Lithuanian

Shona

Micah

7

1Vargas man, kaip nuskynus vasaros vaisius, kaip nurinkus vynuogių likučius: nėra jokios kekės pavalgyti nė nunokusių figų, kurias taip mėgstu!
1Ndine nhamo ini! nekuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unopanga muchero womuonde waibva.
2Dingo geri žmonės krašte, nebėra dorų žmonių. Jie visi tykoja kraujo, spendžia pinkles broliui.
2Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3Jų rankos yra stropios piktam. Kunigaikštis ir teisėjas reikalauja dovanų, o turtuolis reiškia savo nedorus norus. Taip jie iškraipo teisingumą.
3Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura ruchiva rwuri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
4Jų geriausias yra kaip usnis, o doriausias kaip erškėčių tvora. Sąmyšio diena artėja, pranašų žodžiai pildosi.
4Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rwemhinzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.
5Netikėkite artimu, nepasitikėkite draugu! Saugokis net tos, kuri guli prie tavo šono.
5Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako.
6Sūnus niekina tėvą, duktė sukyla prieš motiną, marti prieš anytą; žmogaus priešai yra jo paties namiškiai.
6nekuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake.
7O aš ieškosiu Viešpaties, lauksiu savo išgelbėjimo Dievo! Mano Dievas išklausys mane.
7Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.
8Nesidžiauk, mano prieše! Nors suklupau­atsikelsiu, nors sėdžiu tamsoje­Viešpats yra mano šviesa.
8Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
9Viešpaties rūstybę kęsiu, nes Jam nusidėjau. Jis išspręs mano bylą ir bus man teisingas­Jis išves mane į šviesą ir aš matysiu Jo teisumą.
9Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nekuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
10Mano priešai tai matys ir bus sugėdinti. Jie kalbėjo: “Kur yra Viešpats, tavo Dievas?” Aš matysiu juos sutryptus gatvių purve.
10Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, Jehovha Mwari wako aripiko? Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha.
11Ateina dienos tavo sienoms atstatyti, dienos tavo riboms praplėsti.
11Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganho ichatarwa nokure.
12Tą dieną ateis pas tave iš visur: nuo Asūro iki Egipto, nuo Tyro iki Eufrato, nuo jūros iki jūros ir nuo kalno iki kalno.
12Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eEgipita, nokunyika inobva Egipita ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo.
13Tačiau kraštas virs dykyne dėl jo gyventojų, dėl jų darbų vaisiaus.
13Kunyange zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo.
14Ganyk savo tautą, savo paveldo avis, kurios vienišos gyvena Karmelio miške. Tegul jos ganosi Bašano ir Gileado vešliuose laukuose kaip senomis dienomis.
14Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGiriyadhi, sapamazuva akare.
15Parodysiu jums nuostabių dalykų, kaip jums išeinant iš Egipto krašto.
15Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeEgipita.
16Tautos, tai matydamos, susigės dėl savo jėgos: nebenorės nei girdėti, nei kalbėti.
16Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi.
17Jos ris dulkes kaip gyvatės, kaip žemės kirmėlės išlįs iš savo skylių. Jos bijos Viešpaties, mūsų Dievo, ir drebės dėl Tavęs.
17Vachananzva guruva senyoka., vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai.
18Kur yra toks Dievas kaip Tu, kuris atleidžia kaltę savo išrinktosios tautos likučiui? Jis nerūstauja per amžius, nes Jam patinka gailestingumas.
18Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokangamwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nekuti anofarira kuva nenyasha.
19Jis pasigailės mūsų, sunaikins nusikaltimus ir paskandins jūros gelmėse visas mūsų nuodėmes.
19Achatinzwira tsitsizve, achatsikira zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa.
20Tu parodysi ištikimybę Jokūbui ir gailestingumą Abraomui, kaip su priesaika pažadėjai mūsų tėvams senomis dienomis.
20muchaitira Jakove zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare.