1人はその妻エバを知った。彼女はみごもり、カインを産んで言った、「わたしは主によって、ひとりの人を得た」。
1Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokutora mimba, akabereka Kaini, akati: Ndawana munhu kubva kuna Jehovha.
2彼女はまた、その弟アベルを産んだ。アベルは羊を飼う者となり、カインは土を耕す者となった。
2Zvino akaberekazve munin'ina wake Abhero. Uye Abhero waiva mufudzi wemakwai, Kaini waiva murimi wevhu.
3日がたって、カインは地の産物を持ってきて、主に供え物とした。
3Zvino pakupfuura kwenguva, zvakaitika kuti Kaini wakauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
4アベルもまた、その群れのういごと肥えたものとを持ってきた。主はアベルとその供え物とを顧みられた。
4NaAbherowo akauisa zvemakwayana ake ematangwe nezvakakora zvawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake;
5しかしカインとその供え物とは顧みられなかったので、カインは大いに憤って、顔を伏せた。
5asi kuna Kaini nekuchipiriso chake haana kugamuchira. Zvino Kaini wakatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana.
6そこで主はカインに言われた、「なぜあなたは憤るのですか、なぜ顔を伏せるのですか。
6Zvino Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwirei? Chiso chako chakaunyana nei?
7正しい事をしているのでしたら、顔をあげたらよいでしょう。もし正しい事をしていないのでしたら、罪が門口に待ち伏せています。それはあなたを慕い求めますが、あなたはそれを治めなければなりません」。
7Kana uchiita zvakanaka, haugamuchiriki here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuwo; nechishuwo chake chiri kwauri asi iwe uchatonga.
8カインは弟アベルに言った、「さあ、野原へ行こう」。彼らが野にいたとき、カインは弟アベルに立ちかかって、これを殺した。
8Zvino Kaini wakataura nemunun'una wake Abhero; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin'ina wake, akamuuraya.
9主はカインに言われた、「弟アベルは、どこにいますか」。カインは答えた、「知りません。わたしが弟の番人でしょうか」。
9Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Ari kupi Abhero munin'ina wako? Iye ndokuti: Handizivi, ndini muchengeti wemunin'ina wangu here?
10主は言われた、「あなたは何をしたのです。あなたの弟の血の声が土の中からわたしに叫んでいます。
10Zvino wkati: Waitei? Inzwi reropa remunin'ina wako rinodaidzira kwandiri richibva pasi.
11今あなたはのろわれてこの土地を離れなければなりません。この土地が口をあけて、あなたの手から弟の血を受けたからです。
11Zvino wapiwa rushambwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin'ina wako paruoko rwako;
12あなたが土地を耕しても、土地は、もはやあなたのために実を結びません。あなたは地上の放浪者となるでしょう」。
12kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nemudzungairi panyika.
13カインは主に言った、「わたしの罰は重くて負いきれません。
13Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Kurangwa kwangu kukuru kupfuura kwandingatakura,.
14あなたは、きょう、わたしを地のおもてから追放されました。わたしはあなたを離れて、地上の放浪者とならねばなりません。わたしを見付ける人はだれでもわたしを殺すでしょう」。
14Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika ino, uye ndichavanziwa pamberi pechiso chenyu; ndichava mutizi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani naani anondiwana achandiuraya.
15主はカインに言われた、「いや、そうではない。だれでもカインを殺す者は七倍の復讐を受けるでしょう」。そして主はカインを見付ける者が、だれも彼を打ち殺すことのないように、彼に一つのしるしをつけられた。
15Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anozomuwana angamuuraya.
16カインは主の前を去って、エデンの東、ノドの地に住んだ。
16Zvino Kaini wakabva pamberi paJehovha, ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
17カインはその妻を知った。彼女はみごもってエノクを産んだ。カインは町を建て、その町の名をその子の名にしたがって、エノクと名づけた。
17Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake, akatora mimba, akabereka Enoki; ndokuvaka guta, akatumidza guta zita remwanakomana wake Enoki.
18エノクにはイラデが生れた。イラデの子はメホヤエル、メホヤエルの子はメトサエル、メトサエルの子はレメクである。
18Enoki akaberekerwa Iradhi; naIradhi akabereka Mehujaeri; naMehujaeri akabereka Metushaeri; naMetushaeri akabereka Rameki;
19レメクはふたりの妻をめとった。ひとりの名はアダといい、ひとりの名はチラといった。
19Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri, nezita reumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
20アダはヤバルを産んだ。彼は天幕に住んで、家畜を飼う者の先祖となった。
20Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende vane zvipfuwo.
21その弟の名はユバルといった。彼は琴や笛を執るすべての者の先祖となった。
21Zvino zita remunin'ina wake raiva Jubhari; iye waiva baba vevose vanoridza udimbwa nenyere.
22チラもまたトバルカインを産んだ。彼は青銅や鉄のすべての刃物を鍛える者となった。トバルカインの妹をナアマといった。
22Zirawo ndokubereka Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzinocheka dzendarira nedare; nehanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama.
23レメクはその妻たちに言った、「アダとチラよ、わたしの声を聞け、レメクの妻たちよ、わたしの言葉に耳を傾けよ。わたしは受ける傷のために、人を殺し、受ける打ち傷のために、わたしは若者を殺す。
23Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai nhaurwa yangu; nekuti ndauraya munhu anondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
24カインのための復讐が七倍ならば、レメクのための復讐は七十七倍」。
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
25アダムはまたその妻を知った。彼女は男の子を産み、その名をセツと名づけて言った、「カインがアベルを殺したので、神はアベルの代りに、ひとりの子をわたしに授けられました」。セツにもまた男の子が生れた。彼はその名をエノスと名づけた。この時、人々は主の名を呼び始めた。
25Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nekuti wakati, Mwari wandipa imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.
26セツにもまた男の子が生れた。彼はその名をエノスと名づけた。この時、人々は主の名を呼び始めた。
26NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enosi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.