Lithuanian

Shona

Ecclesiastes

8

1Kas yra toks išmintingas, kad galėtų viską išaiškinti? Išmintis nušviečia žmogaus veidą ir sušvelnina jo bruožus.
1Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
2Klausyk karaliaus įsakymų dėl Dievui duotos priesaikos.
2Ndinoti, Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.
3Neskubėk išeiti iš jo akivaizdos. Nedalyvauk nedorame darbe, nes jis gali daryti, ką nori.
3Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nekuti anoita zvose zvaanoda.
4Karaliaus žodis yra galingas; kas gali jam sakyti: “Ką tu darai?”
4nekuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, Munoiteiko?
5Klausydamas jo įsakymų, nepatirsi pikta. Išmintingas žmogus žino, kada ir kaip elgtis.
5Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.
6Kiekvienam dalykui yra laikas ir sprendimas, tačiau žmogui tai didelis vargas,
6nekuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nekuti kushata komunhu kunomuremedza;
7nes nė vienas nežino, kas bus ir kada tai įvyks?
7nekuti haazivi zvichazovapo; nekuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?
8Nė vienas žmogus neturi galios sulaikyti dvasią nei pakeisti mirties laiko. Negali būti atleistas nuo šitos kovos, ir nedorybė neišgelbės to, kuris jai atsidavęs.
8Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukangamwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.
9Aš viską stebėjau, kreipiau dėmesį į kiekvieną dalyką pasaulyje. Kartais žmogus gali valdyti kitą žmogų ir pats sau kenkti.
9Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
10Aš mačiau nedorėlius laidojant; jie eidavo į šventyklą, tačiau buvo pamiršti mieste, kuriame taip elgėsi. Tai irgi yra tuštybė.
10Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.
11Kadangi nuosprendis už piktus darbus ne tuojau įvykdomas, todėl žmonių širdys yra visiškai atsidavę daryti pikta.
11Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.
12Nors nusidėjėlis ir šimtą kartų nusikaltęs ilgai gyventų, tačiau aš žinau, kad tie, kurie bijo Dievo, tikrai patirs gera.
12Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
13Bet nedorėliui nebus gerai ir netruks ilgai jo dienos, kurios tėra šešėlis, nes jis nebijo Dievo.
13asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nekuti haatyi pamberi paMwari.
14Žemėje kartais teisusis gauna, ką nedorėlis yra nusipelnęs, o nedorėlis gauna, ką yra nusipelnęs teisusis. Aš sakiau, kad tai taip pat tuštybė.
14Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, Naizvozvi hazvina maturo.
15Tada aš gyriau linksmybę, nes žmogui nėra nieko geresnio po saule, kaip valgyti, gerti ir būti patenkintam. Tai pasiliks su juo jo darbuose per visas dienas, kurias Dievas jam davė po saule.
15Ipapo ndakarumbidza mufaro, nekuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, amwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
16Kai aš stengiausi suprasti išmintį ir tai, kas vyksta žemėje, kodėl žmonės nei dieną, nei naktį nesudeda akių,
16Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),
17aš pamačiau visus Dievo darbus ir supratau, kad žmogus negali suvokti, kas vyksta po saule. Kaip žmogus besistengtų tyrinėdamas, jis nesuvoks to; net išmintingasis, kuris tariasi žinąs, to nesupras.
17ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nekuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.