvo dzakanaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, ndokudzifukidza Jakove mwanakomana wake muduku;
16また子やぎの皮を手と首のなめらかな所とにつけさせ、
16zvino zvikumba zvembudzana wakaisa pamaoko ake, nepakatsetseka pemutsipa wake.
17彼女が作ったおいしい食べ物とパンとをその子ヤコブの手にわたした。
17Zvino wakapa chikafu chinonaka nechingwa zvaakange agadzirira muruoko rwaJakove mwanakomana wake.
18そこでヤコブは父の所へ行って言った、「父よ」。すると父は言った、「わたしはここにいる。子よ、あなたはだれか」。
18Iye ndokuenda kuna baba vake akati: Baba vangu! Ivo ndokuti: Ndiri pano; ndiwe ani mwanakomana wangu?
19ヤコブは父に言った、「長子エサウです。あなたがわたしに言われたとおりにいたしました。どうぞ起きて、すわってわたしのしかの肉を食べ、あなたみずからわたしを祝福してください」。
19Jakove ndokuti kuna baba vake: Ndini Esau dangwe renyu; ndaita sezvamandiudza; mukai henyu mugare, mudye zvenyama yangu yemhuka, kuti mweya wenyu undiropafadze.
20イサクはその子に言った、「子よ、どうしてあなたはこんなに早く手に入れたのか」。彼は言った、「あなたの神、主がわたしにしあわせを授けられたからです」。
20Isaka ndokuti kumwanakomana wake: Sei waiwana nekukurumidza zvakadai mwanakomana wangu? Iye ndokuti: Nekuti Jehovha Mwari wenyu waiuisa pamberi pangu.
21イサクはヤコブに言った、「子よ、近寄りなさい。わたしは、さわってみて、あなたが確かにわが子エサウであるかどうかをみよう」。
21Isaka ndokuti kuna Jakove: Swedera hako kuti ndikupurudzire, mwanakomana wangu, ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau amene, kana kwete.
22ヤコブが、父イサクに近寄ったので、イサクは彼にさわってみて言った、「声はヤコブの声だが、手はエサウの手だ」。
22Jakove ndokuswedera kuna Isaka baba vake; ivo vakamupurudzira vakati: Inzwi inzwi raJakove, asi maoko maoko aEsau.
23ヤコブの手が兄エサウの手のように毛深かったため、イサクはヤコブを見わけることができなかったので、彼を祝福した。
23Asi haana kumuziva nekuti maoko ake akanga ane mvere semaoko emukuru wake Esau; naizvozvo wakamuropafadza.
24イサクは言った、「あなたは確かにわが子エサウですか」。彼は言った、「そうです」。
24Ndokuti: Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye ndokuti: Ndini.
25イサクは言った、「わたしの所へ持ってきなさい。わが子のしかの肉を食べて、わたしみずから、あなたを祝福しよう」。ヤコブがそれを彼の所に持ってきたので、彼は食べた。またぶどう酒を持ってきたので、彼は飲んだ。
25Zvino akati: Iswededze kwandiri kuti ndidye zvenyama yemhuka yemwanakomana wangu, kuti mweya wangu ukuropafadze. Iye ndokuswededza kwaari, zvino akadya; ndokumuvigira waini, ndokumwa.
26そして父イサクは彼に言った、「子よ、さあ、近寄ってわたしに口づけしなさい」。
26Zvino baba vake Isaka vakati kwaari: Chiswedera, unditsvode, mwanakomana wangu.
27彼が近寄って口づけした時、イサクはその着物のかおりをかぎ、彼を祝福して言った、「ああ、わが子のかおりは、主が祝福された野のかおりのようだ。
27Zvino wakaswedera, akamutsvoda; ndokunzwa munhuwi wenguvo dzake, ndokumuropafadzwa, zvino akati: Tarira, munhuwi wemwanakomana wangu, semunhuwi wesango Jehovha raakaropafadza.
28どうか神が、天の露と、地の肥えたところと、多くの穀物と、新しいぶどう酒とをあなたに賜わるように。
28Naizvozvo Mwari ngaakupe zvedova rekumatenga, nekukora kwenyika, nezviyo zvakawanda newaini itsva.
29もろもろの民はあなたに仕え、もろもろの国はあなたに身をかがめる。あなたは兄弟たちの主となり、あなたの母の子らは、あなたに身をかがめるであろう。あなたをのろう者はのろわれ、あなたを祝福する者は祝福される」。
29Vanhu ngavakushumire, nemarudzi ngaakufugamire. Iva ishe wehama dzako, nevanakomana vamai vako ngavakufugamire. vanokupa rushambwa ngavapiwe rushambwa, uye vanokuropafadza ngavaropafadzwe.
30イサクがヤコブを祝福し終って、ヤコブが父イサクの前から出て行くとすぐ、兄エサウが狩から帰ってきた。
30Zvino zvakaitika Isaka paakangopedza kuropafadza Jakove, Jakove achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake wakasvika achibva pakuvhima kwake.
31彼もまたおいしい食べ物を作って、父の所に持ってきて、言った、「父よ、起きてあなたの子のしかの肉を食べ、あなたみずから、わたしを祝福してください」。
31Naiye wakagadzira chikafu chinonaka, akauya nacho kuna baba vake; akati kuna baba vake: Baba vangu ngavamuke, vadye zvenyama yemhuka yemwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.
32父イサクは彼に言った、「あなたは、だれか」。彼は言った、「わたしはあなたの子、長子エサウです」。
32Zvino Isaka baba vake vakati: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.
33イサクは激しくふるえて言った、「それでは、あのしかの肉を取って、わたしに持ってきた者はだれか。わたしはあなたが来る前に、みんな食べて彼を祝福した。ゆえに彼が祝福を得るであろう」。
33Isaka ndokubvunda nekubvunda kukurusa, akati: Ko ndiani wavhima nyama yemhuka, akauya nayo kwandiri, ndikadya zvayo zvose usati wasvika? Zvino ndamuropafadza, hongu ucharopafadzwa.
34エサウは父の言葉を聞いた時、大声をあげ、激しく叫んで、父に言った、「父よ、わたしを、わたしをも祝福してください」。
34Zvino Esau wakati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nekuchema kukuru kunorwadza zvikurusa, ndokuti kuna baba vake: Ndiropafadzei, iniwo, baba vangu!
35イサクは言った、「あなたの弟が偽ってやってきて、あなたの祝福を奪ってしまった」。
35Zvino akati: Munin'ina wako wauya nekunyengedzera, akatora ropafadzo yako.
36エサウは言った、「よくもヤコブと名づけたものだ。彼は二度までもわたしをおしのけた。さきには、わたしの長子の特権を奪い、こんどはわたしの祝福を奪った」。また言った、「あなたはわたしのために祝福を残しておかれませんでしたか」。
36Zvino akati: Imhaka yekuti vakatumidza zita rake Jakove here, kuti zvino wandinyengedzera kaviri aka; udangwe hwangu wakatora, zvino tarira, ikozvino wanditorera ropafadzo yangu. Ndokuti: Hamuna kundichengeterawo ropafadzo here?
37イサクは答えてエサウに言った、「わたしは彼をあなたの主人とし、兄弟たちを皆しもべとして彼に与え、また穀物とぶどう酒を彼に授けた。わが子よ、今となっては、あなたのために何ができようか」。
37Isaka ndokupindura ndokuti kuna Esau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndapa kwaari vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chii chandingakuitira, mwanakomana wangu?
38エサウは父に言った、「父よ、あなたの祝福はただ一つだけですか。父よ、わたしを、わたしをも祝福してください」。エサウは声をあげて泣いた。
38Esau ndokuti kuna baba vake: Munongova neropafadzo imwe yoga here, baba vangu? Ndiropafadzei iniwo, baba vangu. Esau ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
39父イサクは答えて彼に言った、「あなたのすみかは地の肥えた所から離れ、また上なる天の露から離れるであろう。
39Zvino Isaka baba vake ndokupindura akati kwaari: Tarira, ugaro hwako huchava kure nekukora kwenyika,uye kure nedova rekudenga rinobva kumusoro.
40あなたはつるぎをもって世を渡り、あなたの弟に仕えるであろう。しかし、あなたが勇み立つ時、首から、そのくびきを振り落すであろう」。
40Uye nemunondo wako uchararama, uye uchashumira munin'ina wako. Asi zvichaitika pauchapukunyuka, kuti uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.
41こうしてエサウは父がヤコブに与えた祝福のゆえにヤコブを憎んだ。エサウは心の内で言った、「父の喪の日も遠くはないであろう。その時、弟ヤコブを殺そう」。
41Zvino Esau wakavenga Jakove nekuda kweropafadzo baba vake yavakamuropafadza nayo. Esau ndokuti mumoyo make: Mazuva ekuchema baba vangu aswedera, zvino ndichauraya munin'ina wangu Jakove.
42しかしリベカは長子エサウのこの言葉を人づてに聞いたので、人をやり、弟ヤコブを呼んで言った、「兄エサウはあなたを殺そうと考えて、みずから慰めています。
42Zvino mashoko awa aEsau mwanakomana wake mukuru akaudzwa Rabheka, ndokutuma kunodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, ndokuti kwaari: Tarira, Esau mukoma wako unozvivaraidza pamusoro pako kuti akuuraye.
43子よ、今わたしの言葉に従って、すぐハランにいるわたしの兄ラバンのもとにのがれ、
43Naizvozvo ikozvino, mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani,
44あなたの兄の怒りが解けるまで、しばらく彼の所にいなさい。
44ugare naye mazuva mashoma, kusvikira shungu dzemukoma wako dzaserera,
45兄の憤りが解けて、あなたのした事を兄が忘れるようになったならば、わたしは人をやって、あなたをそこから迎えましょう。どうして、わたしは一日のうちにあなたがたふたりを失ってよいでしょうか」。リベカはイサクに言った、「わたしはヘテびとの娘どものことで、生きているのがいやになりました。もしヤコブがこの地の、あの娘どものようなヘテびとの娘を妻にめとるなら、わたしは生きていて、何になりましょう」。
45kusvikira kutsamwa kwemukoma wako kwaserera kubva kwauri, uye akangamwe zvawamuitira; Ipapo ndichatuma kuzokutora kubva ikoko; nemhaka yei ndicharasikirwa nemwi muri vaviri nemusi mumwe?
46リベカはイサクに言った、「わたしはヘテびとの娘どものことで、生きているのがいやになりました。もしヤコブがこの地の、あの娘どものようなヘテびとの娘を妻にめとるなら、わたしは生きていて、何になりましょう」。
46Rabheka ndokuti kuna Isaka: Ndanetswa neupenyu hwangu nekuda kwevakunda vaHeti; kana Jakove akatora mukadzi kuvakunda vaHeti, sevava, kuvakunda venyika ino, ndichararamirei?