1Geras vardas yra geriau negu brangus tepalas ir mirties diena negu gimimo diena.
1Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
2Geriau eiti į gedulo negu į puotos namus, nes tai visų žmonių galas ir gyvieji susimąsto.
2Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nekuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.
3Geriau yra liūdėti negu juoktis, nes liūdnas veidas daro širdį geresnę.
3Kuchema kunopfuura kuseka, nekuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.
4Išmintingųjų širdis yra gedulo namuose, o kvailiųlinksmybės namuose.
4moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.
5Geriau yra išgirsti išmintingo barimą negu klausytis kvailųjų giedojimo.
5Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
6Kvailio juokas yra kaip deginamų erškėčių spragsėjimas po puodu. Ir tai yra tuštybė.
6nekuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kwemhinzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
7Priespauda ir išmintingą padaro beprotį, o kyšiai sugadina širdį.
7Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.
8Pabaiga geriau negu pradžia; kantrumas geriau negu išdidumas.
8Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.
9Nebūk greitas pykti, nes pyktis yra kvailio antyje.
9Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nekuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
10Nesakyk: “Kodėl seniau buvo geriau negu dabar?” Tai neišmintingas klausimas.
10Usati, Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? nekuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.
11Gerai yra išmintis su paveldėjimu, ypač tiems, kurie mato saulę.
11Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.
12Išmintis yra tokia pat apsauga kaip pinigai, bet pažinimo pranašumas tas, kad išmintis suteikia gyvenimą tam, kuris ją turi.
12nekuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
13Pažvelk į Dievo darbus! Kas galėtų ištiesinti tai, ką Jis padarė kreivą?
13Cherekedza basa raMwari, nekuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?
14Gerą dieną džiaukis, o nelaimės dieną susimąstyk: Dievas padarė vieną ir kitą, kad žmogus nežinotų, kas jo laukia.
14Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
15Per savo beprasmes dienas mačiau, kaip teisusis žūva savo teisume, o nedorėlis ilgai gyvena, darydamas pikta.
15Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.
16Nebūk per daug teisus nė per daug išmintingas; nepakenk pats sau.
16Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?
17Nebūk per daug nedoras nė kvailas, kad nemirtum prieš laiką.
17Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?
18Gera laikytis vieno ir nepaleisti kito, nes bijantis Dievo išvengs viso to.
18Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nekuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.
19Išmintingas yra stipresnis už dešimt galiūnų.
19Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.
20Nėra žemėje teisaus žmogaus, kuris visad gera darytų ir niekad nenusidėtų.
20Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
21Nekreipk dėmesio į visas kalbas, kad neišgirstum savo tarno tave keikiant.
21Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.
22Nes tavo širdis žino, kad ir tu dažnai keiki kitus.
22nekuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.
23Aš viską išmintingai tyrinėjau ir galvojau, kad būsiu išmintingesnis, bet tai buvo toli nuo manęs.
23Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.
24Visa tai yra toli ir labai giliai. Kas visa tai ištirs?
24Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?
25Aš nusprendžiau savo širdyje pažinti, ištirti ir surasti išmintį bei priežastis, suprasti kvailumo, beprotystės ir neišmanymo pragaištingumą.
25Ndakatendeuka, nemoyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.
26Aš supratau, kad kartesnė už mirtį yra moteris, kurios širdyje yra spąstai ir tinklai, o rankose virvės. Kas patinka Dievui, tas pabėgs nuo jos, bet nusidėjėlį ji sugauna.
26Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani wakanaka pana Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
27Tai aš supratau,sako pamokslininkas,lygindamas vieną dalyką su kitu, kol radau atsakymą.
27Zvanzi noMuparidzi, Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;
28Ko mano siela ieškojo, bet aš neradau? Suradau vieną vyrą iš tūkstančio, bet moters tarp visų neradau nė vienos.
28zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.
29Štai ką aš supratau: Dievas sukūrė visus žmones teisius, bet jie patys daug dalykų prasimano.
29Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.