1さて、ヤコブが旅路に進んだとき、神の使たちが彼に会った。
1Zvino Jakove akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.
2ヤコブは彼らを見て、「これは神の陣営です」と言って、その所の名をマハナイムと名づけた。
2Zvino Jakove paakavaona wakati: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanaimi.
3ヤコブはセイルの地、エドムの野に住む兄エサウのもとに、さきだって使者をつかわした。
3Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kunyika yeSeiri, nyika yekwaEdhomu.
4すなわちそれに命じて言った、「あなたがたはわたしの主人エサウにこう言いなさい、『あなたのしもべヤコブはこう言いました。わたしはラバンのもとに寄留して今までとどまりました。
4Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu Esau: Ndizvo zvinotaura muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvikira ikozvino;
5わたしは牛、ろば、羊、男女の奴隷を持っています。それでわが主に申し上げて、あなたの前に恵みを得ようと人をつかわしたのです』」。
5uye ndine mombe nemadhongi, makwai, nevaranda nevarandakadzi; ndatumira kuzokumikidza kuna ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pameso enyu.
6使者はヤコブのもとに帰って言った、「わたしたちはあなたの兄エサウのもとへ行きました。彼もまたあなたを迎えようと四百人を率いてきます」。
6Zvino nhume dzakadzoka kuna Jakobho dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu Esau; naiye unouya kuzokuchingamidzai nevarume mazana mana.
7そこでヤコブは大いに恐れ、苦しみ、共にいる民および羊、牛、らくだを二つの組に分けて、
7Jakove ndokutya zvikuru, akatambudzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemakamera, kuita mapoka maviri;
8言った、「たとい、エサウがきて、一つの組を撃っても、残りの組はのがれるであろう」。
8nekuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka akarirova, boka rakasara richapukunyuka.
9ヤコブはまた言った、「父アブラハムの神、父イサクの神よ、かつてわたしに『おまえの国へ帰り、おまえの親族に行け。わたしはおまえを恵もう』と言われた主よ、
9Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha makati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
10あなたがしもべに施されたすべての恵みとまことをわたしは受けるに足りない者です。わたしは、つえのほか何も持たないでこのヨルダンを渡りましたが、今は二つの組にもなりました。
10handina kufanira nyasha dzenyu dzose nekutendeka kwenyu kose kwamakaitira muranda wenyu; nekuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ndava mapoka maviri.
11どうぞ、兄エサウの手からわたしをお救いください。わたしは彼がきて、わたしを撃ち、母や子供たちにまで及ぶのを恐れます。
11Dondinunurai paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nekuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, amai pamwe nevana.
12あなたは、かつて、『わたしは必ずおまえを恵み、おまえの子孫を海の砂の数えがたいほど多くしよう』と言われました」。
12Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita mbeu yako sejecha regungwa risingagoni kuverengwa nekuwanda.
13彼はその夜そこに宿り、持ち物のうちから兄エサウへの贈り物を選んだ。
13Zvino wakavatapo usiku ihwohwo; akatora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake,
14すなわち雌やぎ二百、雄やぎ二十、雌羊二百、雄羊二十、
14Nhunzvi dzembudzi mazana maviri nenhongo makumi maviri, nenhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi maviri,
15乳らくだ三十とその子、雌牛四十、雄牛十、雌ろば二十、雄ろば十。
15makamera anoyamwisa makumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nehando gumi, makadzi embongoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.
16彼はこれらをそれぞれの群れに分けて、しもべたちの手にわたし、しもべたちに言った、「あなたがたはわたしの先に進みなさい、そして群れと群れとの間には隔たりをおきなさい」。
16Zvino wakazvipa mumaoko evaranda vake boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, musiye chinhambwe pakati peboka neboka.
17また先頭の者に命じて言った、「もし、兄エサウがあなたに会って『だれのしもべで、どこへ行くのか。あなたの前にあるこれらのものはだれの物か』と尋ねたら、
17Zvino wakaraira wekutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu, akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoendepi? Uye ndezvani zviri pamberi pako?
18『あなたのしもべヤコブの物で、わが主エサウにおくる贈り物です。彼もわたしたちのうしろにおります』と言いなさい」。
18Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiyewo amene uri kumashure kwedu;
19彼は第二の者にも、第三の者にも、また群れ群れについて行くすべての者にも命じて言った、「あなたがたがエサウに会うときは、同じように彼に告げて、
19ndokuraira newechipiri newechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Kana mukamuwana Esau, nenzira iyi mutaure kwaari;
20『あなたのしもべヤコブもわれわれのうしろにおります』と言いなさい」。ヤコブは、「わたしがさきに送る贈り物をもってまず彼をなだめ、それから、彼の顔を見よう。そうすれば、彼はわたしを迎えてくれるであろう」と思ったからである。
20mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove uri mumashure medu. Nekuti akati: Ndichambomunyaradza nechipo chinofamba mberi kwangu, uye mumashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.
21こうして贈り物は彼に先立って渡り、彼はその夜、宿営にやどった。
21Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumisasa.
22彼はその夜起きて、ふたりの妻とふたりのつかえめと十一人の子どもとを連れてヤボクの渡しをわたった。
22Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri nevarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka zambuko reJakove.
23すなわち彼らを導いて川を渡らせ、また彼の持ち物を渡らせた。
23Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
24ヤコブはひとりあとに残ったが、ひとりの人が、夜明けまで彼と組打ちした。
24Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakatsutsurudzana naye kusvikira utonga huchitsvuka.
25ところでその人はヤコブに勝てないのを見て、ヤコブのもものつがいにさわったので、ヤコブのもものつがいが、その人と組打ちするあいだにはずれた。
25Asi aona kuti haagoni kumukunda, wakabata pamhango yehudyu, hudyu ikasvogodoka achitsutsurudzana naye.
26その人は言った、「夜が明けるからわたしを去らせてください」。ヤコブは答えた、「わたしを祝福してくださらないなら、あなたを去らせません」。
26Zvino akati: Ndirege ndiende nekuti utonga hwatsvuka. asi wakati: Handingakuregei muchienda musati mandiropafadza.
27その人は彼に言った、「あなたの名はなんと言いますか」。彼は答えた、「ヤコブです」。
27Zvino akati: Zita rako ndiani? Ndokuti: Jakobho.
28その人は言った、「あなたはもはや名をヤコブと言わず、イスラエルと言いなさい。あなたが神と人とに、力を争って勝ったからです」。
28Akati, Zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri, nekuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.
29ヤコブは尋ねて言った、「どうかわたしにあなたの名を知らせてください」。するとその人は、「なぜあなたはわたしの名をきくのですか」と言ったが、その所で彼を祝福した。
29Jakobho ndokubvunza akati: Ndiudzeiwo zita renyu. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Akamuropafadza ipapo.
30そこでヤコブはその所の名をペニエルと名づけて言った、「わたしは顔と顔をあわせて神を見たが、なお生きている」。
30Zvino Jakove wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Penieri; nekuti wakati: Ndaona Mwari chiso nachiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.
31こうして彼がペニエルを過ぎる時、日は彼の上にのぼったが、彼はそのもものゆえにびっこを引いていた。そのため、イスラエルの子らは今日まで、もものつがいの上にある腰の筋を食べない。かの人がヤコブのもものつがい、すなわち腰の筋にさわったからである。
31Zvino zuva rakamubudira opfuura paPenieri; akakamhina pahudyu yake.
32そのため、イスラエルの子らは今日まで、もものつがいの上にある腰の筋を食べない。かの人がヤコブのもものつがい、すなわち腰の筋にさわったからである。
32Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi runda rwehudyu riri pamhango yehudyu kusvikira zuva ranhasi; nekuti akabata mhango yehudyu yaJakove parunda rehudyu.