Lithuanian

Shona

Micah

6

1Klausykite, ką sako Viešpats: “Susirinkite, bylinėkitės kalnų akivaizdoje, kalvos tegirdi jūsų balsą!”
1Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako.
2Girdėkite, kalnai, Viešpaties bylą, jūs, tvirtieji žemės pamatai, Viešpaties bylą su Jo tauta­Izraeliu:
2Chinzwai, imwi makomo, rukave rwaJehovha, nemwi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nekuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri.
3“Mano tauta, ką tau padariau ir kuo apsunkinau? Paliudyk prieš mane.
3Nhai, imwi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Pupura uchindipikisa.
4Aš juk išvedžiau tave iš Egipto šalies, iš jos vergijos išpirkau tave; pasiunčiau Mozę, Aaroną ir Mirjamą išlaisvinti tave.
4nekuti ndakakubudisai panyika ndikakudzikunurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mozisi naAroni naMiriami.
5Mano tauta, atsimink, ką buvo sumanęs Balakas, Moabo karalius, ir ką jam atsakė Balaamas, Beoro sūnus. Pagalvok, kas vyko nuo Šitimų iki Gilgalo, kad pažintum Viešpaties teisumą”.
5Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakarangamwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
6Su kuo man ateiti pas Viešpatį, nusilenkti aukštybių Dievui? Ar ateiti su metinių veršių deginamosiomis aukomis?
6Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe hete?
7Ar Viešpats priims tūkstančius avinų ir daugybę aliejaus? O gal man atiduoti savo pirmagimį už nusikaltimus, savo kūno vaisių už savo nuodėmę?
7Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?
8Tau, žmogau, Jis pasakė, kas gera ir ko Viešpats reikalauja iš tavęs: teisingai elgtis, būti gailestingam ir vaikščioti nuolankiai su Dievu.
8Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
9Viešpaties balsas šaukia miestui (išmintinga yra bijotis Tavo vardo): “Klausykite skeptro ir To, kuris jį paskyrė!
9Izwi raJehovha rinodana kuguta, akachenjera achatya zita renyu; teererai shamhu, nowakairaira.
10Ar dar tebėra nedorėlio namuose nedorybės turtai ir pasibjaurėtinai sumažintas saikas?
10Ko fuma yezvakashata ichipo muimba yowakashata here, uye chiyero chakatapudzwa chinonyangadza here?
11Ar laikyti nekaltais tuos, kurie naudoja neteisingas svarstykles ir apgaulingus svarsčius?
11Ko ndingava wakachena kana ndine zviyero zvakashata, nehomo yezviyereso zvinonyengera here?
12Turtuoliai pilni smurto, gyventojai kalba melą ir apgaulę.
12nekuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
13Taigi ir Aš tave, Izraeli, bausiu dėl tavo nuodėmių!
13Saka neniwo ndakakurovai vanga rakaipa kwazvo; ndakakuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14Tu valgysi, bet nepasisotinsi­ liksi alkanas. Ką sutaupysi, to neturėsi, o jei ką išsaugosi­karai sunaikins.
14Muchadya, asi hamungaguti, kushoorwa kwenyu kuchava pakati penyu; muchabvisa nhumbi dzenyu, asi hamungadzichengeti, idzo dzamunochengeta, ndichadziparadzisa nomunondo.
15Tu sėsi, bet nepjausi; spausi alyvas, bet nesitepsi aliejumi; spausi vynuoges, bet negersi vyno.
15Muchakusha, asi hamungacheki, muchasvina maorivhi, asi hamungazori mafuta, muchasvina mazambiringa, asi hamungamwi waini.
16Jūs vykdote Omrio ir Ahabo nuostatus ir elgiatės pagal jų patarimus. Todėl sunaikinsiu tave, o tavo gyventojai taps pajuoka. Jūs kentėsite mano tautos paniekinimą”.
16nekuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imwi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imwi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.